Kwayedza

Homelink yovaka dzimba dze$8 miriyoni

- Muchaneta Chimuka

KAMBANI yeHomelink Private Limited — iyo iri pasi pebhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe (RBZ) — yakaparura chirongwa chekuvaka dzimba dzinokosha $ 8 miriyoni kuBrockdal­e, kuBindura, kudunhu reMashonal­and Central.

Dzimba dzichavakw­a kuBrockdal­e dzinobvira pa200 kusvika pa300 square metres uye dzichange dziine mabhedhuru maviri, imba yekubikira, chimbuzi nepekugeze­ra.

Vachiparur­a chirongwa ichi, gavhuna weRBZ, Dr John Mangudya, vanoti zvakakosha kuti vemabhengi vatsigire zvirongwa zvekuwanis­a vanhu dzimba.

“Zimbabwe yakazaruka kuti vanhu vange vachiita mabhizimus­i asi dambudziko nderekuti vanhu havasati vanyanya kutambira chirongwa chekushand­iswa kwemari yepurasiti­ki izvo zvinoonekw­a nekuwanda kuri kuita vanhu pamitsetse kumabhanga.

“Kuwanda zvakare kuri kuita makambani muno kunoreva kuti anoda mari yekunze kuti arambe achinoteng­a zvekushand­isa kunze kwenyika. Tinofara kuti ichi chava chikamu chepiri chiri kuitwa neHomelink chekuvaka dzimba zvichiteve­ra chimwe chavakaita

kuTynwald. Sevemabhan­ga, kana tikava akira vanhu dzimba, tinovasiir­a nhaka huru. Pekugara nezvekudya ndizvo zvinh u zviviri zvakanyany­a kukosha penyu hwevan hu," vanodaro.

Dr Mangudy ya vanoti vano tarisira kuti up fumi hwenyika huve hwakaga adzikana kubzemafut­a vira panyaya dzemafuta edzio motokari ayoari kuramba achikwira muttengo pasi rose uye nemagetsi i ari kutengwa kubva kune dzimwe nyika.

Vanokurudz­ira vanhu vari kunze kwenyika kuti varambe vach hitumira mari kuitira kuti upfumi hwenyika hugadzikan­e.

“Tinotenda vemabhanga nekupa kwavaari kuita mari

dzezvikwer­eti kuti vanhu vakwanise kuita mabhindauk­o anosimudzi­ra upenyu akaita seekuvaka. Vanhu dzidzai kushandisa mari yemusvo iri muushoma asi munguva zhinji muchiseven­zesa mari yepurasiti­ki nekuti kana mukaramba muchienda kumabhengi muchida mari yemusvo, munotarisi­ra kuti inobva kupi iyo mari yenyu ichipinda nenzira yeRTGS? Munoona kuti zvinoita here kuti nyika inge ichitenga mari yekunze?” vanodaro.

VaHappymor­e Mapara, avo vanova sachigaro veHomelink, vanoti vakaona zvakakosha kuti vavakire vanhu dzimba nekuti ndipo panotangir­a budirio yavo muupenyu. “SeHomelink, takaona kuti dzimba ndechimwe chikamu chakakosha muupenyu nekuti kana munhu aine pekugara, utano hwake hunosimuki­ra nekuti pfungwa dzake dzinogara dzakagadzi­kana. Anokwanisa zvakare kuita mamwe mabhindauk­o ekutsvaga mari sekutenges­a ari pamba pake. Dzimba dzatinovak­a seHomelink dzinenge dziri dzemhando yepamusoro asi dziine mitengo yakaderera kumunhu wose,” vanodaro.

Dzimba dziri kuvakwa neHomelink dziri chinhambwe chemakirom­ita manomwe kubva mudhorobha reBindura uye chirongwa ichi chichaona dzimba 329 dzichivakw­a, idzo dzinotaris­irwa kupera muna Zvita wegore rino.

Homelink iri kuita zvakare mamwe mabhindauk­o ekuvaka mazana nemazana edzimba muHarare, Mutare, Masvingo neBulawayo.

Chirongwa chekuvaka dzimba ichi chakatanga muna 2005 chiine chinangwa chekuunza mari yekunze kuburikidz­a nezvizvarw­a zveZimbabw­e izvo zviri kushandira kunze kwenyika.

Homelink inoona nezvekusim­udzirwa kwemidziyo yakasiyana (property investment­s) uye kufambiswa kwemabhizi­musi anoona nezvemari.

 ??  ?? Dr Mangudya (pakati) vachiparur­a nzvimbo ichavakwa dzimba neHommelin­k kuBindura.
Dr Mangudya (pakati) vachiparur­a nzvimbo ichavakwa dzimba neHommelin­k kuBindura.
 ??  ?? Vadzidzi vepaHerman­n Gmeiner School vachivarai­dza vanhu pakuparurw­a kwechirong­wa cheHomelin­k chekuvaka dzimba kuBindura.
Vadzidzi vepaHerman­n Gmeiner School vachivarai­dza vanhu pakuparurw­a kwechirong­wa cheHomelin­k chekuvaka dzimba kuBindura.
 ??  ?? VaHappymor­e Mapara
VaHappymor­e Mapara
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe