Akabvisa baba sikarudzi
◆ Kubva kuPeji 5
akawanikwa asipo achinzi ainge aenda kuchechi kuChipinge uko kwaiva negungano.
Vatori venhau vakatevera kumuzinda wechechi yeJekenisheni kuChipinge uko Bishop Pasiparova akasvikoshaikwa zvakare.
Panzvimbo iyi pakawanikwa paine vamwe vakuru vechechi vanosanganisira Bishop Ganga, Pastor Magaisa naVaMhute, avo vaiva pachikoro cheMaunganidze Primary, kuChipinge ikoko.
“Maita zvakanaka mauya tikanzwa nyaya iyi.
‘‘Akambouya achiti kumusha kwake kwaiva kusina kuita zvakanaka, arwiswa panhamo akakumurwa mbatya ndokurariswa akasungwa maoko nemakumbo pamoto achidirwa mvura. Ipapo akabva agerwa vhudzi remhotsi iro akanga anzi nemweya muchechi medu asagerwe,” vanodaro VaMhute.
Vanoenderera mberi vachiti, “Anoti aiva akasungwa maoko nekumashure achinzi aitire weti panzvimbo iyi zvinonzi zvakasanganiswa weti nevhudzi rake zvikaendwa nazvo kunogadzirwa.”
Muchechi iyi zvinonzi vakuru vemo havagerwe vhudzi kana zvichinge zvabva kumweya.
VaGanga vanoti Bishop Pasiparova ndiye mukuru wemabishop muchechi yavo uye ari zvakare sachigaro wavo munyika muno nepasi rose.
Bishop Pasiparova akazoridzira nhare mutori wenhau uno achitsinhira kuti nyaya yekunzi akacheka sikarudzi yababa vake iri kutaurwa.
“Ichokwadi, hama dzangu dziri kundipomera kuti ndakacheka nhengo dzakavandika dzechitunha chababa vangu. Asi idzi inhema, inyaya yegodo neni nekuti ndakabudirira uyewo vana vangu vakasimukira.
“Pandaicheka ivo vaiva kupi? Iwo madzishe nemadzimambo vemuno muBuhera sei vasina kundigadza dare kana kusungwa nemapurisa?” anodaro bishop uyu.
Anoti paakashaikwa kumba kwake neKwayedza svondo rapera, ainge atiza motokari yevatori venhau achifungira kuti ihama dzake dzaimutsvaga nekuda kwenyaya iyi.
“Iyemi vatori venhau mune dhiziri rakawanda nhaika? Kuuya kure kwese uku kutevera manyepo? Ndakarohwa nevana vangu paine mumwe muCID kuHarare vakandikumura mbatya ndikasungwa maoko nemakumbo, ndokugerwa musoro vachiti muvhudzi ndimo maiva nesimba rangu. Vakandizora mafuta andisina kuziva vakazotora vhudzi rangu vakaenda nazvo,” anodaro.
Bishop uyu anoti akamhan’ara nyaya yekurohwa kwake kumapurisa eZimbabwe Repulic Police kwaMuzokomba.
“Nyaya yangu haisi kumbofamba, ndichada kuenda kuvakuru vemapurisa kuHarare kuti ndibatsirwe.
‘‘Iye zvino nyaya iyi yava pasi pechechi, ndivo vave kundibatsira. Dai muri vamwe maita kuti ndizivewo kuti sei nyaya yangu isiri kufamba,” anodaro.