BISHOP AKABVISA BABA SIKARUDZI
‘Inhema, vane godo neni’
BISHOP wechechi yeJekenisheni kuBuhera, kuManicaland, ari kupomerwa nehama dzake kuti akacheka ndokubvisa nhengo dzesikarudzi pachitunha chababa vake, izvo anonzi akatiza nazvo akaenda kusina anoziva kuti akanoitei nazvo.
Bishop Silas Pasiparova vemubhuku raMutendamambo, kwaNyashanu, anonzi akacheka nhengo dzakavandika dzemutumbi wababa vake, mushakabvu VaChamunondirwa Mesa Pasiparova.
Bishop uyu ndimuzvinabhizimisi munzvimbo iyi.
Mutevedzeri wemutauriri wemapurisa kudunhu reManicaland, Assistant Inspector Luxson Chananda, vanoti vanoda nguva yekuongorora mafambiro enyaya iyi.
Zvisinei, Bishop Pasiparova ari kuramba nyaya iyi achiti mashoko ari kugadzirwa nehama dzake dzine godo nekubudirira kwake. Asi anotsinhira kuti akatomborohwa nehama dzake dzichimupomera kucheka sikarudzi pachitunha chababa vake.
Pakasvikirwa bishop uyu pamba pake nevatori venhau svondo rapera, akawanikwa asipo achinzi ainge afamba.
Zvisinei, Bishop Pasiparova akazoudza Kwayedza panhare kuti ainge asina kufamba rwendo, asi kuti ainge avahwanda.
Asi svondo rino anozoudza mutori wenhau uno panhare — uyo waainge amboita seanotuka pekutanga — kuti ava kuda kutaura zvose zvakaitika.
“Ndiudzei kuti nyaya iyi makainzwa nani, ndiyani chaiye akauya kuzokutaurirai? Ndinoziva kuti mwana wangu anoshanda kuHarare ikoko. Ndiye futi akambotungamirira vanhu kundirova parufu, vakandigusa vhudzi rangu reRasta iro ravakatora vakaenda naro.
“Imimi dzokai kuno kuchechi kuChipinge titaure. Nyaya iyi yava kukwira makata . . .,” Bishop Pasiparova anodaro nemusi weChipiri svondo rino.
Hama dzaBishop Pasiparova idzo dzakataurwa nadzo neKwayedza dziri kupupura nyaya iyi dzichiti izvi zvakaitwa nekuda kwekuromba.
Correct Pasiparova (20), uyo agere mubhuku raUnganayi, kwaMukuri uye ari mwana kuna Bishop Pasiparova, anoti nyaya iyi iri kuvatemesa misoro semhuri.
“Babamukuru Silas Pasiparova — avo vakatama muno mumusha vachinogara kwaMutendamambo, makare muno muBuhera – vakacheka zvinhu zvasekuru vedu baba vavo, VaChamunondirwa Mesa Pasiparova. Pakashaika sekuru munguva pfupi yakadarika, babamukuru bishop vakaudza vanhu vose kuti vambobuda mumba vachiti vane zvavaiva vasiya vataurirwa nababa vavo. Ndipo pavakacheka sikarudzi yasekuru yose isu vamwe tisina zvatakaziva sezvo takaburitswa panze,” anodaro.
Zvinonzi Bishop Pasiparova — sezvo vari ivo mukomana mukuru mumusha uyu – hapana akavapikisa pane zvavaida kuita uye vanonziwo vakazorambidza vanhu kuti vaonekane nemufi uyu vachiona chitunha chake.
“Pakaita mhirizhonga vanhu vachida kuziva kuti babamukuru ava vaiita sei voga nechitunha mumba. Pakapotsa parwiwa, Silas akagumisira abata pfumo.
“Mutumbi wakazoonekwa nemuzukuru wedu mukuru, Bunny Bimha, uyo akaita nharo ndokutanga kupinda mumba. Akabuda mumba ndokutanga nekuudza amainini vake, Find Zvenyika, kuti sekuru vainge vachekwa sikarudzi.
“Izvi zvakave pachena nekuti kana magumbeze nemachira aiva akaradzikwa mutumbi akange azara ropa,” anodaro Correct.
Anoti chishamiso ndechekuti vaviri kutanga kuziva nyaya iyi – Bunny natete Find – vose vakafa vasina kurwara. Find anonzi akarumwa nenyoka kubindu, Bunny ndokungopundika, ndiye sarai.
Hardlife Pasiparova – mumwe wevana mumhuri iyi, uye akataurwa naye parunhare – anotsinhira achiti: “Iyi inyaya yakatishamisa zvikuru. Silas ndibaba wedu asi akacheka nhengo dzakavandika dzasekuru, baba vake. Tinongoti akanozvishereketera.
“Izvozvi vanhu vave kufa nekuda kwemweya wasekuru vedu wave kudzoka uchiti makandichekerei.”
Mushakabvu Find, uyo akashaika munguva pfupi ndine anonzi aiva mutevedzani naBishop Pasiparova.
“Tete Find pavakarwara vachizofa, vakasiya vataura nyaya iyi kuti hanzvadzi yavo akacheka sikarudzi yababa vavo. Zvino tava kufa sembeva nekuda kwenyaya iyi,” anodaro Hardlife.
Mesa Pasiparova (42), anove mwana kuna Bishop Pasiparova, anotsinhirawo.
“Baba Silas Pasiparova vakacheka sekuru wedu mitezo vakaenda nayo hamheno kuti kupi. Nyaya iyi yanetsa zvikuru, sekuru vave kumuka ngozi yave kupedza mhuri.
“Takamboungana semhuri babamukuru Silas vakabvuma nyaya iyi, tikawirirana kuti taizofamba tose semhuri nyaya yacho yogadziriswa,” anodaro Mesa.
Anoti vaiva padare remhuri pakataurwa nyaya iyi vanosanganisira Joseph Pasiparova, Semious Mukuri Pasiparova, Ringisai Pasiparova, Kunarwo Pasiparova, Mandengerero Pasiparova nedzimwe hama.
Zvichitevera kufa kwaBunny, asara semuzukuru mukuru mumhuri yekwaPasiparova, VaTemai Chando, vanotsinhirawo nyaya iyi pavakataurwa navo panhare.
“Mumusha wanasekuru vangu makashereketwa izvo zvinoda kuti vagare pasi zvigadziriswe. Sekuru Silas vakacheka zvombo zvababa vavo vakaenda nazvo kusina anoziva. Zvinonzi zviriko kumba kwavo sekutaura kwemaporofita,” vanodaro.
Asi Bishop Pasiparova paakashanyirwa neKwayedza kumba kwake nekuchitoro chake pataundishipi yeZinyamapere, kuGunura, kwaMutendamambo,
◆