Kwayedza

Mwana ane sikarudzi mbiri

- Daphne Machiri

WANA ane makore mana okubewa wekuMuzara­bani, kuMashoand Central, ane dambudziko ubarwa aine nhengo dzesikarum­biri – yechikadzi neyechirum­e. Mwana uyu – uyo watichango­doma Tendai kuitira kumuchenge­tedza – kurerwa naambuya, amai vababa ke uye akazvarwa aine nhengo iri.

Yechikadzi ndiyo yaanoshand­isa kurasa mvura.

Ambuya vaTendai vanoti ongororo kaitwa namachirem­ba inoratidza i muzukuru wavo ane chibereko, reva kuti munhukadzi. Mwana uyu akazvarwa aine rema hwakavandi­ka, nanhasi ahwo. Takafamba kuchechi kwannamata yeHabakkuk First Apostovaka­ti hurema uhwu ndehwekuzw­a nahwo,” vanodaro ambuya ava. Vanoti Tendai vakaita wekuramwir­wa naamai vake ari chindumurw­a apo mukadzi uyu akamitiswa nemwanakom­ana wavo.

“Tendai mwana wemwanakom­ana wangu uyo wandinogar­a naye. Akaita zvekumitis­wa asi musikana wacho haana kuda kugara nemwana wangu, akatiza achinogara nehanzvadz­i yake kuHarare. Aivigiridz­a mimba yacho.

“Hama dzake dzakatozoz­iva kuti abatsirwa nemwana apo vakamuende­sa kuchipatar­a achiti anorwara nemusoro,” vanodaro ambuya vaTendai.

Vanoendere­ra mberi vachiti, “Amai vaTendai vakazouya vakasiya mwana ave negore nemwedzi aberekwa. Akati haachakwan­isa kuchengeta mwana uyu ndokubva amuramwira kwandiri.

“Ini ndakazoend­a nemwana uyu kumba kwakaberek­wa amai vake ndichinova­tsananguri­ra kuti ndizvo zvaitika, muzukuru wenyu ari kuno ndamusiirw­a nekuvaudza dambudziko rekuti ane sikarudzi mbiri.”

Ambuya ava vanoti vanoshamis­wa nemaitiro aamai vaTendai– munhukadzi asina kubatikana nehurema hune mwana wake.

“Chakandish­ungurudza ndechekuti iye nevabereki vake havaratidz­e kubatikana nehurema hune mwana. Pamusoro pezvo, ambuya vaTendai, kwakaberek­wa amai vake, vakandiudz­a mashoko akandibata vachiti hurema hwemwana uyu haushamisi­re kana, hazvisi zvitsa uye mumusha mavo munoberekw­a zvirema.

“Ini ndinofungi­rawo kuti uhu hushereket­wa asi ndicharamb­a ndichichen­geta muzukuru wangu,” vanodaro.

Vanoti vanomboend­a nemuzukuru wavo kuchipatar­a, kusanganis­ira kuHarare Central Hospital neParireny­atwa Group of Hospitals, asi dambudziko ravo kushaya mari inodiwa kuti mwana uyu abatsirwe.

“Kuzvipatar­a tatenderer­a nemwana uyu. Asi chiri kudiwa imari inosvika $500 kuti muzukuru wangu abatsirwe.

“Pandapedzi­sira kuenda kuParireny­atwa machiremba vakamuona vanoti nhengo yechisikan­a ndiyo inoshanda uye ane chibereko. Zvakare, nhengo yake yechirume haisi kukura kubva pakuzvarwa.

“Ini nekumutari­sawo, ndaona kuti sikarudzi yechikadzi ndiyo inoshanda nekuti kuchimbuzi kana achiita weti anoshandis­a iyoyo. Machiremba vanoti nhengo yechirume inoda kuvhenekwa kuti vaone kwainotang­ira zvinova zvinovabat­sira kuti vaone mudzi wayo, voibvise.”

Ambuya vaTendai vanoti muzukuru wavo ane dambudziko pakudya, anogona kurutsa achangobva mukudya.

“Asi chimwe chinondish­amisa pamwana uyu ndechekuti haadye nyama, nguva zhinji anorutsa achiti

mudumbu make munorwadza nechepaguv­hu. Zvakare, anotambura nekusvotwa izvo zvinoita kuti atadze kudya zvakanaka,” vanodaro.

Vanoti vanoda rubatsiro rwekuti muzukuru wavo abatsirwe kuchipatar­a.

 ??  ?? Tendai
Tendai

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe