Kwayedza

BISHOP AKABVISA BABA SIKARUDZI

‘Inhema, vane godo neni’

- Kingstone Mapupu

BISHOP wechechi yeJekenish­eni kuBuhera, kuManicala­nd, ari kupomerwa nehama dzake kuti akacheka ndokubvisa nhengo dzesikarud­zi pachitunha chababa vake, izvo anonzi akatiza nazvo akaenda kusina anoziva kuti akanoitei nazvo.

Bishop Silas Pasiparova vemubhuku raMutendam­ambo, kwaNyashan­u, anonzi akacheka nhengo dzakavandi­ka dzemutumbi wababa vake, mushakabvu VaChamunon­dirwa Mesa Pasiparova.

Bishop uyu ndimuzvina­bhizimisi munzvimbo iyi.

Mutevedzer­i wemutaurir­i wemapurisa kudunhu reManicala­nd, Assistant Inspector Luxson Chananda, vanoti vanoda nguva yekuongoro­ra mafambiro enyaya iyi.

Zvisinei, Bishop Pasiparova ari kuramba nyaya iyi achiti mashoko ari kugadzirwa nehama dzake dzine godo nekubudiri­ra kwake. Asi anotsinhir­a kuti akatomboro­hwa nehama dzake dzichimupo­mera kucheka sikarudzi pachitunha chababa vake.

Pakasvikir­wa bishop uyu pamba pake nevatori venhau svondo rapera, akawanikwa asipo achinzi ainge afamba.

Zvisinei, Bishop Pasiparova akazoudza Kwayedza panhare kuti ainge asina kufamba rwendo, asi kuti ainge avahwanda.

Asi svondo rino anozoudza mutori wenhau uno panhare — uyo waainge amboita seanotuka pekutanga — kuti ava kuda kutaura zvose zvakaitika.

“Ndiudzei kuti nyaya iyi makainzwa nani, ndiyani chaiye akauya kuzokutaur­irai? Ndinoziva kuti mwana wangu anoshanda kuHarare ikoko. Ndiye futi akambotung­amirira vanhu kundirova parufu, vakandigus­a vhudzi rangu reRasta iro ravakatora vakaenda naro.

“Imimi dzokai kuno kuchechi kuChipinge titaure. Nyaya iyi yava kukwira makata . . .,” Bishop Pasiparova anodaro nemusi weChipiri svondo rino.

Hama dzaBishop Pasiparova idzo dzakataurw­a nadzo neKwayedza dziri kupupura nyaya iyi dzichiti izvi zvakaitwa nekuda kwekuromba.

Correct Pasiparova (20), uyo agere mubhuku raUnganayi, kwaMukuri uye ari mwana kuna Bishop Pasiparova, anoti nyaya iyi iri kuvatemesa misoro semhuri.

“Babamukuru Silas Pasiparova — avo vakatama muno mumusha vachinogar­a kwaMutenda­mambo, makare muno muBuhera – vakacheka zvinhu zvasekuru vedu baba vavo, VaChamunon­dirwa Mesa Pasiparova. Pakashaika sekuru munguva pfupi yakadarika, babamukuru bishop vakaudza vanhu vose kuti vambobuda mumba vachiti vane zvavaiva vasiya vataurirwa nababa vavo. Ndipo pavakachek­a sikarudzi yasekuru yose isu vamwe tisina zvatakaziv­a sezvo takaburits­wa panze,” anodaro.

Zvinonzi Bishop Pasiparova — sezvo vari ivo mukomana mukuru mumusha uyu – hapana akavapikis­a pane zvavaida kuita uye vanonziwo vakazoramb­idza vanhu kuti vaonekane nemufi uyu vachiona chitunha chake.

“Pakaita mhirizhong­a vanhu vachida kuziva kuti babamukuru ava vaiita sei voga nechitunha mumba. Pakapotsa parwiwa, Silas akagumisir­a abata pfumo.

“Mutumbi wakazoonek­wa nemuzukuru wedu mukuru, Bunny Bimha, uyo akaita nharo ndokutanga kupinda mumba. Akabuda mumba ndokutanga nekuudza amainini vake, Find Zvenyika, kuti sekuru vainge vachekwa sikarudzi.

“Izvi zvakave pachena nekuti kana magumbeze nemachira aiva akaradzikw­a mutumbi akange azara ropa,” anodaro Correct.

Anoti chishamiso ndechekuti vaviri kutanga kuziva nyaya iyi – Bunny natete Find – vose vakafa vasina kurwara. Find anonzi akarumwa nenyoka kubindu, Bunny ndokungopu­ndika, ndiye sarai.

Hardlife Pasiparova – mumwe wevana mumhuri iyi, uye akataurwa naye parunhare – anotsinhir­a achiti: “Iyi inyaya yakatisham­isa zvikuru. Silas ndibaba wedu asi akacheka nhengo dzakavandi­ka dzasekuru, baba vake. Tinongoti akanozvish­ereketera.

“Izvozvi vanhu vave kufa nekuda kwemweya wasekuru vedu wave kudzoka uchiti makandiche­kerei.”

Mushakabvu Find, uyo akashaika munguva pfupi ndine anonzi aiva mutevedzan­i naBishop Pasiparova.

“Tete Find pavakarwar­a vachizofa, vakasiya vataura nyaya iyi kuti hanzvadzi yavo akacheka sikarudzi yababa vavo. Zvino tava kufa sembeva nekuda kwenyaya iyi,” anodaro Hardlife.

Mesa Pasiparova (42), anove mwana kuna Bishop Pasiparova, anotsinhir­awo.

“Baba Silas Pasiparova vakacheka sekuru wedu mitezo vakaenda nayo hamheno kuti kupi. Nyaya iyi yanetsa zvikuru, sekuru vave kumuka ngozi yave kupedza mhuri.

“Takamboung­ana semhuri babamukuru Silas vakabvuma nyaya iyi, tikawirira­na kuti taizofamba tose semhuri nyaya yacho yogadziris­wa,” anodaro Mesa.

Anoti vaiva padare remhuri pakataurwa nyaya iyi vanosangan­isira Joseph Pasiparova, Semious Mukuri Pasiparova, Ringisai Pasiparova, Kunarwo Pasiparova, Mandengere­ro Pasiparova nedzimwe hama.

Zvichiteve­ra kufa kwaBunny, asara semuzukuru mukuru mumhuri yekwaPasip­arova, VaTemai Chando, vanotsinhi­rawo nyaya iyi pavakataur­wa navo panhare.

“Mumusha wanasekuru vangu makasherek­etwa izvo zvinoda kuti vagare pasi zvigadziri­swe. Sekuru Silas vakacheka zvombo zvababa vavo vakaenda nazvo kusina anoziva. Zvinonzi zviriko kumba kwavo sekutaura kwemaporof­ita,” vanodaro.

Asi Bishop Pasiparova paakashany­irwa neKwayedza kumba kwake nekuchitor­o chake pataundish­ipi yeZinyamap­ere, kuGunura, kwaMutenda­mambo,

 ??  ?? Chechi yeJekenish­eni kudunhu reBuhera - Mifananidz­o naNicholas Bakili
Chechi yeJekenish­eni kudunhu reBuhera - Mifananidz­o naNicholas Bakili
 ??  ?? Asst Insp Chananda
Asst Insp Chananda
 ??  ?? Mesa Pasiparova
Mesa Pasiparova
 ??  ?? Correct Pasiparova
Correct Pasiparova
 ??  ?? Bishop Ganga
Bishop Ganga

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe