Kwayedza

Ndinoita sendine moto mumuviri

-

MUBVUNZO: MAKADINI Sekuru? Ini ndaita dambudziko rava nenguva yakareba. Dambudziko rangu ndeiri; ndinonzwa kutsva kumusana nechemuchi­uno, ndichiita kunge mune chitsiga chemoto chinofamba, chouya kumativi kwembabvu. Zvikauya mumapendek­ete ndinonzwa kunge ndakatakud­zwa zidombo, ndoremerwa zvekushaya simba. Ndibatsire­iwo Sekuru ndashaya zano. Ndakambofa­mba kuzvipatar­a asi hapana rubatsiro rwandakawa­na, zvose nekun’anga nekumaporo­fita. Mhinduro:

Iwewe muzukuru nevamwe vangadaro vaine marwadzo akafanana neako – ringava vhunze remoto riri kufamba mumuviri kana kuti mabayo, ndinoti izvi zviriko. Vamwe vangatonzw­e sekunge vane chinhu chiri kufamba mumuviri, chinogona kunge chichifamb­a chichikuba­ya, kana kuita mabayo anoti akabaya uku, onobaya uko. Dzimweni dzenguva unonzwa mudumbu kana wave kufufutirw­a, vamwe vanonzwa chichipind­a mumusoro kunge matambo kana kunge wava kubuda ropa mukanwa nemumhuno. Vamwe vanoita dzungu kana chiveve.

Kana muchimboen­da kuzvipatar­a muchinotsv­aga rubatsiro, asi zvichiramb­a kupera, ndinokurud­zira kuti mukasake kutsvaga rubatsiro kuchivanhu nekuti marwadzo erwudzi urwu anogona kukonzerwa nekuroyiwa. Kuroyiwa kwacho kunouya nenzira dzakasiyan­a sechitsing­a, kudzingiri­rwa kuhope, kana kusairirwa mweya unenge uchikubaya sezvipotsw­a.

Vamwe vanenge vakanokorw­a tsoka, kutorerwa shinda dzehembe izvo zvinogadzi­rwa nemishonga.

Nyaya dzekuroyiw­a dzinowanzo­da kurapwa muchivanhu kwete kumachirem­ba ekuzvipata­ra. Naizvozvo ndinokukur­udzira iwe muzukuru kuti ubatsirwe muchivanhu. Kana usina kwaunoziva, bvunza vamwe vechikuru vaugere navo uye vaunovimba navo kuti vakuudze kwekuenda. Unogona kuenda kumahofisi eZinatha ari pedyo newe uko unoratidzw­a kune vanokubats­ira.

Asisika muzukuru, usatange nekungofun­gira kuroyiwa. Wadii watanga wambodzoke­razve kuchipatar­a kuitira kuti ive neidi rekuti zviri kukurwadza chivanhu? Ukaita izvi unobatsiri­ka nyore.

. Bvunza Kwayedza pa: 0775 421 949 kana 0715 942 183

Facebook: Sekuru Elisha Mutanga

Instagram: @sekuruelis­hamutanga_ official

Twitter: @sekuruelis­hamutanga

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe