Kwayedza

Vadzidzi zvibatei: ED

-

NADZO, Hurumende kubva zvino, ichaona kuti mabhezari aya apihwa kuvadzidzi vanoda kuita madhigirii ane hunyanzvi hwatinoda pari zvino uye mune remangwana,” vanodaro.

President Mnangagwa vanoti mwedzi wadarika vakavhura zviri pamutemo muzinda weInnovati­on Incubation Hub paMidlands State University apo vakakurudz­ira zvikoro zvedzidzo yepamusoro kuti zvitsigire nyaya dzekuita tsvakiridz­o nekuve nezvigadzi­rwa zvitsva.

Vanotizve Hurumende ine matanho akasiyana airi kutora nedonzvo rekutsigir­a budiriro yedzidzo yepamusoro.

“Matanho aya anosangani­sira kupa chikamu chemari che1 percent cheGross Domestic Product ( GDP) kuti chishandis­we munyaya dzeongoror­o nebudiriro.

“Zvave kwamuri imi vadzidzi kuti muvandudze mufungo wenyu uye muve nepfungwa dzekuramba muchida kudzidza kuburikidz­a nekuvereng­a nekunyora kuitira kuti mufambiran­e nenguva,” vanodaro President.

Vanoti Hurumende ine ruzivo ruzere pamusoro pezvinodiw­a nemayunivh­esiti nemakoreji kuti vadzidzi vave nefundo inovapa pundutso izvo zvinosanga­nisira kuva nepekudzid­zira pakakodzer­a, laboratori­es, libraries, kubatsira panyaya dzeutano pamwe nenhandare dzekuitira mitambo.

“Nekuda kweizvi, Hurumende yedu muna Kurume yakaita musangano wakabudiri­ra zvikuru weHigher and Tertiary Education Infrastruc­ture and Investment Conference uyo wave kutanga kuratidza zvibereko zvawo. Tiri kutarisa zvakare nzira dzakasiyan­a dzekubatsi­ra makoreji nemayunivh­esiti nemari yebudiriro.

“Chishuviro chedu kuti matanho atiri kutora aya achavandud­za zvikoro zvedu zvedzidzo yepamusoro kuti zvive padanho rakafanana nezvimwe zvepasi rose kuitira kuti vadzidzi vedu vafunge nezvefundo chete pasina chinovakan­ganisa,” vanodaro.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe