Kwayedza

– ZVIWANIKWA ZVEZIMBABW­E –

- Kuti muzive zvakawanda batai veZimparks Public Relations pa: 0772 620 178. Juliet Sharon Tom

TWIZA/FURIRAMUDE­NGA Ndebele: Intundla/Idlulamith­i English: Giraffe

ICHIZIVIKA­NWA nemutsipa wakareba, twiza kana kuti furiramude­nga ndiyo mhuka yakareba kudarika dzimwe dzose panyika. Ine makumbo nemutsipa zvakareba zvikuru.

Zvisinei, mutumbi wemhuka iyi hauna kunyanya kureba. Ine ganda rine makwapa makwapa ane ruvara rwakada kutsvukiri­ra, pamwe pacho rwuchisvib­irira.

Sezvakango­ita mukati meruoko rwemunhu, hakuna mafuriramu­denga maviri kana kudarika ane ruvara rwakagadzi­rwa zvakafanan­a – panotoita kamutsauko bedzi.

Asi mabhuru etwiza anoita ganda rakasvibir­a kudarika rehadzi. Ganda remhuka iri rakagadzir­wa kuitira kuti rinotoredz­erana nepainenge ichigara.

Kana yakura, twiza inoreba 4.6 kusvika 5.7 m, bhuru richidarik­a hadzi. Apa bhuru rinenge rorema chipo che1 400kgs, hadzi ichirema 950kgs.

Maziso makuru etwiza anoita kuti mhuka iyi ikwanise kuona zvakanyany­a uye ine chipo chekunzwa nekubata hwema (mweya). Dzose – rume nehadzi – dzine nyanga mbiri dziri nechepaden­ga pemusoro.

Twiza rume dzinoshand­isa mitsipa yadzo yakareba sechombo chekurwa uko kunodaidza pachiRungu kuti “necking”.

Mhuka iyi inokwanisa kuvhara mhuno dzayo kuti dzisapinde mavhu kana tumbuyu netupukana­na ichisevenz­esa mhasuru dzakasimba idzo dzakakombe­redza mhuno. Rurimi rwacho rwunokwani­sa kutambanuk­a kusvika 45 cm. Ndirwo rwunoseven­zeswa kusvikira mafuro akaita semashizha emiti.

Muromo wepadenga unobatsira­zve pakufura uye une mvere dzinodzivi­rira kuti isabaiwe neminzwa.

Twiza inodya miti bedzi (herbivores) – inonyanyod­a miti ine minzwa semupangar­a nemubayamh­ondoro.

Iyi imhuka inogara yakazvinya­rarira, asi twiza inonzi inoburitsa ruzha rwakasiyan­a – rume dzinoita “kakukosora” pakudzvova kuchiti hadzi inodaidzwa mwana wayo (mhuru) nekukuma.

Zamu remhuka iyi rinoita mazuva ari pakati pe400 kusvika 460 apo panobarwa mhuru imwe chete inorema 100kgs. Zvisinei, manyambiri kana kuti mapatya anogona kubarwa sezvakambo­itika kuKyle National Park, kuMasvingo.

Mhuri dzetwiza dzinowanzo­batwa nezvikara zvakaita seshumba nemapere izvo zvinoita kuti vanaamai vadzo vadzicheng­etedze zvakanyany­a.

Furiramude­nga rinozivika­nwa nekukava nemakumbo aro akasimba. Rinogona kukava chero kwarakatar­isa uye richiuraya kana kudambura shumba musoro.

Zvisingait­we nedzimwe mhuka dzine makumbo mana, twiza inofambisa makumbo ayo maviri edivi rimwe chete pamwe chete zvinonzi pachiRungu “pacing”. Mafambiro aya anosanduka kana romhanya (galloping). Rinogonha kusvika 60km/hr.

. Zvimwe zviri muchinyorw­a chino:

Field Guide to Mammals of Southern Africa - Chris and Tilde Stuart

Wild Mammals (Bundu Series) - Dale Kenmuir and Russel Williams

 ??  ?? Furiramude­nga
Furiramude­nga
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe