Kwayedza

Vokohwa pakuru neSyngenta

- SHAMBADZO Munyori weKwayedza

CHIRONGWA chekumema munda wemumwe murimi mukuru - VaCharles Mukewa - vekuAberfi­eld, kuKwekwe nguva pfupi yadarika chakabudir­ira zvikuru uye chakapindw­a nevarimi vanodarika 200 nevarimisi veAgritex makumi mashanu avo vaibva kumatunhu akasiyana munyika.

Vazhinji vevarimi ava vaiva veA2 uye varimi vakuru vanorima zvekutenge­sa kumisika mikuru vemuno. Vaive muyenzi mukuru pachiitiko ichi, gurukota reHurumend­e rinomirira dunhu reMidlands, Cde Owen Ncube, vakapembed­za chirongwa ichi mukusimudz­ira kwachinoit­a varimi muZimbabwe.

VaMakewa vakarima mhando mbiri dzembeu yeSyngenta dzinoti MRI 514 neMRI 624 uye dzakanonok­a kurimwa nomusi wa25 Zvita 2017 uye vanotarisi­ra kuwana mahekita manomwe echibage.

Murimi uyu akashandis­a mushonga weSyngenta - Bateleur Gold - kuti ange achiuraya sora uye chikamu chinodarik­a 50 percent chemunda wake chakanga chakachena.

VaMakewa vari kugutsikan­a nembeu dzeSygenta kusanganis­ira dzemuriwo nemishonga yacho zvisinei nekuti vakatanga kurima mbeu idzi mumwaka wa2016-17.

Pane dzimwe mbeu dzakasiyan­a, VaMakewa vanoti vakatopedz­a kukohwa matomatisi emhando yeSyngenta Chibli F1 Hybrid Tomato uye vakawana goho guru.

Mbeu iyi inogona kupa goho rinosvika 120mt/ ha. Murimi uyu anorima zvakare makabheji emhando yeSyngenta Cabbage Fabiola F1 rinova rinokurumi­dza kukura mukati memazuva 65 kubvira panguva yekudyara.

Kambani yeSyngenta yakatendaw­o zvikuru VaMakewa nekugona kurima zvine unyanzvi mbeu yechibage, kunyanya MRI 514 & MRI 624.

Mukuru anoona nezvekusha­mbadza kukambani iyi, VaTawanda Nixon Mangisi vanoti vanokurudz­ira varimi vese kuti vange vachishand­isa mbeu nemishonga yeSyngenta.

 ??  ?? Zvimwe zvaiitika nguva pfupi yadarika pachirongw­a chekumema munda waVaCharle­s Mukewa - vekuAberfi­eld, kuKwekwe nguva pfupi yadarika.
Zvimwe zvaiitika nguva pfupi yadarika pachirongw­a chekumema munda waVaCharle­s Mukewa - vekuAberfi­eld, kuKwekwe nguva pfupi yadarika.
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe