Kwayedza

Kudetemba midzimu

- Munyaradzi Gunduza

3. TSANANGURA pfungwa huru dzinobuda munhetembo dzinotever­a dzekupira midzimu; Doro remukwerer­a, Kuteketera kwavadzimb­a, Nhaka, Kutuka midzimu, Kusuma midzimu. [25]

Nhetembo dzekupira midzimu ndedziya dzaiitwa naVaShona senzira yekunamata nayo kumidzimu yavo vachiisuma zviitiko zvakasiyan­a-siyana zveupenyu kana kuitukirir­a yatadza kuvachenge­ta kubva kumatambud­ziko.

Doro remukwerer­a, p.46 – nyanduri ari kupira doro rekukumbir­a mvura kuvadzimu vake nokuti yaramba kunaya kuti kurege kuita nzara. Munobuda pfungwa yekuti vanhu vakaungana kupira zvichemo zvavo zvinoti nzara, kufa kwezvipfuy­o nekuparara kwepfuma, saka vaikumbira mvura kuna Musikavanh­u kuburikidz­a nokumadzit­ateguru anoti Karuva, Nyanhehwe, Chaminuka, Mutota, Mukombwe, Nyamuswa nevamwe vavasingac­hazivi namazita.

Pane zvirango zvinenge zvichiitwa panorehwa zita ratateguru oga oga kusvika kune wavasingac­hazivi. Panobudawo pfungwa yokuti midzimu inogona kufuratira vana vayo, saka vanofanira kuita mitoro yemvura kupira zvichemo zvavo kwairi.

Kuteketera kwavadzimb­a, p.51 – vanhu vanoburits­wa vachisuma midzimu yavo vachida kuita zvinhu zvakafanan­a nekuvhima. Vavhimi vaiita izvi kuti vatarisirw­e mumasango mavainovhi­ma kubva kunjodzi dzokudyiwa nezvikara kana kutsakatik­a.

Vaizviitir­awo kuti vavhurirwe makwara kuti vabate mhuka, uye kuziva zvokuita munzvimbo dzinoera. Munobuda pfungwa yokuti vadzimu ndivo varidzi vemasango, saka vaitoudzwa zvose zvairongwa nevavhimi sepanonzi, “Vachengeti vavanhu ndimi” kureva kuti midzimu ndiyo inochenget­a vanhu vayo nokuziva zvose zviri mumasango.

Pfungwa yedoro rinoteurir­wa pasi inoratidza kuti vadzimu vanodyidza­na navapenyu sepanonzi, “Mhuri yati hoyo mukombe wenyu.”

Tinopedzis­a mubvunzo uyu nemhinduro yacho svondo rinotevera.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe