Kwayedza

Torres hutu kuJapan

-

AIMBOVE mutambi weAtletico Madrid neLiverpoo­l — Fernando Torres — obuda pachena kuti ari kuenda kuJapan kunotambir­a Sagan Tosu mwaka unotevera.

Chizvarwa chekuSpain ichi change chichidiwa nezvikwata zvekuUnite­d States neAustrali­a, asi akataura nevatori venhau kuti ari kuenda kuAsia.

Torres akazivisa kuti ange achisheved­zwa nezvikwata zvakawanda asi akafunga kutevera shamwari yake, Andres Iniesta, kuJapan.

“Ndange ndichidiwa nezvikwata zvekuFranc­e, Germany nezvimwe zviri muSpain,” anodaro.

“Asi ndange ndisingade kutambira chimwe chikwata chemuEurop­e ini nekuti ndakawana zvose zvandaida nechikwata changu Atletico.

“Ndichange ndine shamwari yangu futi kuno Andres. Saka tiri kufara tose nemukana uyu wauya kwatiri.”

Iniesta naLukas Podolski vese vanotambir­a muVissel Kobe uye Sagan Tosu ichange ichisangan­a navo mumutambo weJ1 League mwaka unotevera.

Torres akabva kuchikwata chake chaakakuri­ra cheAtletic­o Madrid uko akatamba mitambo 45 ndokuhwina mukombe weEuropa League.

Mutambi uyu akambotamb­ira Liverpool uye ari kuenda kuchikwata icho chakapedza mwaka wadarika chakagara pechisere palog.

“Ndiri kutotanga svondo rinotevera, ndinovimba kuti ndichatang­a zvakanaka nechikwata changu chitsva uye ndigotamba mitambo yakawanda nekunwisa,” anodaro Torres.

“Ndinovimba kutanga kutamba musi wa21. Ndinovimba ndichave kuno kwemakore akawanda uye zvichange zvichiende­rana nekuti ndiri kutamba sei.” — SportsMail Football

 ??  ?? Fernando Torres
Fernando Torres

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe