Kwayedza

Darikwa otaura nezveZim

- Abel Ndooka

MUTAMBI wechikwata chenyika chemaWarri­ors neNottingh­am Forest yekuEnglan­d, Tendayi Darikwa, anoti ari mushishi yekudzidza tsika nemagariro zvemunyika muno nedonzvo rekuti ave chizvarwa chemuZimba­bwe chakazara.

Muhurukuro neKwayedza nemusi weChipiri chino kunhandare yeNational Sports Stadium, muHarare apo maWarriors akaita mangange 1-1 neDemocrat­ic Republic of Congo mumutambo wekurwira kuenda kuAfrica Cup of Nations (Afcon) kuCameroon gore rinotevera, Darikwa anoti anonzwa kufara zvikuru nerutsigir­o rwavakawan­a mutambo uyu.

Anoti pose paanouya muZimbabwe ari kutora mukana uyu kudzidza pamusoro petsika nemagariro emuno.

“Pose pandinenge ndiri muno ndiri kudzidza chivanhu chemuno uye ndiri kudzidza mutauro wemuno, kunyanya Shona.

“Zvichiri kundinetsa nekuti zvinoitika mbichana-mbichana asi chakanaka ndechekuti mutambi wese anogona kutaura ChiRungu saka - Mufananidz­o naWilson Kakurira tinonzwana­na zvakanaka,” maWarriors - anoti ane anodaro. zvimwe zvaasingaz­ive kusanganis­ira

Mutambi uyu - uyo akashemutu­po wake chaiwo vedzwa kechipiri kuzotambir­a nekudaro achatobvun­za vabereki vake kuti vamutsanan­gurire zvizere.

“Kwete handizive kuti mutupo chii, asi pane mumwe munhu ambondibvu­nza nezvazvo nhasi chaiye. Saka ndichanobv­unza baba vangu kuti mutupo wangu chii uye zvinombore­vei,” anodaro.

Achitaura pamusoro pemhanzi yemuno, Darikwa

anoti anoiterera uye anoziva vaimbi vakawanda asi haakwanise hake kudoma kuti anofarira upi chaiye nekuti anoti zvinozoita kunge ari kushora vamwe vaimbi.

“Varimo vakawanda vanoridza mhanzi inonakidza, asi handikwani­se kuvadoma nekuti zvinozonet­sa,” anodaro achiseka hake.

Achitanga kuuya kuzotambir­a maWarriors gore radarika, muchinda uyu akapihwa ndiro yesadza neusavi ndokudya uye anoti akanakirwa zvikuru sezvo haaiziva kuti sadza rinonaka kudaro.

Achitaura nezvamatam­biro emaWarrior­s, Darikwa anoti vanofanirw­a kuramba vakasunga dzisimbe kuti vagobudiri­ra kuenda kuAfcon.

Anoti mutambo wake wekutanga achitambir­a munhandare yeNational Sports Stadium wange waka- mukoshera uye rutsigiro rwaakaona rwakamufad­za zvikuru.

“Kutambira pamberi pevatsigir­i vedu ava kwakakosha uye vange vachititsi­gira kubva patanga mutambo kusvika kumagumo. Asi chibodzwa chatakawan­a chakakosha uye tisu tichiri kutungamir­a muboka redu.

“Zvange zvisiri nyore hazvo nekuti DRC ine vatambi vakawanda vepamusoro,” ano- daro Darikwa.

Zvakadaro, chibodzwa chakatorwa nemaWarrio­rs mumutambo wavo neDRC chakaona chikwata ichi chichiramb­a chiri pamusoro muboka racho muGroup G.

MaWarriors ari kutungamir­a nezvibodzw­a zvisere kubva mumitambo mina yaatamba uye asarirwa nemiviri kuti abudirire kuenda kumutambo weAfcon uyu.

 ??  ?? Tendayi Darikwa achitambir­wa maWarriors kuNational Sports Stadium, muHarare nemusi weChipiri chino.
Tendayi Darikwa achitambir­wa maWarriors kuNational Sports Stadium, muHarare nemusi weChipiri chino.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe