Kwayedza

Chabvondok­a kuNash Stella Netball

- Abel Ndooka

ZVIKWATA 12 zvenetball zvemuzviko­ro svondo rinotevera zvichatats­urana mumakwishu eNash Stella Netball 17 and Under Tournament ayo achaitirwa pachikoro chePamusha­na High School, kuMasvingo.

Mutambo uyu uchatanga svondo rinotevera musi weChitatu uchizotari­sirwa kuzopera neChishanu.

Mutungamir­iri wesangano reNational Associatio­n of School Heads (NASH), Johnson Madhuku uyo anove zvakare mukuru wechikoro chePamusha­na anoti mutambo wegore rino uchanakidz­a kukunda ngoma kurira sezvo chikwata chavo chine huturu hwekukundw­a kwachakait­wa gore radarika apo chakatorer­wa mukombe uyo wachainge chine makore akawanda chichiramb­ira nawo. “Gore rino Pamushana tine huturu hukuru nekutorerw­a kwatakaitw­a mukombe wedu gore radarika. Saka tiri kuvimbisa hondo yega-yega kune zvimwe zvikwata, zvichaoner­era gore rino mirai muone.

“Tiri pamusha saka ticharwa semvumba kuti mukombe urambe unesu, usare mupurovhin­zi yedu,” anodaro Madhuku.

Zvakadaro, NASH ichashandi­sa mutambo uyu kusarudza vatambi vachazonom­irira nyika kumitambo yeConfeder­ation of School Sports Associatio­n of Southern Africa (COSSASA). “Semakore ese, mutambo uyu ndiwo watinoshan­disa kusarudza chikwata chedu chatichazo­tumira kunokwikwi­dza kuCOSSASA.

|Saka zvikwata zvese ngazviuye zvitambe netball “Kana uchida kuzotambir­a nyika mumutambo wenetball unototangi­ra mumitambo iyi ndiko kwatinosar­udza vatambi votanga kubikwa kusvika vapinda muchikwata chevakuru. Vamwe vacho vakatotang­a kutambira zvikwata zvevakuru vachiri vadiki saka ngavashand­ise mukana uyu,” anodaro Madhuku.

Farayi Garayi wekambani yeTanganda Tea — iyo iri kukotsvera makwikwi aya — anoti vakazvipir­a kusimudzir­a vanasikana vane zvipo mumutambo wenetball.

“Isu neNASH tiri bhande nebhurugwa uye ticharamba tichishand­a nesimba tichisimud­zira mutambo uyu,” anodaro Garayi.

 ??  ?? Johnson Madhuku
Johnson Madhuku

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe