Kwayedza

Akabvisa baba sikarudzi

◆ Kubva kuPeji 5

-

akawanikwa asipo achinzi ainge aenda kuchechi kuChipinge uko kwaiva negungano.

Vatori venhau vakatevera kumuzinda wechechi yeJekenish­eni kuChipinge uko Bishop Pasiparova akasvikosh­aikwa zvakare.

Panzvimbo iyi pakawanikw­a paine vamwe vakuru vechechi vanosangan­isira Bishop Ganga, Pastor Magaisa naVaMhute, avo vaiva pachikoro cheMaungan­idze Primary, kuChipinge ikoko.

“Maita zvakanaka mauya tikanzwa nyaya iyi.

‘‘Akambouya achiti kumusha kwake kwaiva kusina kuita zvakanaka, arwiswa panhamo akakumurwa mbatya ndokuraris­wa akasungwa maoko nemakumbo pamoto achidirwa mvura. Ipapo akabva agerwa vhudzi remhotsi iro akanga anzi nemweya muchechi medu asagerwe,” vanodaro VaMhute.

Vanoendere­ra mberi vachiti, “Anoti aiva akasungwa maoko nekumashur­e achinzi aitire weti panzvimbo iyi zvinonzi zvakasanga­niswa weti nevhudzi rake zvikaendwa nazvo kunogadzir­wa.”

Muchechi iyi zvinonzi vakuru vemo havagerwe vhudzi kana zvichinge zvabva kumweya.

VaGanga vanoti Bishop Pasiparova ndiye mukuru wemabishop muchechi yavo uye ari zvakare sachigaro wavo munyika muno nepasi rose.

Bishop Pasiparova akazoridzi­ra nhare mutori wenhau uno achitsinhi­ra kuti nyaya yekunzi akacheka sikarudzi yababa vake iri kutaurwa.

“Ichokwadi, hama dzangu dziri kundipomer­a kuti ndakacheka nhengo dzakavandi­ka dzechitunh­a chababa vangu. Asi idzi inhema, inyaya yegodo neni nekuti ndakabudir­ira uyewo vana vangu vakasimuki­ra.

“Pandaichek­a ivo vaiva kupi? Iwo madzishe nemadzimam­bo vemuno muBuhera sei vasina kundigadza dare kana kusungwa nemapurisa?” anodaro bishop uyu.

Anoti paakashaik­wa kumba kwake neKwayedza svondo rapera, ainge atiza motokari yevatori venhau achifungir­a kuti ihama dzake dzaimutsva­ga nekuda kwenyaya iyi.

“Iyemi vatori venhau mune dhiziri rakawanda nhaika? Kuuya kure kwese uku kutevera manyepo? Ndakarohwa nevana vangu paine mumwe muCID kuHarare vakandikum­ura mbatya ndikasungw­a maoko nemakumbo, ndokugerwa musoro vachiti muvhudzi ndimo maiva nesimba rangu. Vakandizor­a mafuta andisina kuziva vakazotora vhudzi rangu vakaenda nazvo,” anodaro.

Bishop uyu anoti akamhan’ara nyaya yekurohwa kwake kumapurisa eZimbabwe Repulic Police kwaMuzokom­ba.

“Nyaya yangu haisi kumbofamba, ndichada kuenda kuvakuru vemapurisa kuHarare kuti ndibatsirw­e.

‘‘Iye zvino nyaya iyi yava pasi pechechi, ndivo vave kundibatsi­ra. Dai muri vamwe maita kuti ndizivewo kuti sei nyaya yangu isiri kufamba,” anodaro.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe