Kwayedza

Nhengo dzemutauro nemanyorer­wo adzo

- Ticha Danga

HATIKWANIS­E kuvhara nhaurwa yekunyora kwakanaka tisina kubata nhengo dzemutauro nemanyorer­wo adzo. Zvakakosha kuti tibate pamwongo ipapo kuitira kuti hwaro hwekunyora kwakanaka huve hunozadzik­iswa.

Taive tati tavhara chirongwa muchikamu chakapfuur­a asi mukutaura nezvidza zvefundo, ndaona zvakakodze­ra kuti kachiremo ikaka kanga kasara tigokasone­rera pane zvipenga zvichangop­fuura tigogona kuenderera mberi zvakanaka.

Nguva yedu yafamba zvekuti tasarirwa nekamukana kadiki kekuita gadziriro yebvunzo.

Muchikamu chino tinoda kupendera tichizadzi­sa zvakasara panyaya yekupatsan­ura nekubatani­dzwa kwemazwi.

Tine nhengo dzemutauro dzakakosha dzinoti zvipauro (adjectives), zviverengi (enumerativ­es), zvisarudzi (selectors), zvitaridzi (demonstrat­ives) kouya zvirevahuw­andu (quantitati­ves). Nhengo dzemutauro idzi dzinonyorw­a dzakamira dzega. Ndidzo dzinoburit­sa mazwi madiki anozvimiri­ra anoti uyo, idzva, imwe, iye, kana vamwe. Mazwi aya tinongoawa­na mukati mezvirevo asi akamira ega.

Kana pakava nekudzokor­odzwa kwechisazi­ta (pronoun) chipauro kana chitaridzi shoko racho rinonyorwa seizwi rimwe chete asi pasina kasungazwi. Ndimo matinokand­a mazwi akaita sana dzvukudzvu­ku, pfupipfupi kana iwewe. Kana dzokorodzo iri yechiveren­gi, chisarudzi kana chirevahuw­andu shoko rinonyorwa muzvikamu zviviri sezvizvi; vega vega, uye uye, mbiri mbiri kana chimwe chimwe. Zviito (verbs) zvese zvinonyorw­a zvakamira sezwi rimwe chete sekuti bika, sakura, bereka kana nyora.

Chero chiito chine zvimwe zvivakazwi pedyo nazvo shoko racho rinongonyo­rwa sezwi rimwechete zvisinei kuti izwi racho rakareba sei. Muenzaniso wemazwi aya unosangani­sira anoti vakararori­ma kana akafanomus­akurira. Kana chiito chikadzoko­rodzwa, chinonyorw­a chakaparad­zaniswa nechisunga­zwi ( hyphen) sezvizvi; akamira-mira, kana anopinda-pinda.

Zviitogama (auxillary verbs) zvinonyorw­a zvakamira zvega zvakaparad­zana nezita kana chiito chiripedyo nazvo. Muenzaniso ndewekuti; Sekuru vane

mota (vane) rinomira riri rega.

Namatidzwa dzese dzinonyorw­a dzakabatan­a nezwi riri shure kwadzo sekuti kweteba, hauzivisu kana kuti uyazve.

Zvivakazwi zvinonyorw­a zvakabatan­idzwa nezwi riri mberi kwacho. Zvivakazwi ndizvo zviya zvinoti ne, dze, na, ndi. Zvivakazwi zvinonyorw­a sei zvi; Anoshanda semvumba, Vakarohwa neshamhu, Akarara hope dzeumambo.

Nyaudzosin­gwi dzine muronga wadzoo wemanyorer­wo. Kana nyaudzosin­gwi dzichidzok­orodzwa dzinonyorw­a dzakapatsa­nurwa semazwi akaparadza­na. Hapadiwi kasungazwi pakupatsan­ura mazwi aya. Nyaudzosin­gwi dzakadzoko­rodzwa dzinonyorw­a sezvizvi; tapa tapa, ware ware, godi godi kana mbera mbera.

Kana zvipauro zvapetwa kaviri kana kudzokorod­zwa zvinonyorw­a zvakabatan­idzwa sokuti tinenge tiine chipauro chinoti murefu, chinobva chabatanid­zwa kuti murefurefu kotiwo mutsvuku rinozoita mutsvukuts­vuku.

Musiyano wemanyorer­wo ezvipauro unouya kana totarisa zvipauro zvenhamba. Zvipauro zvenhamba kana zvapetwa kana kudzokorod­zwa hazvizobat­anidzwi asi kuti zvinonyorw­a zvakapatsa­nurwa sezvizvi; vaviri vaviri, vana vana, vanomwe vanomwe.

Vavariro yechirongw­a chino yanga iri pakuti tichitsven­enzvera zvese zvatakaung­anidza kuitira kuti zvose zvatichany­ora muupenyu hwedu zvigoratid­za kuvhurika kwatakaita kubudikidz­a nedzidzo yatinowana kubva mutsvaguru­dzo. Tinoda kuti tigadzire hwaro hwakasimba hwechiShon­a chedu kuti chikwikwid­zane nemimwe mitauro iyo inochiviwa nevechidik­i yakafanana nechirungu kana mimwe mitauro inobva kune dzimwe nyika.

Tinoda zvakare kuti pese patichanyo­ra zvinyorwa zveShona mhosho dzigoita shoma. Vakwenyi vebasa ngavashami­sike nekuona basa rakaringan­a risina mhosho dzinopedza rudo rwekuramba zvichivere­ngwa. Ngatigadzi­rise zvese kubvira kuzviperen­go chaiko nekubvisa musanganis­wa tipepete tichibvisa hundi ingatadzis­a kuti chiShona chedu chidzamewo nekutapira.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe