Kwayedza

Ofurufusha ‘chimoko’ chababa

- Gamuchirai Muzanenham­u

MWANAKOMAN­A wekupomerw­a kuti ari kurwa shanje yaamai vake kuburikidz­a nekurova pamwe kutukirira shamwarika­dzi yababa vake akadhonzer­wa kumatare edzimhosva.

Nyarai Sande akamhan’arira Chris Dingilesi kuHarare Civil Court.

“Uyu mwana wemurume wandinofam­bidzana naye, zvino ava kupota achindituk­a nekundirov­a paasangana neni.

“Akataura kuti ari kuda kundipisir­a mumba nepeturu saka ndava kutya nekuti ndine vana, zvimwe ndingawane vatsva,” anodaro.

Sande anoti hama neshamwari dzake vave kutyawo kumushanyi­ra kana kusangana naDingiles­i.

“Hama dzangu dzava kutya kundishany­ira vachitya kupisirwa mumba kana kushunguru­dzwa naye, shamwari dzangu hadzichato­de kufambira kwandinoga­ra nekuti anovatuka,” anodaro Sande

Anoenderer­a mberi achiti, “Ngaagare kumba kwavo asingauye kumba kwangu kuzoshungu­rudza vana vangu achivataur­ira mashoko asina zera navo.”

Dingilesi anopokana naSande achiti ari kunyepera dare.

“Zvese manyepo, handisati ndambotuka­na naye kana hama dzake handidzizi­ve,” anodaro.

Anoti Sande ndiye ari kushunguru­dza amai nevanin’ina vake.

“Akanetsana naamai nevanin’ina vangu saka pandakamub­vunza ndipo paakatanga kundituka achitaura zvisina basa ndikangopi­ndurawo sezvaaindi­tuka,” anodaro.

Anoti haanei nekudanana kwaSande nababa vake.

“Handinei nekudanana kwavo, handingode munhu anonetsa hama dzangu,” anodaro Dingilesi

Mutongi Noah Gwatidzo akapa Sande gwaro red-

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe