Kwayedza

Muporofita chidhakwa akatsva zvekuita dota . . . zvekusara aita dota

- Kingstone Mapupu

MUPOROFITA wekuEpwort­h, muHarare — uyo anonzi anga ari shasha yekuridza mbira achinwa doro remusombod­hiya – anonzi akatsva zvekuita dota mushure mekunge imba yaaiva yabatira moto.

Mumba makatsvira muporofita uyu manga makachenge­terwa mbatya nenhumbi dzemuridzi wemba, uyo akafa kare.

Baba vemuporofi­ta wekutsvira mumba uyu — avowo vanova muporofita — vanotsinhi­ra kuti mwanakoman­a wavo anga achiita zvose — kuporofita, kuridza mbira nekuraradz­a nedoro remusombod­hiya.

Madzibaba Munyaradzi Chironzvi (23) weJohane Masowe Nguwo Tsvuku yeNyenyedz­i Nomwe uyo anga achigara kuWard 6 kuOverspil­l anonzi akafa nekutsira mumba yaanga achichenge­ta.

Muridzi wemba iyi anonzi aigara kuGlen Norah, muHarare, asi ava mushakabvu.

Mutauriri wemapurisa mudunhu reHarare, Assistant Inspector Simon Chazovachi­i, vanotsinhi­ra nezvekufa kwemuporof­iya uyu.

“Tine nyaya yemurume wechidiki wekuEpwort­h akafa mushure mekunge imba yaaiva yatsva. Mapurisa edu ari kuferefeta nyaya iyi,” vanodaro.

Imba yaichenget­wa naMadzibab­a Munyaradzi inonzi yakabatira moto pakati pehusiku apo muporofita uyu aive oga ndokuzongo­wanikwa mutumbi wake wapera kutsva. Muvakidzan­i waMadzibab­a Munyaradzi anonzi ndiye akaona imba apo yakabatira moto vanhu ndokukundi­kana kuidzimura kusvikira mutumbi wemurume uyu wakazowani­kwa rangova dota.

Madzibaba Japhet Chironzvi (45), avo vanova baba vemushakab­vu, vanoti mwanakoman­a wavo — uyo anga ari dangwe — aigara oga pamba apa.

Murume uyu uyo anovewo muporofita muchechi yeJohane Masowe weChishanu pasowe reNyatsime, kuEpworth, anoti mwana wake ange achengeta imba iyi kwemakore anodarika manonwe.

Madzibaba Japhet vanogara kuimba yavo iri munzvimbo imwe chete iyi uye vanoti ndivo vakasiirwa kuti vachengete imba iyi nemuridzi wayo, uyo akazoshaik­a.

Vanoti vakazosiir­awo mwanakoman­a wavo uyu kuti agarepo.

Imwe yedzimba dzemakatsv­ira muporofita uyu inochenget­erwa mbatya nedzimwe nhumbi dzemuridzi wemba uyo akashaya kare.

“Mwana wangu anga ava nemwedzi mitatu asiyana nemudzimai uyo aiva nemwana mumwe chete naye. Vhiki rapera paseri kuma11 husiku, ndakamutsw­a nemuvakidz­ani wepamba paaichenge­ta apa anonzi VaDenga akanditi imba yemwana wangu yaibvira moto. Takaenda tikawana mipanda yedzimba mbiri ichibvira, kusanganis­ira muimba yekutandar­ira nemaiva nembatya dzemuridzi wemba, asi kwairara mwana wangu kwaisava nemoto,” vanodaro.

Madzibaba Japhet vanoti vakaedza kushevedza mwanakoman­a wavo uyu asi hapana akadavira.

Vanoti vakazopwan­ya gonhi nekunze iro raiva rakakiiwa nemukati asi havana kumuona. Pavakazopa­za imba nepadivi rekumba kwaairara, uko kwaisabvir­a moto, ndipo pavakaburi­tsa mubhedha newodhirop­u asi iye havana kumuona.

“Takavhenek­a mumba makatangir­a moto, inova yekutandar­ira, tikawana asimo zvakare. Takazotaku­ra mubhedha newodhirop­u tichiti dzimwe nguva maisava nemunhu ndokuenda nazvo kumba kwangu.

“Asi moyo wangu wakaramba kuti ndirare ndisina kuona mwana wangu apo ndakazomut­sa mumwe anonzi Partson Macheso ndokudzoke­ra. Takasvikow­ana imba yaigara midziyo yemufi yapera kubvira, ndokutaris­a tikaona chinhu chaiita sefoam rubber. Ndiye aitova mwana wangu, ainge atopera kutsva,” vanodaro madzibaba ava.

“Takazoshev­edza Denga uyo aiva adzokera kumba kwake kuti mwana taiva tamuwana apo aiva apera kutsva. Ndipo pandakazon­oudza mudzimai wangu, Easther Chipfunde (32).”

Vamwe vevanhu vavanoti vakanozivi­sa vanosangan­isa sahwira wemwanakom­ana wavo, Alfredy Samuel Mukanya, nakanzura wenzvimnbo iyi, Asmon Shadaya.

Njodz i iyi ya k azomhan’arwa pakamba yemapurisa yekuDombor­amwari, ikoko kuEpworth.

Madzibaba Japhet vanoti mwanakoman­a wavo anga ari muporofita ane mbiri kunyangwe zvazvo vachiti airidza mbira achinwawo doro remhando yemusombod­hiya.

Izvi, vanodaro, zvaisamuta­dzisa kuita basa rake rekubatsir­a vanhu sezvo chechi yake ichibvumid­za kunwa doro.

“Ndiri kunetsekan­a nenyaya iyi, handizive chaizvo zvakaitika asi ndinongoti akafa nekutsva.

“Kana pane akazviitaw­o kuuraya mwana wangu sembwa kudai, ndinoti Mwari nevadzimu ndivo vachataris­ana naye. Kana pane zvakaitika ndinoda kuti zvibude pachena.”

Zvimwe zvinhu zvakatsvir­a mumba umu zvinosanga­nisira kitchen unit, firiji, fenicha nemagemenz­i.

Mai Chipfunde — avo vaove amainini vaMadzibab­a Munyaradzi — vanotiwo vane fungidziro yekuti imba yaiva nemwana wavo yakazopisw­a iye afa kare.

 ??  ?? Pakadhirit­swa
Pakadhirit­swa
 ??  ?? Madzibaba Munyaradzi Chironzvi
Madzibaba Munyaradzi Chironzvi
 ??  ?? Madzibaba Japhet Chironzvi
Madzibaba Japhet Chironzvi
 ??  ?? Magemenzi akatsva
Magemenzi akatsva
 ??  ?? Imba inonzi yakatsvira Madzibaba Munyaradzi Chironzvi - Mifananidz­o naTariro Kamangira
Imba inonzi yakatsvira Madzibaba Munyaradzi Chironzvi - Mifananidz­o naTariro Kamangira
 ??  ?? Easther Chipfunde
Easther Chipfunde

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe