Tiudzei 0714 200 007
MUSANETA checholera kutizivisa nezvechirwere nekuti chinouraya. kawanda svondo Takadzidza rapera, muno- zvadadisa chaizvo. Rambai makadaro Kwayedza. — Michael Muzembi, Masvingo.
* * *
Kuti ED ndokuti President! Tinotenda baba vedu VaMnangagwa mirai nesu tibudirire. – 0715 016 265.
* * * VeKwayedza sando dzenyu taaa. Mombe kwaMutare dzanetsa nekupinda mudzimba ukuwo kuBulawayo makudo ari kupindawo mudzimba. Ko mombe yekutaura ChiManyika yakazodii? — D.M. Datai, Masvingo.
* * * Aiwa veKwayedza makanyanya, sando dzenyu torai. — Justine T. Njerere, Chigodora, Mutare.
* * *
Akafa ayamwiwa nemupurwa wagogo, mombe tasa pamubhedha, zvidhoma zvokedebura maticha! Pakaipa, Mwari huyai, vanhu vaye vatanga. — Baba Alpha Mtenhe, Domboshava.
* * *
Ko Bvunzai Tete makaisepiko pabepa rinodzidzisa iro? — Sande Bowas, Howard, Chiweshe.
* * *
Aka kapepa keKwayedza kakanyanya. Rambai makabata, muri kumberi chaiko. — Godfrey Musomeka, Green Valley.
* * * Makadii? Ndinotsvagawo Tinei Tawengwa, ndinofungidzira kuti anogara kuKuwadzana muHarare. Takasangana kuBot-
swana muna2006. Ndapota kana pane anomuziva ngandifonerewo pa0776 023 231.
*** Kwayedza makuseri, sando dzenyu. — Mai Tate Mutesva, Mt Darwin.
*** Ndinotsvagawo sisi wangu Oppah Mai Princess anobva Masvingo. Kana pane anoziva kwaari ngaandibate — pa0784 014 094, David Zakaria.
***
Ko nyaya yemukadzi aichemera ropa yakazodini? You bring the hottest news! — Prince Chababa, 0777 742 899.
*** Ndinotsvagawo shamwari yangu inonzi David Kandiyado, takapedzisira kuonana achiri kufundisa kwaChiendambuya paChingozi Primary. Angazivawo kwaari andifonere pa0713 822 967 kana 0773 380 848. — Irvine, Plumtree.
*** Vanhu vekwaChiendambuya makanyanya. Shuwa kungowana mombe yakafa zvekudaro? Ndabva ndasuwa kumba, ndiko kumusha kwangu. — Pety, Darwendale.
*** Kwayedza makadii? Ndinotsvakawo muroora wangu anonzi Erina Maufu anobva kuHwedza. Vanomuziva ngavandibate pa0776 277 488.
*** Kwayedza makanyanya, muri pamberi sehomwe yeapron. Muri kugona kutsvaga nyaya wena! — SV Chiponda, Beatrice. ***
Kwayedza muri chidadiso, ndimi muri kumhanya nacho chimuti. Kwayedza pfee. — 0777 072 169.
*** Kwayedza kumberi, rambai makadaro. Tiudzei zviri munyika. — Mapombi Kereke, Wedza.
***
Kwayedza rambai makadaro, nyaya dzenyu dzinonaka sehuchi. Sando dzenyu, zvipikiri mangwana. — 0783 716 240. *** Iyo mombe kuseri. — Arron
Muvata.
***
Ndiri kutsvagawo Jonathani kana kuti Jabulani Mbewe, ndakapedzisira kumuona achigara kumapurazi ekuChakari, kuKadoma. Nhare yangu 0783 630 068. — Ronica Gunwell, Mutoko.
*** Mombe kufira mumba, chivanhu, ngavazvitsvage. Uyuwo kurohwa negudo pedze foni yorasika. Aa pakaoma. — Chomunorwa Mukayana.
***