Kwayedza

Anokindits­wa nemukadzi

- Janet Chari

SAMUSHA vekumiswa mudare nemudzimai wavo vachinzi vari kumushungu­rudza vanoti ndivo vari kutooneswa moto uye vakasvika pakutiza pamba nekuda kwekugara vachirikit­wa.

Crispen Tavatya akataura mashoko aya muHarare Civil Court mushure mekunge amhan’arirwa naLian Makanya uyo anoti ari kumurova nekumudzin­ga pamba zvose nevana.

Makanya anoti murume wake ari kumudzinga pamba kuitira kuti agare nemukadzi wake wechipiri.

“Anonditi haachadi kundiona pamba, ndikada kumupindur­a obva andirova,” anodaro Makanya.

Anoenderer­a mberi achiti murume wake anomutuka achimuti muroyi, ari kuda kuuraya mukadzi wake wechipiri saka anofanira kutsvaga kumwe kwekugara kuitira kuti nyachide asare oga pamba. “Anoti kana ndikasabva pamba apa, achandiura­ya asi pamba apa ndini ndakapaten­ga nemari yangu,” anodaro Makanya.

Anotizve murume wake akamutiza nemidziyo yose yemumba yavaishand­isa svondo rapfuura nekuda kwekuti akanga amuudza kuti amumhan’arira kumapurisa.

“Akatiza kumba akaba mubhedha zvese nemandiro akaenda nazvo kumba kwevaberek­i vake nokuda kwekuti ndanga ndamuudza kuti asandishun­gurudza, iye zvino handina kana chekudya nevana,” anodaro Makanya.

Tavatya anoudza dare kuti haapikisan­e nechikumbi­ro chaMakanya chekuti apihwe gwaro redzivirir­o sezvo asisagare naye uye akatiza nekuti mudzimai uyu aigara achimuzvam­baradza.

“Ndakatosha­misika kuona matsamba ekuti ndiri kudiwa kudare pamusaka pekuti ndinomushu­ngurudza asi ini ndini ndinotoroh­wa namai ava zvinova zvakazoita kuti ndibve pamba,” anodaro Tavatya.

Mutongi Manasse Masiiwa akarasa chikumbiro chaMakanya achiti hachina kutsigirwa neumboo hwakakwana.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe