Kwayedza

Vazhinji voziva kurera mhuri

- Muchaneta Chimuka

BAZI rezveutano nekurerwa kwevana rinoti riri mushishi kushanda rakabatana nemamwe mapoka akasiyana mukusimudz­ira nyaya dzekurera mhuri izvo zvaona vanhu vari kuwana nzira dzekurera mhuri vachisvika chikamu che66% pachisara paine mukaha we10,4%.

Vachitaura pambembere­ro dzeWorld Population Day idzo dzakaitirw­a muHarare nemusi weChipiri svondo rino, Dr Bernard Madzima, vanova director weFamily Health kubazi iri vanoti madzimai akawanda akaroorwa ave kushandisa nzira dzekurera mhuri.

“Huwandu hwevanhu vari kushandisa nzira dzekurera mhuri munyika pari zvino huri pa2 203 000. Dunhu reMatabele­land South ndiro riri pamberi pakushomek­a kwekushand­iswa kwenzira dzekurera mhuri apo riine chikamu che60% chevari kushandisa nzira idzi uye mukaha we16%.

“Kunozouya Masvingo iyo ine chikamu che61% uye mukaha we15%, Matebelela­nd North iine 66% nemukaha we13%, Manicaland 57% nemukaha we10%, Harare (70% nemukaha we10%), Bulawayo (71% nemukaha we9%), Mash West (71% nemukaha we7%, Mash East (70% nemukaha we9%) apo Mash Central iine 65% nemukaha we9%,” vanodaro.

Dr Madzima vanoendere­ra mberi vachiti, “Kureva kuti munyika yese, vanhu vari kuwana nzira dzekurera mhuri vane chikamu che66% pachisara paine mukaha we10,4%.”

Zvakaonekw­a zvakare kuti madzimai nevanasika­na vane makore anobvira pa15 kusvika 49 ekuberekwa vazhinji vavo vane neruzivo maringe nenyaya dzekurera mhuri nechikamu chinodarik­a 98%.

Dr Madzima vanoti kuburikidz­a nekuwanisw­a nzira dzakasiyan­a dzekurera mhuri, nyika iri kuwanikwa ichideredz­a nyaya 173 000 dzekubvisw­a kwepamuvir­i zvisiri pamutemo uye ne785 000 dzepamuvir­i pasina kurongeka pamwe nekuderedz­a ndufu dzemadzima­i nevana panguva yekubara dzinosvika 2 600.

“Zimbabwe National Family Planning Strategy 2016-2020 ine chinangwa chekuona kuti huwandu hwemadzima­i nevarume vari kuda nzira dzekurera mhuri hwawedzera. Pari zvino tichine mukaha wekuwanisw­a kwenzira dzekurera mhuri kune vachiri kuyaruka nechikamu che12,6% uyo tinoda kuuderedza kusvika pa8,5% muna2020.

“Tinoda zvakare kuwedzera mhando dzenzira dzekurera mhuri tichiona kuti chikamu che30% chemadzima­i akaroorwa ashandisa nzira dzekurera mhuri dzenguva refu muna2020,” vanodaro.

Dr Madzima vanoti Hurumende inoda zvakare kuderedza kushomeka kwemishong­a yekurera mhuri kuti nyika irambe iri pachikamu che5% nekushanda nemamwe masangano akazvimiri­rira kuti ange achitsigir­a.

“MuZimbabwe, vanhu vanowana nzira dzekurera mhuri muzvipatar­a nemakirini­ka eHurumende vane chikamu che73%, muzvipatar­a zvakazvimi­rira 22% kuchizoti mumikoto nedzimwe nzira dzakatsauk­ana 5%. Muzvipatar­a zveHurumen­de mishonga iyi inowanikwa pachena kana kuti nemari iri pasi. Tiri mushishi kudzidzisa varapi vedu kuti vange vachikwani­sa kushandisa nzira dzenguva refu dzekurera mhuri kuvanhu dzakadai seIntra-Uterine Contracept­ive Device (IUCD),” vanodaro.

Dr Esther Muia, vanova mumiriri wesangano reUnited Nations Population Fund (UNFPA) muZimbabwe, vanoti kurera mhuri ikodzero yemunhu wese uye kunochenge­tedza upenyu hwevakadzi kunyanya, nokudaro madzimai navanababa vanofanira kuwaniswa ruzivo rwakakwana.

Zvichakada­i, mamiriyoni nemamiriyo­ni emadzimai pasi rose havasi kuwana nzira kwadzo dzekurera mhuri zvichikonz­erwa nekushaya ruzivo nehurombo, pakati pezvimwe.

 ??  ??
 ??  ?? Dr Madzima
Dr Madzima

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe