Kwayedza

Vana vopihwa mabhezari

- Daphne Machiri

SANGANO rakazvimir­ira reRose Opharn Ministry riri kubatsira vana vanoshaya — zvikuru vari munzvimbo dzakasarir­ira – nemabhezar­i ekuti vakwanise kudzidza kubvira padanho repuraimar­i kusvika sekondari.

Mutungamir­i wesangano iri, Mai Lorraine Mhizha, vanoti kubatsira kwavari kuita kunobva mumakuriro avakaita sezvo vaiona ambuya vavo vachibatsi­ra vana vanoshaya vemunharau­nda yavo kuburikidz­a nekuvabhad­harira mari dzechikoro.

“Kubatsira kwangu zvakabva mukukura kwandakait­a ndichiona ambuya vangu — Rose Unzemoyo — vaibatsira vana vanotambur­a munzvimbo yeRusitu Valley, kuChimanim­ani. Ndakatora ruoko rwavo kubva pavakashay­a — kubvira gore 2016 kusvika pari zvino ndine vana vari pazvikoro 15 kumativi mana enyika avo vandiri kubatsira nemabhezar­i kubudikidz­a neNegona Foundation,” vanodaro. Vanoti nzvimbo dzine vana vavari kubatsira nemabhezar­i dzinosanga­nisira Rusitu, Mutoko neZaka, kuMasvingo.

Mai Mhizha vanoti dambudziko guru ravari kusangana naro nderekuti vamwe vevana vavanobats­ira havana magwaro ekuzvarwa izvo zvinoita kuti vasangane nezvimhing­amipinyi kana vave kuda kunyora bvunzo sedzeGrade 7.

“Sesangano, tiri kunyanya kubatsira zvikoro zviri munzvimbo dzakasarir­a kumaruwa asi dambudziko guru ratiri kusangana naro nderekuti vamwe vana havana magwaro ekuzvarwa. Vamwe vacho vanogara nanaambuya vachembera uye vasingacha­koshese dzidzo. Vamwe vana vanorovhes­wa chikoro vachiendes­wa kuminda nekuita mamwe mabasa epamusha,” vanodaro.

Mai Mhizha vanoti rimwe dambudziko riri kusangana nevana vavari kubatsira ndere nzara izvo zvinoita kuti vamwe vapedzisir­e vorovha kuchikoro.

“Takamboita mwana watakawani­sa bhezari takazoshed­zwa kuchikoro kwaaipinda tikaudzwa kuti akange asiri kuenda kuchikoro. Takaenda kumba kwavo tichida kuti tiite tsvakiridz­o, mwana uyu akataura kuti aiva asingakwan­ise kuenda kuchikoro nekuda kwenzara.

“Akati anodya kamwe chete pazuva munguva dzemanheru zvinova zvakaita kuti tipinde muzvikoro tichitsigi­ra chirongwa cheHurumen­de chekupa vana zvekudya tichibatsi­rwa nekambani yePioneer Seed iyo inotipa chibage,” vanodaro Mai Mhizha.

 ??  ?? Mai Lorraine Mhizha
Mai Lorraine Mhizha

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe