Ofurufusha ‘chimoko’ chababa
MWANAKOMANA wekupomerwa kuti ari kurwa shanje yaamai vake kuburikidza nekurova pamwe kutukirira shamwarikadzi yababa vake akadhonzerwa kumatare edzimhosva.
Nyarai Sande akamhan’arira Chris Dingilesi kuHarare Civil Court.
“Uyu mwana wemurume wandinofambidzana naye, zvino ava kupota achindituka nekundirova paasangana neni.
“Akataura kuti ari kuda kundipisira mumba nepeturu saka ndava kutya nekuti ndine vana, zvimwe ndingawane vatsva,” anodaro.
Sande anoti hama neshamwari dzake vave kutyawo kumushanyira kana kusangana naDingilesi.
“Hama dzangu dzava kutya kundishanyira vachitya kupisirwa mumba kana kushungurudzwa naye, shamwari dzangu hadzichatode kufambira kwandinogara nekuti anovatuka,” anodaro Sande
Anoenderera mberi achiti, “Ngaagare kumba kwavo asingauye kumba kwangu kuzoshungurudza vana vangu achivataurira mashoko asina zera navo.”
Dingilesi anopokana naSande achiti ari kunyepera dare.
“Zvese manyepo, handisati ndambotukana naye kana hama dzake handidzizive,” anodaro.
Anoti Sande ndiye ari kushungurudza amai nevanin’ina vake.
“Akanetsana naamai nevanin’ina vangu saka pandakamubvunza ndipo paakatanga kundituka achitaura zvisina basa ndikangopindurawo sezvaaindituka,” anodaro.
Anoti haanei nekudanana kwaSande nababa vake.
“Handinei nekudanana kwavo, handingode munhu anonetsa hama dzangu,” anodaro Dingilesi
Mutongi Noah Gwatidzo akapa Sande gwaro red-