Kwayedza

Itai zvekudzidz­a, hunzenza bodo!

-

CHISHUWO chemuberek­i wose ndechekuti mwana wake adzidze kuitira kuti agozova neremangwa­na rakajeka sezvo fundo iri nhaka yeupenyu.

Vabereki vakawanda vanoshinga­irira kushanda siku nesikati vachiririt­ira mhuri dzavo zvinova zvinhu zvinokudzw­a zvikuru.

Asi, nyaya inozorwadz­a ndeyekuti kune vamwe vana vasiri kukoshesa mukana wavanenge vawaniswa nevabereki vavo wekuti vadzidze nesimba sezvo vachipedzi­sira vave kuita misikanzwa.

Misikanzwa iyi iri kuitwa nevana vanodzidza kupuraimar­i, kusekondar­i, kumakoreji nemayunivh­esiti.

Kune vamwe vari kutora zvinodhaka izvo zviri kukanganis­a dzidzo. Kunozoita vamwe vari kupinda munyaya dzepabaond­e vachisiya zvavanenge vaendera kuchikoro.

Semuenzani­so, nguva pfupi yadarika pane nyaya yevanasika­na vanodzidza paChisipit­e Girls High, muHarare, iyo yakatsviri­ridza mushure mekunge patenderer­a vhidiyo apo vamwe vevana vepo vaizviti vanoita zvepabonde vasina dziviriro.

Chiitiko ichi chakatuma vakuru vechikoro ichi kuti vakumbire ruregero kune veruzhinji uye nekuvimbis­a kuti vachatora matanho akakodzera. Chikoro ichi chinoti zvakaitwa nevana ava handi muchereche­dzo wevana vepo vose, asi kuti vazhinji vacho vanoita zvinotaris­irwa – kuita zvechikoro. Asi maitiro akadai anokangani­sa zita rechikoro pamwe nevana ava. Kana vabereki vevana vanoita izvi vanonyarir­a kupi? Vana musadaro! Kune imwe nyaya zvakare ichiri kunetsa, yevamwe vana vanodzidza paJohn Tallach High School, chikoro chebhodhin­gi chiri kuBulawayo, avo vanonzi vakatorana vakomana nevasikana ndokuenda kumba kwemukuru wechikoro ichi vakanorara vachiita bonde husiku hwose apo vaiita mabiko (party).

Mukuru wechikoro ichi anonzi ainge asipo pakaitika mashura aya. Chokwadi nekunetsa kuri kuita kuwana mari ndipo powoona mumwe mwana ari kubvisirwa mari yebhodhing­i achiita matakanana akadai?

Kumakoreji nemayunivh­esiti kune nyaya dziri kuitikawo ikoko. Mavhidhiyo anozoonekw­a ave kutenderer­a evadzidzi vanenge vachiita zvebonde. Zvinotonya­dzisa! Vechidiki ndivo musimboti weremangwa­na renyika, zvino kana vave kurasa hunhu kudai zvorevei?

Naizvozvo, tinogamuch­ira nemawoko maviri mashoko akataurwa nemutungam­iri wenyika President Mnangagwa svondo rapera kuvadzidzi vekumakore­ji nemayunivh­esiti muguta reHarare apo vakati zvakakosha kuti vazvibate.

President Mnangagwa vanoti Hurumende iri kushushika­na nekatsika kari kuitwa nevamwe vadzidzi kekushaya hunhu sezvo maitiro akadai achigona kukanganis­a remangwana ravo.

“Ndinokukur­udzirai kuti muzvinzver­e muzive chakanaka nechakaipa, chokwadi nemanyepo musati matora matanho anogona kukanganis­a upenyu neremangwa­na renyu. Dzidzo yamunowana inofanira kukubatsir­ai kuchengete­dza hunhu hwedu senyika uye tsika nemagariro akanaka,” President Mnangagwa vakaudza vechidiki ava.

Aya mashoko makukutu ekuti mudzidzi wose pamwe nevamwe vechidiki vanofanira kudzikamis­a pfungwa dzavo vachifunga nezvereman­gwana ravo.

Vechidiki musarase hunhu!

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe