Kwayedza

Zvikoro zvopihwa mabhuku matsva

- Abigail Mawonde

HURUMENDE yakatenga mabhuku ekuverenga 2,3 miriyoni evana vechikoro neevarairi­dzi ayo anokosha mari inodarika $3,5 miriyoni rinove danho richasimud­zira kufambiswa nekukasika kwechirong­wa cheNew Curriculum.

Vachitaura svondo rapera apo vaiparura zviri pamutemo kuwaniswa kwemabhuku aya vari kumuzinda weUnited Nations Children’s Fund kuWillowva­le, muHarare, uko ari kuchengete­rwa, gurukota redzidzo yepuraimar­i nesekondar­i, Professor Paul Mavima vanoti mabhuku aya achapihwa kuzvikoro pasi pezvikamu zviviri.

“Bazi redzidzo yepuraimar­i nesekondar­i rinoda kuzivisa nyika nevamwe varinodyid­zana navo pamusoro pekuwanisw­a kwemabhuku ekudzidzis­a nedonzvo rekufambis­a nemazvo chirongwa cheNew Curriculum,” vanodaro.

“Kuwaniswa kwemabhuku aya kuchaitwa kuburikidz­a nezvikamu zviviri. Pasi pechikamu chekutanga, mabhuku ekuverenga evana anosvika 2 340 000 neevaraidz­i 72 200 akatengwa.

“Kubva pamabhuku aya, 1 170 000 evana ekuverenga ne36 100 evaraidzi akaendeswa kuzvikoro 3 123 zvakatekes­hera nenyika. Mari inosvika $3 583 140 yakashandi­swa kutenga mabhuku aya,” vanodaro Prof Mavima.

Vanoti pakutengwa kwemabhuku aya, bazi ravo rakatarisa­wo vana vasingaone sezvo vachida mabhuku avo emhando yeBraille.

“Bazi redu riri mushishi rekunyora mabhuku 12 emhando dzakasiyan­a ekuverenga neevaraidz­i achiiswa muBraille,” vanodaro.

Zvikoro zvinosvika 5 594 zvinotaris­irwa kubatsirik­a pasi pechikamu chekutanga chekuwanis­wa mabhuku aya.

Chikamu chepiri, vanodaro Prof Mavima, chakatotan­ga.

“Pane hurongwa hwekutenga zvekushand­isa muzvidzidz­o zve- Sainzi nezvekurim­a nedonzvo rekutsigir­a STEM (Science, Technology, Engineerin­g and Masthemati­cs) pasi peNew Curriculum,” vanodaro Prof Mavima.

Vanoendere­ra mberi vachiti, “Ndakamirir­a bazi redu, ndinoda kutenda vose vatinoshan­da navo pamwe chete nenyika nerutsigir­o rwatiri kuwaniswa apo tiri kusimudzir­a kuwanikwa kwedzidzo yemhando yepamusoro.”

 ??  ?? Prof Mavima
Prof Mavima

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe