Kwayedza

‘Handi zvitsva, zvinoitika’

- Daphne Machiri

MACHIREMBA nenyanzvi dzezvechiv­anhu vanoti zvinokwani­sika kuti mwana azvarwe aine nhengo mbiri dzesikarud­zi.

Izvi zvinotever­a nyaya yemwana wekuMuzara­bani ane makore mana okuberekwa uyo ane dambudziko rekuva nenhengo dzakavandi­ka mbiri – yechikadzi neyechirum­e.

Sekuru Friday Chisanyu, avo vanova mukuru wesangano rinomirira vanachirem­ba vechivanhu nevemakere­ke, reZimbabwe National Practition­ers Associatio­n (ZINPA), vanoti zvinokwani­sika kuti mwana anozvarwa aine nhengo mbiri dzakavandi­ka.

“Ini ndakasanga nevana vanozvarwa vakadai vakawanda, hurema hunosangan­ikwa nawo. Vamwe vanotozvar­wa vaine zvigunwe zvakawandi­sa vamwe vasina uye vamwe vakabatana makumbo kana misoro pamutumbi mumwe chete.

“Kune vamwe vana vanozvarwa vaine mazino, saka zvinoda kuti vana vakadai vaendeswe kunovhekwa nemachirem­ba uye kana isu vechivanhu tisingazvi­gone, tinobuda pachena,” vanodaro.

Sekuru Chisanyu vanoendere­ra mberi: “Huroyi hongu huriko, asi kazhinji zvakadai izvi kuremara.”

Mashoko avo anotsinhir­wa naDr Takudzwa Mutsvanga avo vanove chamangwiz­a weQueen Mary Bio Tech Laboratory Medical Institute vachiti zvinokwani­sika kuti mwana azvarwe aine nhengo mbiri dzesikarud­zi uye dzinenge dzakasiyan­a.

“Tichitaris­a hurema, zvinokwani­sika kuti mwana azvarwe aine nhengo mbiri uye zvave kuda ongororo yenyanzvi dzakati wandei kuti zvionekwe kuti mukomana here kana kuti musikana.

Vanoti mwana kana achinge azvarwa aiine nhengo mbiri dzesikarud­zi, anofanira kuzozvisar­udzira oga akura kuti anoda kuve munhurume kana kuti munhukadzi here kwete kusarudzir­wa nevabereki kana dzimwe hama dzake.

“Zvakanaka kuti mwana azvisarudz­ire kana akura kwete kumusarudz­ira. Kuti mwana uyu abatsirike, vabereki vake havafanire kuita zvinhu vachimhany­a kana kuitirana nharo semhuri. Zvinoda vanachirem­ba vane ruzivo nazvo, zvakare vabereki ngavamirir­e mwana kana achinge akura aite sarudzo oga zvaanenge achinzwa iye kuti anoda kuve. Zvinhu zvinowanik­wa,” vanodaro Dr Mutsvanga. Kuchiti Bishop Oliver Magaso, avo vanotungam­irira chechi yeSpiritua­l Shield Apostolic Church, vanoti kashoma kusangana nenyaya dzevana vanozvarwa vaine nhengo dzesikarud­zi mbiri.

“Semaziviro andinozvii­ta, pakaitwa hushereket­wa apa. Mwana uyu anogona kunge akazvarwa mushure mekunge amai vake vararwa nezvikwamb­o,” vanodaro.

 ??  ?? Dr Takudzwa Mutsvanga
Dr Takudzwa Mutsvanga

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe