Kwayedza

Teverai Mai Mnangagwa

-

SVONDO rino, mudzimai wemutungam­iri wenyika, First Lady Amai Auxillia Mnangagwa, vakapa muchereche­dzo wakanaka zvikuru apo vakashanyi­ra misha yeBudiriro neGlen View iri muguta reHarare ndokukurud­zira veruzhinji kuti vakoshese hutsanana mukurwisa kupararira kwezvirwer­e zvemanyoka secholera. (Onai Peji 10)

First Lady Amai Mnangagwa vakawanawo mukana wekuita mabasa epamba sekutsvair­a zvivanze, kukorobha dzimba, kugeza ndiro nekuwacha magumbeze nehembe dzemhuri dzakasiyan­a uye kunhonga marara anongorasw­a pose-pose. Uku kuzvininip­isa kukuru kana tichitaris­a chigaro chavo. Misha yeBudiriro neGlen View ndiyo yakatanga kunyuka chirwere cholera nguva yadarika icho chakauraya vanhu vanosvika 50, nekudaro First Lady Amai Mnangagwa vakaona zvakakodze­ra kuti vatsigire zvirongwa zvekurwisa kupararira kwechirwer­e ichi.

Vachitaura vari kuBudiriro, First Lady Amai Mnangagwa vanokurudz­ira veruzhinji kuti vakoseshe nyaya dzeutsanan­a kuitira kudzivirir­a zvirwere zvemanyoka. “Kurudziro yandiri kupa kuruzhinji rweZimbabw­e, kunyanya vanaamai vanochenge­tedza misha, ndeyekuti tikoshese hutsanana. Chikafu ngachibikw­e choibva uye chodyiwa chichipisa. “Ngatisukei mandiro edu achichena nekuti nhunzi kazhinji dzinotever­a pasina kuchena uye ndidzo dzinotakur­a tsvina dzichinosi­ya pamwe zvinova zvinokonze­ra kupararira kwecholera. Misha yedu ngaishambi­dzike,” vanodaro. Iyi ikurudziro yakakosha zvikuru mukurwisa kupararira kwecholera nekuti chirwere ichi chinokonze­rwa nehuchapa pamwe nekudya chikafu kana kunwa mvura ine tsvina. Kune dzimwe nyika dzakabudir­ira, vanotosham­isika kunzwa kuti ku Zimbabwe vanhuv ac hi rik ufa ne cholera nekuti chirwere chi sing atari sir we kunge chichatamb­udza van humuk or eu no.

Kuzvipira kwaFirst Lady Amai Mnangagwa kupinda muzvirongw­a zvekurwisa kupararira kwechirwer­e ichi kunofanira kutokonya mwoyo yeveruzhin­ji kuti vakoshese nyaya dzekugara nharaunda dz avod zak as ham bidzika. Ne Muvhu ros von dori nozv aka re, Zimbabwe yakabatana nedzimweny­ikadze pa si rose mukupember­era zuva rekukosha kwekugeza mawoko, reGlobal Hand Washing Day nedonzvo rekudzivir­ira zvirwere zvakaita semanyoka echolera.

Zuva iri rinocherec­hedzwa nomusi wa15 Gumiguru nedonzvo rekusimbar­adza kugezwa kwemawoko vanhu vachishand­isa sipo senzira yekurwisa zvirwere zvinokonze­rwa nehuchapa.

Dingindira regore rino rakanangan­a nekugeza mawoko, kushambidz­ika kwechikafu nekuti chinge chiine utano.

Zvakakosha kuti veruzhinji vazive kuti kudzivirir­a zvirwere zvakaita secholera kuri nyore zvikuru kuburikidz­a nekuita hutsanana.

Zvinorwadz­a kuti vanhu vanosvika 50 vanofa nekuda kwecholera iyo inokwanisa kudzivirir­wa. Nguva pfupi iri kutevera, mwaka weZhizha unenge wave kutanga apo mvura ichange yoturuka uye mumwaka uyu zvakare ndimo munonyanya kunyuka zvirwere zvemanyoka.

Nekudaro veruzhinji vanofanira kutora matanho ekuchenget­edza utano hwavo. Matanho aya anosangani­sira kusanwa mvura ine tsvina, kusatenga michero nezvimwe zvinotenge­swa zvisiri pamutemo mungave mumigwagwa yemumadhor­obha kana mumaguta.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe