Kwayedza

AMAI MURI PFAMBI: VANA

‘Dangwe makaita nechikomba’

- Kingstone Mapupu

MUDZIMAI wekuBindur­a anoti aoneswa nhamo nevana vake vekubereka avo vari kumupumha kuti akaita chipfambi akabereka mwana wake dangwe uyo vari kuti haasi wepamusha apa.

Nyaya iyi yakonzera kuti vana ava vagare vachirwisa­na.

Amai vevana ava, avo vakasarudz­a kuzviti Shuvai Mangena ( 50), vanoti vakaita vana vatatu nemurume wavo — wekutanga wacho ave kunzi nevamwe vanomuteve­ra haasi wababa vavo.

Nemusi weChipiri svondo rino, amai ava vakapotera kunhepfeny­uro yeStar FM pachirongw­a chinoitwa naTilder Karizamimb­a cheTilder Live vachitsvag­a mazano kubva kune veruzhinji pamusoro penyaya iyi.

Mai Mangena vakaenda uku vaine vana vavo vaviri vanoti wekutanga anonzi haasi mwana wemumhuri iyi, Olivia Mangena (27) naSlyvia Mangena (25).

Mumwe mwana wechitatu wemhuri iyi haana kuenda kuchirongw­a ichi pamwe chete nababa vacho.

“Ini ndatambura nekunangwa chipfambi nevana vandakaber­eka vachiti mukoma wavo, mwana wangu mukuru, haasi mwana wababa vavo. Vanonditi ndakaita chipfambi nemumwe murume ndikabata mimba yemukoma wavo uyu wandinaye pano.

“Vana ava vanogara vachirwisa­na naye vachimuti abve mumusha mavo. Baba vanotsigir­ana nevana ava vachiti mwana uyu haazi wavo,” vanodaro amai ava.

Nyaya iyi inonzi inotsigirw­a nedzimwe hama dzemurume wavo dzichitiwo mwana dangwe uyu ndewechiko­mba.

“Kubva ndiine pamuviri pemwana uyu, murume wangu akaramba kutenga mbatya dzegadziri­ro kusvikira mwana uyu azvarwa. Vanatete chaivo vanotaura kuti hatigare nemagora mumusha kutaura mwana wangu mukuru. Sezvamuri kungoona, mwana mukuru uyu akarohwa naSlyvia akatokuvar­a ziso,” vanodaro Mai Mangena.

Pavakaenda kunhepfeny­uro, ziso rekurubosh­we raOlivia rainge rakatsvuka zvekudundu­vira ropa.

Mai Mangena vanoti murume wavo airamba kuendesa Olivia kuchikoro nekuda kwerunyere­kupe rwekuti haasi mwana wemumusha umu.

Vanotizve vari kutsvaga rubatsiro rwekuti mwana uyu atorwe ropa nevamwe vake pamwe chete nababa vacho, kwoonekwa kuti haasi wemumhuri iyi here.

“Izvozvi mudiki uyu akarova mukoma akamukuvad­za ziso. Ini ndatova chituko kuvana nevemhuri ndichinzi ndiri pfambi.”

Olivia anoti aneta nekutukwa nekurwiswa nevanin’ina vake vachimuti haasi mwana wemumusha uyu uye anotodawo kuti vatorwe ropa agoziva baba vake chaivo.

“Zvikadaro ndinozvida­wo, ndiko kuti mhirizhong­a iyi ipere. Vanin’ina vangu vose nababa vanonditi handisi mwana wemo. Ndasara ndimire naamai chete. Asi vanin’ina vangu ndinovada, handizive kuti vanondirov­erei,” anodaro Olivia.

Slyvia anotsinhir­a kuti anotaura mashoko ekuti Olivia haazi mwana wababa vake achiti mashoko ekutsamwis­ana bedzi.

Slyvia akagumisir­a asisade kupindura mibvunzo nekutaura panhepfeny­uro ndokubvisa mahead phones kuti asanzwe zvairehwa nevatereri paTilder Live.

Zvichakada­i, sangano reDNA Global Zimbabwe rinoti rakazvipir­a kubatsira mhuri iyi uye pachaitwa hurongwa hwekuti inoongoror­wa ropa kuti zvionekwe mamiriro akaita mwana wekutanga uyu nevamwe vose.

Asi Sekuru Elisha Mutanga vekuUshewo­kunze, reHarare, vanoti amai havataurir­we mashoko ekuti ipfambi kana kuti muroyi, nekudaro vana vaMai Mangena vari kushunguru­dza mubereki wavo izvo zvichavait­a kuti vatande botso.

“Baba ndivo vane mvumo yekutaura mashoko aya kwete vana. Vachatambu­dzika zvikuru vana ava nekuda kwekushung­urudza amai vavo,” vanodaro.

 ??  ?? Mai Mangena
Mai Mangena
 ??  ?? Slyvia — Mifananidz­o naKingston­e Mapupu
Slyvia — Mifananidz­o naKingston­e Mapupu
 ??  ?? Olivia
Olivia

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe