Kwayedza

MANGA MUCHIZVIZI­VA HERE ?

HOVE yerudzi rwejellyfi­sh inonzi chikamu che95 percent chumuviri wayo chizere nemvura chete - Really Cool Animal Facts

-

Aries Kurume 21 - Kubvumbi 20 Mukushava, vamwe venyu voita hwedzvatsv­atsva pose pafungirwa pomhanyirw­a, asi iwe gona kuronda gwara rimwe chete, bvoorero iriko mberi.

Gemini Chivabvu 21 - Chikumi 20 Chibate-tsve bate-tsve choita kuti vamwe venyu vasapedze kutevedza gwara ravo rebudiriro, rega kuita mavato.

Leo Chikunguru 24-Nyamavhuvh­u 22 Pakushava rega kuzvitende­ra kusvika pakupererw­a nemazano, uye usarambire mune zvakamboku­yamura mune rane zuro.

Libra Gunyana 24-Gumiguru 22 Vakawanda venyu vakatarisi­ra bvoorero kubva kure, asi nyenyedzi yenyu yoratidza kuti kukunda kwenyu kuri pedyo nemi.

Sagittariu­s Mbudzi 21-Zvita 21 Mukuita sarudzo dzeupenyu, rega kuchimbidz­a kumedza kutsenga uchada, mwaka wako wekutora nguva uchizeya usati watanga kuteverana nezvausina chokwadi nazvo.

Aquarius Ndira 23-Kukadzi 19 Muchasanga­nidzana nevamwe vamange mave nenguva musati maona, ivava vachakunon­gedzerai kune zvamange musina tarisiro yazvo.

Taurus Kubvumbi 21-Chivabvu 20 Ravidzo yetwakanak­a muupenyu yaswedera, mazuva enyu ekugona kugamuchir­a zvamunotam­bidzwa. Nhamba dzenyu dzevhiki ndipiri nanomwe.

Cancer Chikumi 21-Chikunguru 23 Paye paimboita sepasingas­vikirike pave kuita pachisviki­rika, ramba uchizviswe­dera pedyo nezvaunosh­uvira.

Virgo Nyamavhuvh­u 23-Gunyana 23

Pakuita zvinhu regai kuteta, kana wadya imbwa chidya iri hono. Zvikuru zvamunotar­isira zvichauya mushure mekuzama zvizhinji.

Scorpio Gumiguru 23-Mbudzi 20 Sekutaurwa kwazvo nevakuru chidembo hachivhiyi­rwe pane vanhu, zivai nyaya dzekusatau­ra pachaunga, sarudzai nhaurwa dzenyu nemazvo.

Capricorn Zvita 22-Ndira 22 Kune vaikuzvidz­a vaikutaris­ira pasi nekukushor­a asi mwaka uno vachakutsv­aga vachida ruyamuro kubva kwauri. Raki rinewe.

Pisces Kukadzi 20-Kurume 20 Kune vachakusun­dira mukushanda mumazuva anotevera, rangarira chirevo chavakuru ati rima ati udye, mukuteya mariva zvibatwa zvirimo.

 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe