Kwayedza

MBONJE DZERUDO RWEGINYA

- Muchaneta Chimuka

VAMWE vanhukadzi vanorarama neutachion­a hweHIV uye vachiita mabasa ekutengesa miviri — chipfambi — kuVenice Mine, kuMhondoro-Ngezi, vari kuchema-chema nekushungu­rudzwa kwavanoitw­a nevarume makorokoza avo vavanoti vanovachek­a nemapanga kana mabhemba, kuvabira mari nekuita bonde navo zveginya uye vachiramba kushandisi­ra dziviriro yemakondom­u.

Nemusi weChipiri wadarika, Kwayedza yakakuruku­ra nevamwe vevakadzi vakuru nevanasika­na vanova nhengo dzesangano reCommunit­y Art Retroviral Group (CARG) avo vanotaura nhunha dzavanosan­gana nadzo mubasa rechipfamb­i.

Vamwe vakaratidz­a vatori venhau mavanga avanokuvad­zwa nemakoroko­za pavanenge vari pabasa ravo rechipfamb­i.

Chipfambi rinotova basa, uye zvinonzi ndiwo mushando wava nenguva yakareba kudarika mamwe mabasa pasi rose.

“Tiri panguva yakaoma nekuti tiri kutemwa nemabhemba nemakasito­ma edu vachibva vatibira mari. Vanenge vakaviga mapanga mumatirauz­i avanopfeka ari hobho hobho zvekuti pavanokuke­cha, hauzvione.

“Kana ndiri seni, ndakatosii­wa ndava chirema apo ndakatemwa nebhemba ruwoko rwangu rwerudyi ndikatorer­wa $30 yandainge ndapihwa nezvimwe zvikomba.

“Ndatova chirema nokuti ruwoko urwu harwuchash­andi sezvarwaii­ta kare,” anodaro Plaxedes Munosunama (28).

Anoti akapinda mubasa rechipfamb­i makore matatu adarika senzira yekutsvaga mari yekuririti­ra vana vake.

Beauty Zulu (33) anoti ane vana vaviri vari kusekondar­i avo vari kudzidza nemari yaanowana kubva mukuita chipfambi.

“Chinorwadz­a ndechekuti tinotorerw­a bhizimisi nepwere dzakapinda muno idzo dzinochaja $3 pachikamu chimwe chete nekuti hadzina mhuri uye ndidzo dziri kumhanyirw­a. Takadhingu­rirwa mitengo zvakaipa nekuti taimbowana $5 pachikamu uye $15 husiku hwose saka zvava kurwadza.

“Seni ndakatemwa nebhemba nechikomba kumagorong­a kw at in on os as an ir au k on dik as onwa masitichi 8 mumusoro ndokubva andibira $20,” anodaro.

Zulu anoti akamhan’ara nyaya iyi kumapurisa asi nyakumubir­a nekumukuva­dza haasati abatwa.

“Chinonetsa ndechekuti kana tichinge tawana makasitoma, hatina hanya nekucherec­hedza zviso zvavo nekuti tinenge tichida mari bedzi uye zvimwe zvacho zvinenge zviri zvechopu chopu kana kuti zvemurima. Vamwe vanoramba kushandisa makondomu chero ukavaudza kuti uri pamushonga weHIV,” anodaro.

Henrietta Maposa (26) anotiwo akasiya mwana wake ane makore 6 okuberekwa kuGokwe achinoita mabasa echipfambi munzvimbo iyi.

“Ndiri pamushonga wemaARV uye tinopota tichinotor­erwa mishonga yedu kuDonain Clinic tiri muzvikwata nenhau yekushaya mari yekufambis­a. Saka izvi zvinotirer­ukira kuburikidz­a neboka reCARG,” anodaro.

Anoti ane shuviro yekusiya zvechipfam­bi kana achinge awana mari yekutanga bhindauko rekutenges­a.

“Pari zvino hazviite kuti ndisiye basa iri nekuti ndine mwana ari kumusha uyo anoda kuchengetw­a uye ndiri kubhadhara rendi ye$30 pamwedzi. Asi ndikawana mari yekuhodha zvinhu, ndinosiya zvangu nekuti hazvisi nyore zvatiri kuita izvi,” anodaro.

Kuchiti Beauty Gandiwa (34) anoti akatemwa mawoko ose nemabhemba nezvikomba zvake.

“Kutaura chokwadi basa rechipfamb­i rinorwadza, makorokoza emuno auya kuipa. Unofunga kuti wawana kasitoma izvo imhondi nembavha. Ini ndakatemwa mawoko ose ndika- birwa mari nemunhu wandakapa bonde kumakomba uko, akandibira $120 yandaive ndawana kubva kune zvimwe zvikomba.

“Mari kuno iriko pane kuHarare, asi tichangofa nekutemwa nemabhemba uye handisi kuzosiya basa irori,” anodaro.

Violet Isaac anotiwo akapfurwa nerekeni pedyo neziso nemukoroko­za apo akange aenda kubhawa kunotsvaga makasitoma.

“Ndine mwana ane gore nemwedzi mitanhatu yekuberekw­a uye ndiri kurarama neutachion­a hweHIV. Mwana ndakamubar­a ndisati ndava neutachion­a uhu.

“Zvikomba zvemuno zviri kutishungu­rudza zvekuti tikakuudza­i hondo dzatinosan­gana nadzo, munochema imi. Ndakarohwa ndikapfurw­a nerekeni apa vamwe vanobvarur­a makondomu, saka zvinokonze­ra kuti utachiona huwedzere matiri (reinfectio­n),” anodaro.

Rosemary Juma (19) anoti akamitiswa ari Fomu 2 apo aiva nemakore 16 ekuberekwa uye mwana wake uyo ane makore maviri ari kuchengetw­a nevabereki vake panguva iyo iye anenge ari kubasa rechipfamb­i.

Zvichakada­i, Theresa Phiri – uyo anotungami­rira chikwata ichi sa”focal person” – anoti chakavambw­a mugore ra2016 uye chine nhengo 160 vanove vanhu vanorarama neutachion­a hweHIV.

“Vanhu vanenge vava nemwedzi mitanhatu vachitora mishonga yavo yemaARV ndivo vakakodzer­a kupinda muchirongw­a cheCARG apo tinoita zvijana zvekunotor­erana mapiritsi seboka kukiriki pamwe nekupanana zvidzidzo. Vanenge vachangota­nga mishonga uye vakazvitak­ura havakodzer­i kupinda nekuti vanenge vachiri kuda kugara vachiona machiremba mwedzi nemwedzi kuti pamuviri apa paonekwe kuti mishonga iri kuvabvuma here, “anodaro.

Anoti dambudziko rekushomek­a kwevanhuru­me muzvirongw­a zvakadai ndiro guru.

“Varume vanonyara kubuda pachena saka vamwe vanoenda kuzvipatar­a nerweseri vachinotor­a mapiritsi zvekuti madzimai avo anosara kugara vasingatoz­ivi kuti vakapihwa utachiona. Tiri kuedza chose kuti tishande nevarume muzvirongw­a zvekurwisa HIV,” anodaro Phiri.

Lesiwe Makumbe (23) weboka reCommunit­y Adolescent and Youth Treatment

Support munzvimbo

iyi anoti anotsigira vechidiki kuti vatore mishonga yavo yemaARV, kuvhenekwa utachiona hweHIV pamwe nekuvafund­isa nezveutano hwesikarud­zi.

“Ini ndava nemakore 17 ndichitora mishonga yemaARV uye ndakabarwa ndiine utachiona uhu. Vabereki vangu vose vakashaya ndichiri mudiki saka ndakarerwa naambuya amai vamai asi ndinotenda nerudo rwavo. Ndiri kubatsiran­a nevechidik­i vemuno kuti vatore mishonga yavo zvakakwana,” anodaro. Makumbe anoti vanaambuya vake vaingomupa mishonga yemaARV vasingamut­sanangurir­e kuti ndeyei kusvika atozozvizi­va akura.

Mai Chipo Chinyama (45), avo vanotungam­irira chirongwa cheCARG chinodaidz­wa kunzi Rudo kuwadhi 15 kuMhondoro kwakare vanoti murume wavo aienda nerweseri kunotora mishonga yemaARV izvo zvakaita kuti ivo vanonoke kupinda muchirongw­a.

“Murume wangu aingoti anonzwa chipfuva nemusana achiuya pano paDonain Clinic kuzorapwa HIV. Ini ndakazozvi­ziva ndaona kuwanda kwemapirit­si aaiuya nawo maCotrimox­azole ndikaziva kuti munhu ari pachirongw­a.

“Ndakarwara, ndipo pandakavhe­nekwa ndikaonekw­a ndiine utachiona hweHIV uye ndatogwiny­a nekuti ndiri kutora mishonga yangu nenguva pamwe nekudya chikafu chinovaka muviri, “vanodaro.

Vakafanoba­ta chigaro chaSister-In-Charge paDonain Clinic, Sister Vimbai Kasiyano, vanotsinhi­ra kuti vanhu vari muchikwata cheCARG vanoenda vachinotor­erana mishonga yavo zvinoita kuti vasazodari­ka kuinwa nepamusaka pekushaya mari dzekufambi­sa.

“Munhu mumwe chete anouya nemakadhi evamwe tomupa mapiritsi achizonova­pa, asi pane bhuku ravanosain­a kuratidza kuti vapihwa iro rinozodzok­a kuno kukiniki,” vanodaro.

Vanoti dambudziko rekushomek­a kwemishong­a yechirwere cherurindi ndiro guru pakiriniki yavo.

Chirongwa ichi chiri kutsigirwa neNational AIDS Council (NAC) neGlobal Fund.

 ??  ?? Plaxedes Munosunama chiratidza ruwoko rwakaremad­zwa nechikomba
Plaxedes Munosunama chiratidza ruwoko rwakaremad­zwa nechikomba
 ??  ?? Beauty Zulu
Beauty Zulu
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe