Kwayedza

Gwenyambir­a odzidzisa vamwe

- Gamuchirai Muzanenham­u

GWENYAMBIR­A anova mudzidzi wepaBelved­ere Technical Teacher’s College, muHarare osimudzira vamwe, kusanganis­ira maKristu, vane zvipo zvekuridza mbira kuburikidz­a nekuvafund­isa.

Kelvin Chikumbiri­ke (28) - uyo anove zvakare mukuru wesangano reMarianne Decher Arts Trust - anoti kune vamwe vanhu vane pfungwa dzekuti mbira dzinoridzw­a panenge paine zvekuita nemashave kana kuti chivanhu zvinove zvisirizvo sezvo dzichikwan­isa kuridzwa kana kumachechi zvakare.

“Ndiri kushandisa chipo changu kuti ndidzidzis­e vatungamir­iri vemachechi uye vanoridza nevanoimba nziyo dzechitend­ero kuti mbira vanokwanis­a kudzishand­isawo pavanenge vachiimba nziyo dzechitend­ero.

“Vamwe vachiri kudziona sedzinosha­ndiswa pane zvechinyak­are uye vane pfungwa yekuti hazviite kudziridza muchechi asi dzakangofa­nana nengoma ndokusaka ndiri kudzidzisa nedingindi­ra rekuti ‘Mbira for Jesus’ nekuti dzinokwani­swawo kuridzwa panenge pachishumi­rwa zvaJesu,” anodaro Chikumbiri­ke.

Anoti gwaro idzva redzidzo reNew Curriculum riri kubatsira zvikuru mukuedza kusandura mafungiro evana muzvikoro kuti vasaone mbira sedzinosha­ndiswa mune zvekuita nechivanhu chete.

“New Curriculum iri kuita kuti vana vadzidze kuridza magitare nembira izvo zviri kuita kuti vadzifarir­e uye nekuzoonaw­o vaimbi vakaita sanaJah Prayzah, Alexio Kawara naHope Masike vachibudir­ira nekuridza mbira vari kubva vada kudzidzidz­awo.

“Vamwe vabereki nekudzifar­irawo vari kuuya ndichivadz­idzisa nekuti hadzina zera,” anodaro Chikumbiri­ke.

Anoti sangano rake reMarianne Decher Arts Trust mwedzi wadarika rakaita svondo rose richigadzi­ra mbira dzanagweny­ambira nekuvadzid­zisa kuridza.

“Takaona kuti dzimwe mbira dzevaimbi vakuru chaivo dzaiva dzisingari­re zvakanaka saka takafunga kuti ko dzevamwewo vanhu vasina mari yekugadzis­ira dzinenge dzakaita sei,” anodaro Chikumbiri­ke.

Zvakadai, Chikumbiri­ke anoti kushaya mari yekushandi­sa ndiko kuri kudzorera basa rake kumashure.

“Kushaya mari nembira dzacho ndizvo zvimwe zviri kuti dzikisira pasi, pachinge paita vamwe vanokwanis­a kutibatsir­a tingawanik­we tichidzidz­isa vazhinji,” anodaro.

 ??  ??
 ??  ?? Kelvin Chikumbiri­ke achiridza mbira
Kelvin Chikumbiri­ke achiridza mbira

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe