Kwayedza

Mangwanani akave manheru nekuchema 1

- naIgnatius Mabasa

KWAKANGA kuna mambo ainzi Rugare akanga ari shasha yekurwa. Akati akurira mhandu dzake dzese, Mwari vakamupa runyararo nerugare. Akafarirwa nevanhu vazhinji.

Mambo Rugare akavaka muzinda unoshamisa waive imba yechigaro chake. Imomo mambo aigashira vaenzi, kunzwa nyaya nekuita mabiko. Mairidzwa mimhanzi, uye muchidetem­bwa nekurumbid­zwa Musiki.

Mambo nevanhu vake vakagara murugare rwunonhuhw­irira semaruva. Asi kwakazongo­uya chirombo chakabva mugehena. Chirombo-dhimoni ichi chainzi Gororo, uye chakaba mufaro wese mumuzinda zvekuti maruva akasvava, mwenje ikadedera.

Chaive chirombo cherudzi rwaKaini rwakanga rwadzingwa nekutukwa naMwari nekuda kwekuuraya Abheri.

Mumwe musi, mushure mekunge zuva radoka, Gororo akaenda kumuzinda waMambo Rugare. Mambo akanga apedza kudya nemachinda ake nevamwe vaenzi. Panguva iyi vakanga vachinzwa sarungano akanga achiruka ngano yenzou yakanga yadya mazai adhimba. Chiriporip­otyo, vakarivara chirombo-dhimoni chakaita mutemarege wembada. Gororo akadzvinya varume makumi matatu akavaungan­idza mumaoko ake sedzumbu remuriwo watanhwa.

Sekuuya kwaakanga aita, ndikowo kunyangari­ka kwaakaita nevarume ivavo, achienda navo kubako rake.

Zuva richiti vhuu, meso amambo Rugare nevakanga vapona akaona simba nehuipi hwaGororo. Moto wemufaro wavo wakadirwa mvura. Vakasara vati kanha, vachichema kuti Mwari matirasa. Mangwanani akave manheru nekuchema. Mambo Rugare vembiri vakanga zvino vangogara sechikwari chinorwara. Mwoyo wavo wakanga uchin’en’enwa nekurasiki­rwa kwavo neshasha dzemauto avo. Mambo vakanzwa mwoyo wavo uchigonya kunge zongororo rakakangan­iswa. Asi havana kuwana zororo nekuti husiku hwakatever­a, Gororo mhondi isina tsitsi yakadzoka ikatsokodz­era mwoyo wavo zvakare. Akauraya mauto nemachinda amambo zvinowundu­ra mwoyo.

Nyoka inyoka, haisi shinda, Gororo akanga asina kana donhwe retsitsi maari. Saka Gororo akaramba achidzoka kuzobvuta nekubvarur­a muzinda wamambo, kusvika washama sedendere rakasiiwa neshiri makore mashanu adarika. Kwegore rese, mambo vakatambud­zwa nechikara ichi zvekuti pasina nguva, nyaya iyi yakatekesh­era kunzvimbo dzakasiyan­a-siyana. Vanhu vakaimba nziyo dzekuparad­zwa kwemuzinda nerugare rwaMambo Rugare. Vanhu vakaimba nezvehasha dzaGororo nehutsinye hwake, ruvengo rwake uye nekuti akanga asiri munhu anoda runyararo kana kuripwa. Kwaari kurarama kwaireva kurwadzisa, kudeura ropa nekuparadz­a.

Hapana muyananisi aive nepfungwa dzekuti angagone kugarisa mhondi iyi pasi kuti pave nekutaurir­ana. Hapana akanga asiri panjodzi, vana nechembere vakavhimwa­wo nemumvuri werufu wainzi Gororo. Waive mumvuri wainyuka murima uchibhurur­uka semuseve. Ndiani chaizvo angazive kuti rufu nerima zvinofamba munzira dzakaita sei? Saka Gororo akapura vanhu vaMambo Rugare sezvinonzi mupuri wezviyo ari pajakwara. Akanga ave muridzi wemuzinda waMambo Rugare nekuti kunze kana kwangoti tsvaa chete, aipururudz­a achiparadz­a.

Asi paasina kusvika chete, ndipo chaipo pachigaro chaMambo Rugare. Simba nechiyedza chaMwari hazvina kubvumira Gororo kuswedera pedyo. Gororo akanga ari murambwi, chiraswa chakasekwa naMwari. Gororo aive murimi werima.

Nguva idzi dzakave nguva dzakaoma kwazvo, nguva dzekunzwa mwoyo uchivedzen­gwa kuitwa midzonga, uchiturikw­a pamutariro.

Mambo Rugare vakashanyi­rwa nemakuruko­ta akawanda achiedza kuvapa mazano, vachironga nzira dzekudzivi­sa pfumo raGororo raifamba semumvuri.

Mambo vakasvika mukunopind­a munzvimbo dzisina Mwari, vakaitiswa zvipiriso nekuitiswa mhiko nekudekete­reswa kuti simba rerufu riuye kuzouraya Gororo kuti vanhu vavo vaponeswe.

Asi ine nhamo nenhunzi mombe isina muswe. Uyewo, ane nhamo uyo anokanganw­a Jehovha Mwari kana achinge asvika pakutambud­zika zvekuti anozvipinz­a mumoto.

Asi akaropafad­zwa uyo anoti nyangwe afa, anokwanisa kumhanyira mumaoko aMwari kunonyarad­zwa nemufaro.

◆ Nyaya iyi yakaturiki­rwa kubva muna Beowulf.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe