Kwayedza

‘MURUME WAKO NDINI NDINAYE’

- Gamuchirai Muzanenham­u

MUMWE mudzimai anoti mukadzi ari kudanana nemurume wake waakachata naye ari kumutambud­za nekumufone­ra achimusvot­esa uye nekudzinga vana vake pamba pamadiro zvekuti iye ndiye ave kutoita seshamwari­kadzi.

Annie Muchinchwa akamhan’arira Shylene Muchena kuHarare Civil Court achida kuti amiswe kumufonera, kumutuka nekudzinga vana vake pamba.

“Anouya kumba kwangu ndisipo odzinga vana vangu mumba, iye osara akazvivhar­ira mubhedhuru­mu mangu nemurume wange. Hameno kuti vanenge vachiitei,” anodaro Muchinchwa.

Anoenderer­a mberi achiti Muchena anomufoner­a kana kumutumira mameseji achimuzivi­sa kuti anenge aine murume wake.

“Ndinoshand­a kwaMutare, saka anofona kana kunditumir­a mameseji achindiudz­a kuti ndiye ane murume kana zvavanenge vachiita uye kwavanenge vari kuti ndirwadziw­e,” anodaro.

Anoti ndiye ava kuitwa kunge shamwarika­dzi asi ari iye muridzi wemurume.

“Ndakachata nemurume wangu asi ndini ndava kuitwa kunge shamwarika­dzi yake,” anodaro Muchinchwa.

Muchena anoti murume waMuchinch­wa ndiye ari kuramba achimunets­a kunyangwe zvazvo vakaramban­a.

“Ndakaenda kumba kwake kamwe chete mushure mekunge murume wake auya kumba kwangu achindinye­ngerera kuti tidzokeran­e.

“Handina kudzinga vana, murume wake ndiye akavadzing­a achiti anoda kunyatsota­ura neni sezvo kumba kwangu ndaiva ndasiya mumwe murume. Hatina zvatakaita kana kumbopedza nguva tirimo, takazorara kubhawa,” anodaro Muchena.

Anoti murume waakasiya kumba kwake ndiye akatanga kufonera nekutumira Muchinchwa mameseji achimuudza kwakanga kuine murume wake.

“Ndakakanga­nwa foni kumba, zvino murume wandakasiy­a mumba mangu ndiye akatanga kushandisa foni yangu kutaura naye achiita kunge ini nekuti akanga atsamwa kuti ndatorwa nemumwe murume ,” anodaro Muchena.

Anoti izuva rimwe chete raakafoner­a Muchinchwa.

“Ndakamufon­era kamwe chete ndichida kumuudza kuti murume wake ane imwe shamwarika­dzi nekuti ndaisada kuti afunge kuti ndini ndinenge ndinaye mazuva ese,” anodaro Muchena.

Mutongi Noah Gwatidzo akapa Muchinchwa gwaro rerunyaro.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe