Kwayedza

Ongororo yebhuku idzva reNhapitap­i yeChiShona

-

Musoro webhuku: Nhapitapi YeChiShona Bhuku ReMudzidzi Fomu 2

ISBN : 9781779300­935 Vanyori: C. D. S. Hwiridza naL. Viriri

Vatsikisi: College Press Publishers NHAPITAPI YeChiShona Bhuku ReMudzidzi Fomu 2 rimwe remabhuku eChiShona padanho resekondar­i ayo ane urongwa hweBhuku 1 kusvika Bhuku 4.

Anozadziki­sa zvinangwa nevavariro zvebumbiro idzva rezvidzidz­o rakaparurw­a muna2015. Mabhuku aya akanyorwa nevanyori vamwe chete. Izvi zvinoreva kuti mabhuku aya akanyatson­yorwa zvine hurongwa hunoyerera zvichiteve­dza matanho eFomu 1 kusvika Fomu 4.

Vanyori vaviri ava inyanzvi dzomutauro weChiShona dzinotove nemamwe mabhuku adzakanyor­a.

Nhapitapi YeChiShona Bhuku ReMudzidzi Fomu 2 ibhuku rine butiro rinoyevedz­a samare izvo zvinokwezv­a mwoyo wemuvereng­i.

Rine mifananidz­o inokodzera­na nechitsauk­o chega chega. Izvi zvinobatsi­ra mudzidzi kuti anzwisise zviri muzvitsauk­o izvi. Rine zvinangwa zvetemu imwe neimwe zvakarongw­a neumhizha.

Temu yega yega ine zvitsauko 10 uye ichipera nebvunzo dzinobata Pepa 1 nePepa 2. Bvunzo idzi dzinobatsi­ra kusimbisa zvakadzidz­wa temu iyoyo kana nedzimwewo dzekumashu­re, sezvo dzokororo yemisoro yezvidzidz­o yakakosha zvikuru.

Bhuku iri rinopa mukana kuvadzidzi wokuti vashandise unyanzvi hwekuteere­ra, kutaura, kuverenga pamwe nokunyora sehwaro munzira dzekudzidz­a kana kudzidzisa vadzidzi.

Rinokurudz­irawo kushandisa njere pakutsanan­gura uye kuongorora mamiriro ezvinhu.

Chitsauko chega chega chine zvinangwa zvacho zvakanyorw­a pamavambo zviri nyore kuti mudzidzi anzwisise uye kutevedzer­a seizvi:

Panopera chikamu chino unotarisir­wa kunge wogona: · kupa mazwi anopikisa awapiwa · kupa zvivakashu­re nemadzitsi zvemazita awapiwa (Chitsauko 26, peji 128) Zvitsauko izvi nerimwe divi zvinobata rondedzero, nzwisiso nemashandi­sirwo omutauro. Izvi zvinobata Pepa 1 rebvunzo dzeZimbabw­e School Examinatio­ns Council (Zimsec). Kune rimwewo divi, rinobata dudziramut­auro nemisambo zvinova zvinowanik­wa muPepa 2. Dudziramut­auro nemisambo yacho zvinobata nokususuki­dza zvakaitwa muBhuku 1, asi zvisingadz­amiswe zvekuenda padanho reFomu 3.

Pane mhando dzakasiyan­a-siyana dzenzwisis­o nerondedze­ro dzinosanga­nisira mepu, magirafu, matebhuru, makatuni uye mifananidz­o. Izvi ndizvo zvinokurud­zirwa nebumbiro rezvidzidz­o.

Iri ibhuku rinobata madingindi­ra makuru muupenyu hwevanhu, sokuti kuzviraram­isa, utano, tsika nemagariro, kugadziris­a makakatanw­a, HIV neAIDS, kudzivirir­a nekugadzir­isa tsekwende dzeupenyu, kodzero dzevana, nyaya dzeunhukad­zi neunhurume nemamwewo.

Zvidzidzo izvi zvakarongw­a zvine chinangwa chekubatsi­ra vadzidzi vezera iri reFomu 2. Udzamu hwazvo hunosusuki­dza hwedanho reFomu 1. Mune mhando dzerondedz­ero nenzwisiso dzinotsana­ngurwa zvakajeka. Izvi zvinopa vadzidzi umhizha hwekupenen­gura nyaya.

Chitsauko chimwe nechimwe chine zvikamu zviviri zvinoti chinobata zvePepa 1 chimwewo zvePepa 2. Chikamu chega chega chinopera nebasa rokuita zvinova zvinobatsi­ra vadzidzi kubatisisa zvavanenge vaita. Izvi zvinovayam­ura pakugadzir­ira bvunzo.

Bhuku iri rinopa vadzidzi dzokororo dzakawanda kusimbisa nokubatisi­sa zvavakadzi­dza. Kuudza mwana kukomekedz­a. Vadzidzi vanowana mukana wokushanda pamwe chete vari vaviri vaviri kana mumapoka. Izvi zvinoita kuti vakwanise kutsetsenu­ra zviri muhana dzavo vamwe vakateerer­a.

Zvakanzi imbwa mbiri hadzitorer­we nyama uyewo kambudzi kubarira pavanhu kati nditandirw­e imbwa.

Bhuku iri richabatsi­ra vadzidzi zvakanyany­a. Vakuru vakati kupedza nyota kuenda patsime. Hakuna inofurira ivete.

 ??  ?? Nhapitapi YeChiShona Bhuku ReMudzidzi Fomu 2Bhuku ReMudzidzi Fomu 2
Nhapitapi YeChiShona Bhuku ReMudzidzi Fomu 2Bhuku ReMudzidzi Fomu 2

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe