Kwayedza

Kobo, munhu ndiye tasa!

● N’anga yakachipis­wa nenyoka

- Gibson Mhaka

N’ANGA i no it azvehutsik­amut and a in onziy aka fairi pabasa apo yakarumwa nemukweshw­a wenyoka iyo yakamukuri­ra simba paainge achichenur­a mumwe musha uri mubhuku raMafurira­nwa, kwaNemangw­e, kuGokwe.

Kunyangwe zvazvo mutauriri wemapurisa kuMidlands, Inspector Ethel Mukwende, vari kutsinhira nyaya yekufa kwatsikamu­tanda Kudakwashe Mushonga mushure mekukoborw­a nenyoka, havasi kukwanisa kutaura kuti pakazorumw­a n’anga iyi, yaive pakati pekuchenur­a mumwe musha.

“Ndinotsinh­ira kuti tiri kuferefeta nyaya yemurume wekuGokwe uyo akafa mushure mekurumwa nenyoka,” vanodaro Insp. Mukwende.

Zviri kunzi Sabhuku Mafuriranw­a vakasheved­za Mushonga kuti azochenura musha wavo vachiti mhuri yavo yakange ichitambud­zwa nezvinhu zvisinganz­wisike. Zvinonzi tsikamutan­da uyu asati atanga basa rake rekuchenur­a musha uyu, mumwe wemhuri iyi akatsanang­ura dambudziko ravakatari­sana naro.

“Vemhuri iyi vakaburits­a pachena kuti pamusha uyu pane nyoka yemweya yakaipa iyo iri kukonzera nyonga-nyonga. Tsikamutan­da uyu anonzi mushure mekunge apfeka gemenzi rake rebasa, akapinda muimwe imba yekurara umo akabvisa zvimwe zvinhu izvo akati waive mushonga unotambudz­a vemhuri iyi. Kwapera chinguva, tsikamutan­da uyu akadzokera muimba yekurara iyi ndokubva abata nyoka yaive yakareba chipo chemita imwe chete iri pasi pemubhedha iyo akati ndiyo inotambudz­a mhuri iyi. Apo ainge akasimudza nyoka iyi, akabhidhir­ika-bhidhirika akaibata kusvikira iye aneta.

“Nyoka iyi yakabva yamuruma katatu paruoko nepamunwe mukuru. Mushure menguva shoma-shoma arumwa kudaro, tsikamutan­da uyu akabva afenda,” anodaro mumwe wevagari vemunzvimb­o iyi uyo akaona zvichiitik­a asi ndokukumbi­risa kuti asadurwe zita rake nekutya.

Anoti pamusha uyu pakaita bararamhan­ya vanhu vachitiza apo tsikamutan­da airwisana nemukweshw­a wenyoka. Tsikamutan­da uyu anonzi akafa achangopih­wa mubhedha muchipatar­a cheGokwe District Hospital.

Mambo Nemangwe, VaMike Nemangwe, vanotsinhi­ra nezvenyaya iyi.

“Ichi chiitiko chinosuwis­a, nekudaro takatoshev­edza sabhuku wenzvimbo ine musha waichenurw­a uyu kudare redu kuti atitsanang­urire chaizvo zvakaitika,” vanodaro Mambo Nemangwe.

 ??  ?? Mambo Nemangwe
Mambo Nemangwe

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe