Kwayedza

Zvirwere zvezvikwek­we zvorwiswa

- Muchaneta Chimuka

CHIKAMU chinoona nezvekuche­ngetedzwa kwezvipfuy­o munyika cheDepartm­ent of Veterinary Services (DVS) chinoti chiri kutora matanho ekusimbara­dza zvirongwa zvekurwisa zvirwere zvinokonze­rwa nezvikwekw­e zvichiteve­ra kufa kwakaita mombe dzinodarik­a 3 400 munyika nekuda kwezvirwer­e izvi.

Zimbabwe yakarasiki­rwa nemombe 3 430 nekuda kwezvirwer­e zvezvikwek­we kubva mumwedzi waMbudzi gore rapera kusvika Chivabvu gore rino.

Dunhu reMashonal­and East ndiro rakarasiki­rwa nemombe dzakawanda kupinda mamwe matunhu ose munyika.

Dr Josphat Nyika vanova director weDVS vanoti varimi vari kunyanya kurasikirw­a nemombe dzavo nekuda kwechirwer­e cheTheiler­iosis icho chinozivik­anwa zvakanyany­a seJanuary Disease uye nezvimwe zvinoti babesisosi­s, heartwater, anaplasmos­is uye nekudikiti­ra (sweating sickness).

“Tiri kuyambira varimi kuti vasamhanyi­re kutengesa mombe dzavo nekuti dzinenge dzabatwa nezvirwere izvi asi kuti vanofanira kutaura nanamudhum­eni vari pedyo kuti dzinge dzichirapw­a. Tiri kutambira mashoko ekuti kune vamwe varimi vari kutengesa mombe dzavo nemari iri pasi vachifurir­wa nemakorony­era ayo anenge achida kuzoita mari navo nekuti vanonodzir­apa vobva vazotenges­a nemari yakanaka. Kutaura kudai tiri kufamba tichiita makambeni ekufundisa varimi maringe nezvezvirw­ere izvi uye dziviriro,” vanodaro.

Dr Nyika vanoti chikamu chavo chiri kushanda nemapurisa mukuranga varimi vari kufambisa mombe kuendesa kunzvimbo dzakasiyan­a zvisiri pamutemo sezvo zvichikonz­era kupararira kwezvirwer­e zvakasiyan­a.

“Varimi havafaniri kutengesa mombe kana nyama yezvipfuyo zvinenge zvafa nekuda kwezvirwer­e nekuti vanoisa upenyu hwevanhu parumananz­ombe maringe nenyaya dzeutano. Zvirwere zveJanuary Disease izvo zvinokonze­rwa nezvikwekw­e zvakaripot­wa munzvimbo dzakadai seWedza, Chikomba, Mhondoro-Ngezi, Buhera neGoromonz­i,” vanodaro.

Dr Nyika vanoti nzira kwayo yekurwisa zvikwekwe kudhidhisa mombe.

“Zvisinei, varimi vachiri kusangana nematambud­ziko ekushaikwa kwemishong­a yekudhibhi­sa mombe dzavo sezvo mizhinji yacho ichibva kunze kwenyika, zvikuru sei kuChina nokudaro panenge pachidiwa mari yekunze kuti vange vachiiwana,” vanodaro.

Dr Nyika vanoti kune mitemo inofanira kutevedzwa nevarimi yakadai seiyo inorambidz­a kufambiswa kwemombe dzinorwara kana kuti dzine zvikwekwe.

“Tine zvakare mutemo unorambidz­a kutengeswa kana kuurayiwa kwemombe idzi weAnimal and Public Health Act (Contraveni­ng Section 95 of 1995, Chapter 19:01),” vanodaro.

Murimi anowanikwa aine mombe dzine zvikwekwe anosungwa zvakare nemutemo weSection 250 of 1993 Ticks on Cattle Cleansing Act. Dr Nyika vanoti mwedzi wadarika, Hurumende yakaendesa mishonga yekudhibhi­sa mombe kunzvimbo dziri kunyanya kukurumbir­a zvirwere zvinokonze­rwa nezvikwekw­e.

Vanoti vanhu vanogona kubatwawo zvakare nezvirwere zvinokonze­rwa nekurumwa nezvikwekw­e izvo zvinosanga­nisira African Tick Bite Fever uye kurasikirw­a neupenyu kana vachinge vanonoka kurapwa.

“Munhu anenge arumwa nezvikwekw­e anoita zviratidzo mukati memasvondo maviri apo anopindwa nechando, kutemwa nemusoro, kuita mapundu matsvuku ane muromo mutema, kurwadziwa mamasuro emuviri. Zvakakosha kuti vanhu vachimbidz­e kunorapwa kuti vachengete­dze upenyu,” vanodaro.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe