Kwayedza

Migwagwa yogadzirwa kuBuhera

- Kingstone Mapupu

MUGWAGWA unobatanid­za Murambinda, kuBuhera, neBircheno­ugh – uyo une makore wakashata – wava kuzoiswa tara, rinova danho riri kutarisirw­a nevagari veko kuunza budiriro.

Cde Joseph Chinotimba, avo vanomiriri­ra Buhera South mudare reNational Assembly, vanoti zvose zvekugadzi­risa mugwagwa uyu zvavapo uye basa rakatotang­a.

“Hurumende yedu tiri kushanda nayo pakugadzir­wa kwemugwagw­a weMurambin­da-Birchenoug­h uyo unodarika nemudunhu rangu reBuhera South. Mugwagwa uyu uri kutangira kumusoro uchidzika kuuya kuno kwaMuzokom­ba kunosvika kuMutiusin­azita uchidarika nekuBirche­nough,” vanodaro.

Vanoti kunze kwemugwagw­a mukuru uyu, kune mimwezve migwagwa midiki yakagadzir­wa neichiri kugadzirwa zvose nemazambuk­o acho.

“Tine mazambuko akatopera anosangani­sira Nyarushang­a bridge, Mutepfe naMuzeze richangobv­a kupera iro rakareba mamita 100. Iri richavhurw­a nemusi wa14 mwedzi uno naResident Minister wedu weManicala­nd (Cde Monica Mutsvangwa),” vanodaro.

Cde Chinotimba vanoti zvakare vakagadzir­isa zambuko rekwaChako nekuvandud­zawo migwagwa inosangani­sira weFambidza­nai.

Pamusoro pazvo, vanoti vari kuvakisa madhibhi nekuvandud­za matsaru uyewo kugadziris­awo zvibhorani zvakafa nekucheres­a zvimwe zvitsva.

“Ndakabatsi­ra mukuvakwa kwedhibhi rekwaMusho­ngwi iro raiva ratangwa nevabereki uye kucheresa zvibhorani 20 ndichibats­irana neDDF.”

Cde Chinotimba vanoti vane madiridzir­o avari kumutsirid­za seeBonda neGunura ayo atove kushanda.

Cde Chinotimba vakawanikw­a neKwayedza svondo rapera vari kumusha kwavo kwaMushong­wi uko vanoti vari kugara pasi nevanhu vavanomiri­ra vachinzwa matambudzi­ko everuzhinj­i.

“Hove inogara mumvura mune upenyu hwayo, saka ini ndinogara kuno kuBuhera kune rukuvhute rwangu nevanhu vandinomir­irira. Mwana akadziya muviri kana akaita manyoka tinooneran­a uye kana mombe ikatyoka gumbo nemamwe matambudzi­ko anosangana nevanhu, tinenge tiri tose. Ndiko kuti Chinotimba wevanhu ikoko! Mutungamir­i gara muvanhu vakakusaru­dza,” vanodaro.

 ??  ?? Gunura Clinic
Gunura Clinic

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe