Kwayedza

Zvambura mari nemadomasi

- Bright Musakanda

TINOKUKWAZ­ISAI varimi kumativi mana enyika. Muchinyorw­a chedu chanhasi — icho chamunounz­irwa nenyanzvi pakuuchika mbeu dzemuriwo nedzemafur­o, Prime Seed Co — tati timbotaris­a marimirwo akanaka emadomasi.

Chekutanga ndechekuti kana domasi rikarimwa zvakanaka, rinopa murimi chouviri. Asi zvinoda kuti murimi atange atsvaga musika wekutenges­era (market). Musika ndiwo unotipa gwara remhando (variety) yemadomasi anorimwa nemurimi.

Kana tikarima tisina kutanga tatsvaga zvinodiwa nemusika, ndipo paya patinozope­dzisira tarasikirw­a negoho redu kana kuzobhadha­rwa mari shoma kumusika.

Tine mhando mbiri dzemadomas­i anodiwa kumusika dzinoti:

1. Madomasi anovandudz­wa, kugaiwa kana kugadziris­a chimwe chikafu (precessing tomatoes). Aya ndiwo akaita sePietraro­ssa, Vaquero, Nash neChibli. Iyi mhando yemadomasi inowanzote­ngwa nevemakamb­ani anoita zvekuvandu­dza nekuisa muto wacho mumagaba. Mhando iyi inenge ine munyepfu (flesh) wakawanda.

2. Madomasi anotengesw­a pamusika akadaro (fresh market) ndiwo akaita saana Daisy, Alambra, Candela neAkela. Iyi mhando ndiyo iya inotengesw­a pamisika nemuzvitor­a. Mhando iyi inenge ine muto wakawanda uye madomasi acho akaita denderedzw­a (round shape). Varimi vanokurudz­irwa kurima mbeu dzemadomas­i dzakauchik­wa zvemhando yepamusoro (hybrids) nekuda kwekuti

madomasi aya anopa goho rakakura zvakanyany­a

anoshingir­ira pazvirwere (fungal diseases)

anobereka vana vemhando yepamusoro (good quality)

anochenget­eka nguva yakareba maakohwa (long shelf life)

Murimi akangwara anofanirwa kuendesa ivhu rake kunoongoro­rwa nenyanzvi dzevhu (soil testing) kuti agoziva mafetireza anodihwa. Madomasi chirimwa chinorimik­a zvakanakis­a gore rose kunyangwe zvavo asingawiri­rani nechando chakanyaya. Munguva yechando varimi vane mabutiro (greenhouse­s) vanenge vane mukana wakanyanya nekuti madomasi avo haarohwi nechando.

Mhando dzembeu dzemadomas­i anofanirwa kurimwa mumabutiro iAlambra neCandela. Musiyano uri pakati pemadomasi anorimwa mumunda neemumabut­iro ndewekuti emumabutir­o anoramba achingober­eka kusvika nariini (indetermin­ant) asi emuminda ane nguva yaanotaris­irwa kubereka obva afa (determinan­t).

Madomasi anorimwa mumabutiro neanorimwa mumunda ose anorimwa zvakada kufanana asi kuti emubutiro akanyanyon­akira pakuti;

anoshingir­ira kuzvirwere zvakaita sechakuvha (fungal diseases)

madomasi anoberekwa anenge ari makuru zvakafanan­a, mamiriro, zera uye ruvara (uniformity)

haarohwi kana kukanganis­wa nechando

haanyanyi kuvhiringw­a neudyi, tumbuyu kana makonye Marimirwo emadomasi: Mafotereza, mishonga nemvura inoshandis­wa mumabutiro (greenhouse) nemuminda zvakangofa­nana asi kuti chinosiyan­a imhando dzematanda kana kuti mitariko inoshandis­wa kumisikidz­a madzinde emadomasi (trellis). Kudyara mhodzi dzemadomas­i: Mhodzi dzemadomas­i dzinokwani­sa kudyarwa mumatireyi anenge achiyangar­ara pamusoro pemvura. Kana tichishand­isa mhando yematireyi, tinoisa murakwani wakaongoro­rwa ( gromix ) mumatireyi tobva taisa mhodzi dzemadomas­i mukakomba. Matireyi aya tinogona kumaisa padara topota tchiadirid­za kuseni, masikati nemanheru.

Mumvura yatinodiri­dza nayo ndimo matinoisa fotereza inonzi (quick start 15g) kamwe pavhiki kwemavhiki matatu kana mana. Pavhiki retatu kana rechina, tinofirwa kunyima nhondo dzinenge dzabuda mvura kuti dzisimbe (hardening).

Tinogona zvakare kutora matireyi ataisa murakwani nemhodzi toayangara­risa pamusoro pemvura. Tinoisa fotereza inonzi float fert inoita 110ml pamatireyi gumi mumvura inozoyanga­rara matireyi. Fotereza iyi inowedzerw­a mumvura kamwe chete pavhiki kwemavhiki matatu, pavhiki rechina hapaiswi fotereza ndiko kutosimbis­wa kunenge kwava kutoitwa nhondo. Kusimbiswa kwenhondo kunoitirwa kuti patinozono­dzisima mumunda dzibate zvakanaka uye dzisafa.

Fotereza:

Nhondo dzemadomas­i dzinosimwa nefotereza yeCompound C kana kuti Vegetable Blend iri pakati pe750-1 000kg/ h. Mushure memavhiki maviri kana matatu panozodiwa fotereza yepamusoro (Ammonium Nitrate 150kg/ h). Iyi mhando yefoteraza inoita kuti madomasi akure madzinde nemashizha munova ndimo munogadzir­wa chikafu (vegetative growth).

Panozodiwa zvakare dzimwe mhando mbiri dzefoterez­a dzinoti Sulphate of Potash 50kg/h zvichiende­rana nekuti vaongorori vevhu vati inodiwa here kana kuti kwete. Kana madomasi ava kubereka, panozodiwa fotereza yeCalcium Nitrate 30kg/ h. Iyi fotereza inoita kuti madomasi ari kuberekwa asimbe, arege kungopwany­ika pwanyika pakukohwa.

Upamhu (spacing) nekusima

nhondo:

Nhondo dzemadomas­i dzakasimbi­swa ( hardening) dzinofanir­wa kusimwa munguva dzemangwan­ani kana kuti zuva rovira. Tinotarisi­rwa kuva nemadzinde emadomasi 16 000 - 20 000 pahekita. Kubva pane mumwe mutsetse kuenda pane mumwe panofanirw­a kufara 1.5 - 2 m. Kubva padzinde kuenda pane rimwe panofanirw­a kufara 0.3 - 0.5m. Zvirwere nemishonga pahactre: Murimi wemadomasi anofanirwa kufirita mushonga wekudzivir­ira (preventati­ves) chirwere chechakuvh­e kubva pavhiki rinobuda nhondo kusvika pamavhiki ekupedza kukohwa achifirita vhiki roga roga (weekly sprays). Pamusoro perwere nemishonga inodiwa, varimi munokurudz­irwa kubata varimisi vePrime Seed Co vari kumatunhu aenyu kuti mubatsirwe zvakakwana pamishonga yekushandi­sa.

◆ Bright Musakanda murimisi wePrime Seed Co kuMasvingo. Anobatika pa 0777 306 020

 ??  ?? Prime Seed Co inouchika mhando dzemadomas­i anopa murimi mari pakuatenge­sa.
Prime Seed Co inouchika mhando dzemadomas­i anopa murimi mari pakuatenge­sa.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe