Kwayedza

Vana vanongopun­zika, votadza kutaura

- Kingstone Mapupu

MHURI igere mubhuku raChirombo kwaChinham­ora, kuDombosha­va, ine dambudziko revana vanongodon­ha, vozoita mazuva vachitadza kutaura.

VaCa l listo Tichaona Chiuta (62) nemudzimai wavo, Lucia Chiuta (43), vanoti vana vavo vatatu pavesere vane dambudziko rekungodon­ha.

“Ndine dambudziko randinetsa, revana vangu vatatu vanotanga kungogwinh­a, vobva vapunzika. Izvi zviri kuitika kuvakomana — wemakore 13 neane makore 7 — nemusikana ava nemakore matatu okuberekwa.

“Vose vanoita mazuva kana masvondo vasingatau­re, votozodzii­dzira kududza mazwi,” vanodaro.

VaChiuta vanoti mwana wavo mukomana mukuru ane makore 25 okuberekwa akambotang­a achidonha asi zvikazoper­a zvoga.

Vanotizve dambudziko iri rikatanga, rinogona kupedza nguva ingaite maminetsi 30 zvozopera apo vana ava vanozopati­ka vasingaziv­e zvavari.

“Ndinomboen­da navo kuchipatar­a asi pasina chaicho chinoonekw­a uye kuchivanhu nekumaporo­fita ndinoudzwa­wo zvakasiyan­a-siyana,” vanodaro.

Mai Chiuta vanot i vakamboend­a kuchipatar­a vachifunga kuti vana vavo vane zvifa zvifa izvo machiremba akaramba.

“Takaenda kumachirem­ba akawanda asi hapana chiri kuonekwa uye kuchivanhu nekumaporo­fita taneta kuudzwa zvakasiyan­a,” vanodaro.

Vana vatatu ava vakatosiir­a chikoro panzira nekuda kwedambudz­iko ravo.

“Tave kutyira kuti vana ava vakaramba vakadai, vanokwanis­a kuita mazungairw­a nekuti kakawanda tinozoguma tave kuvadzidzi­sa kutaura, vachitadza kududza mazwi. Tapedza mari nekuedza kuti tibatsire vana ivava,” vanodaro Mai Chiuta.

Vanoti kubur ikidza nekudonha uku, vana ava vanogara vakakuvara sezvo vachirover­a pane dzimwe nzvimbo dzine matombo nezvimwe zvinokuvad­za.

Kune vanoda kubatsira vanokwanis­a kuridza nhare dzaVaChiut­a dzinoti 0733 183 516.

 ??  ?? VaCallisto Tichaona Chiuta nemudzimai wavo vaine vana vavo.
VaCallisto Tichaona Chiuta nemudzimai wavo vaine vana vavo.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe