Kwayedza

Eco-school yekutanga muZim

Chikoro chekuHwang­e chonyora nhoroondo

- Leonard Ncube ari kuVICTORIA FALLS

CHIKORO cheSt Mary’s Primary School chiri kuHwange svondo rapera chakanyora nhoroondo apo chakaparur­wa kuva chekutanga muZimbabwe kuva Eco-school.

Vana nevarairid­zi vepachikor­o ichi vanoshandi­sa makombiyut­a, materevhiz­heni nedandemut­ande pakuita zvidzidzo pasina kusevenzes­a zvakaita sezvinyore­so zvemachoko nema”black board”.

Chikoro ichi – icho chiri pasi pechechi yeRoman Catholic uye chakavakwa mugore ra1935 – chichave muchereche­dzo wemadzidzi­ro anoitwa kuburikidz­a neEco-School kune zvimwe zviri munyika muno pamwe nemudunhu reSouthern Africa.

Eco-School inzira inoita kuti vana vechikoro nevadzidzi­si vavo vashandise makombiyut­a pakufunda kubvira pagwaro reEarly Childhood Developmen­t (ECD) kusvika Fomu 4.

Vana vanokwanis­a kudzidza zvakare pasina dandemutan­de (Internet) kuburikidz­a neinozivik­anwa nekuti e-cloud.

Chirongwa ichi chakavepo zvichiteve­ra rutsigirwo rwesangano reCanadian Organisati­on Learning for Humanity rakabatana neWorld Vision Canada.

Mari inosvika $220 000 yakashandi­swa mukutenga makombiyut­a 40 epachikoro ichi, materevhiz­heni 19 anove ma55-inch, maprojecto­rs ane huwandu humwe chete nenhare dzemhando yematablet­s.

Pakudzidzi­sa, murairidzi anoshandis­a tablet apo zvidzidzo zvinobuda paterevhiz­heni uye vana vanenge vari pamakombiy­uta vachishand­isa maheadphon­es kuti vanzwanane naticha.

Nerimwewo divi, mukuru wechikoro kana kuti vakuru vezvedzidz­o semadistri­ct school inspector kana vachida kuona kuti murairidzi anenge achidzidzi­sa vana sei, vanongoend­a padandemut­ande (online).

Vachitaura pakuparurw­a kwechirong­wa ichi, gurukota redzidzo yepuraimar­i nesekondar­i, Professor Paul Mavima, vanoti Eco-school inoenderan­a nehurongwa hweHurumen­de hwekuvandu­dza dzidzo sechiono chemutunga­miriri wenyika President Mnangagwa chekuti munyika munge mave nevanhu vane mabasa akati tsvikiti panosvika gore ra2030.

“Ruremekedz­o rukuru kuuya kuno kuzovhura zviri pamutemo chirongwa chino cheE-learning icho anove mavambo erwendo rwakareba rwekuumba Zimbabwe yatinoda kuti vane vedu vave mairi.

“Chirongwa ichi chichabats­ira zvikuru mukuzadzik­isa chiono ichi uye vabereki vanofanirw­a kutambira New Curriculum sezvo yakakosha mukuvandud­zwa kweupfumi hwenyika,” vanodaro Prof Mavima.

Vanotenda sangano reWorld Vision nereLearni­ng for Humanity mukutsigir­a kwavari kuita zvikoro nemakombiy­uta izvo zviri kubatsira vana zvikuru.

“Hurumende iri kuita chirongwa chechimbi-chimbi chekuvandu­dza dzidzo munyika kuburikidz­a nekushandi­sa nzira itsva pakudzidza kwevana uye pazvikoro 9 000 zviri munyika yose, imi (St Mary’s Primary) mava nerombo rakanaka rekuve chikoro chekutanga cheEco-School,” vanodaro.

“Iye zvino chikoro chino chave nelibrary inoshandis­wa makombiyut­a nevana pakuvereng­a. Chirongwa ichi chichaita kuti pachikoro pano pauye mamwe makombiyut­a 40 zvakare kututsira pane agara aripo, uye chimwe chinonyany­a kufadza ndechekuti maticha anenge ave kushandisa materevhiz­heni kwete choko nemablack board.”

Vachitaura pagungano rimwe chete iri, VaPhilip Makutsa avo vanova World Vision Canada programme portifolio manager, vanoti Eco-school ine chinangwa chekuti vana vabudirire muupenyu hwavo.

“Tinonzwa mufaro mukuru kushanda pamwe chete neHurumend­e, chechi pamwe nechikoro uye tine idi rekuti ichi chichava muchereche­dzo kune zvimwe zvikoro muZimbabwe nepasi rose.

“Tinoda kuti chirongwa ichi chipararir­e nyika yose. Tinodazve kudzidzisa vana kweupenyu hwavo hwose, dzidzo inofanira kuwanikwa zviri nyore, tichisimud­zira kuwanikwa kwemabhuku ekuverenga pamwe nezvimwe zvinodiwa pakufunda,” vanodaro.

VaPhilip Baker, avo vanove chamangwiz­a wesangano reLearning for Humanity, vanoti pachikoro apa pachaitwa mamwe mabasa ebudiriro akawanda munaNdira gore rinouya.

Vanoti St Mary’s Primary ichashandi­swa semucherec­hedzo wakanaka nezvimwe zvikoro zvekunze kwenyika izvo zvichange zvichishan­ya kuzoona budiriro yepo.

Mukuru wechikoro ichi, Mai Thokozile Ncube-Dube, vanoti Ecoschool yatove kutaridza zvibereko zvinoonekw­a uye vane chivimbo chekuti huwandu hwevana vavo vanopasa bvunzo dzeGrade 7 huchasimuk­ira kubva pachikamu che60 percent apo pavari pari zvino.

St Mary’s Primary ine vana 833 nevadzidzi­si 19 avo vakatofund­iswa kuti vanodzidzi­sa vana sei pasi pechirongw­a ichi.

 ??  ??
 ??  ??
 ??  ?? Prof Mavima
Prof Mavima

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe