Anokinditswa nemukadzi
SAMUSHA vekumiswa mudare nemudzimai wavo vachinzi vari kumushungurudza vanoti ndivo vari kutooneswa moto uye vakasvika pakutiza pamba nekuda kwekugara vachirikitwa.
Crispen Tavatya akataura mashoko aya muHarare Civil Court mushure mekunge amhan’arirwa naLian Makanya uyo anoti ari kumurova nekumudzinga pamba zvose nevana.
Makanya anoti murume wake ari kumudzinga pamba kuitira kuti agare nemukadzi wake wechipiri.
“Anonditi haachadi kundiona pamba, ndikada kumupindura obva andirova,” anodaro Makanya.
Anoenderera mberi achiti murume wake anomutuka achimuti muroyi, ari kuda kuuraya mukadzi wake wechipiri saka anofanira kutsvaga kumwe kwekugara kuitira kuti nyachide asare oga pamba. “Anoti kana ndikasabva pamba apa, achandiuraya asi pamba apa ndini ndakapatenga nemari yangu,” anodaro Makanya.
Anotizve murume wake akamutiza nemidziyo yose yemumba yavaishandisa svondo rapfuura nekuda kwekuti akanga amuudza kuti amumhan’arira kumapurisa.
“Akatiza kumba akaba mubhedha zvese nemandiro akaenda nazvo kumba kwevabereki vake nokuda kwekuti ndanga ndamuudza kuti asandishungurudza, iye zvino handina kana chekudya nevana,” anodaro Makanya.
Tavatya anoudza dare kuti haapikisane nechikumbiro chaMakanya chekuti apihwe gwaro redziviriro sezvo asisagare naye uye akatiza nekuti mudzimai uyu aigara achimuzvambaradza.
“Ndakatoshamisika kuona matsamba ekuti ndiri kudiwa kudare pamusaka pekuti ndinomushungurudza asi ini ndini ndinotorohwa namai ava zvinova zvakazoita kuti ndibve pamba,” anodaro Tavatya.
Mutongi Manasse Masiiwa akarasa chikumbiro chaMakanya achiti hachina kutsigirwa neumboo hwakakwana.