Kwayedza

Chitunha chakamera mazino

- Daphne Machiri

NYAYA yemwana kasvava wekwaMambo Makope, kuMvurwi – uyo ari kunzi akadyiwa mhuno yake yose, muromo zvose neminwe ari mupenyu nezvinhu zvisina kuonekwa, mushure memazuva mashoma achibva azofa apo chitunha chake chakabva chamera mazino matatu akareba – yatendered­za vagari venzvimbo iyi misoro.

Mashura aya akaitika papurazi reGovite. Mai Siti Mapambaro (35) vanoti vari kurwadziwa zvikuru nezvakaiti­ka kumwana wavo wechinomwe, Alaika, kubva pakudyiwa mhuno, muromo neminwe uye kuti chitunha chekasvava aka chakazomer­a mazino.

“Mwana wangu wekutanga akashaya ave nemavhiki maviri okuberekwa apo akangochem­a husiku ndokutofa. Uyu wekufa musi uno uyu ashaya ava nemasvondo matatu bedzi azvarwa. Akatanga nekudyiwa minwe nezvinhu zvatisina kuona kana kuziva, zvikatisha­misa tose nababa vake, Tepani Chitepani.

“Mumba medu hamuna kana makonzo, saka tinotadza kuziva kuti mwana akadyiwa nei. Takangoti pamwe ndezvemusi uyu chete, asi rechimangw­ana racho mwana akafuma akadyiwa mhuno yose nemuromo,” vanodaro Mai Mapambaro.

Mwana uyu asati afa, vanoti vakambofam­ba semhuri vachida kunzwisisa kuti chii chaimudya.

“Mushure mekunge adyiwa minwe, takaenda kumaporofi­ta kuElgin Farm kudhuze nekwatinog­ara vakatipa muteuro vachiti tidzoke kwapera mazuva matatu. Zvisinei, mwana akabva afa,” vanodaro.

Mai Mapambaro vanoendere­ra mberi vachiti, “Mwana airara pakati pangu nababa vake zvekuti kudyiwa kwaakaitwa hatina chatakanzw­a kana kuona husiku ihoho. Takapererw­a zvekushaya pekutangir­a asi takasheved­zawo vavakidzan­i vedu kuti vaone mashura aya.

“Va kat os ham isika won azvoa po mwana aiyerera ropa, chari yose nenhumbi dzaakange akapfeka zvazara ropa.”

Vanoti mushure mekushaya kwemwana wavo, zuva iroro akabva amera mazino.

“Mwana uyu akamera mazino matatu mahombe uye ainge akasimba, maviri kumusoro nerimwe chete kuzasi. Takatya nazvo, nanhasi tiri kuzvishair­wa pazvo.”

Vanoti nyaya iyi vakazoisvi­tsa kaMambo Makope. Mambo Makope, VaJacob Makope Mapirinjan­ja, vanoti nyaya iyi yakasvika kudare ravo asi havana kukwanisa kuitonga nekuda kwekuti akaita izvi haasi kuzivikanw­a.

“Nyaya iyi yakasvika mumaoko mangu asi ini handina kuitonga. Ndakati kune vemhuri iyi vazvitsvag­ire mhinduro pane zvakaitika,” vanodaro Mambo Makope.

Mambo ava vanokurudz­ira veruzhinji kuti vararame upenyu husina kuromba.

“Vanhu ngatiraram­e upenyu

hwakachena, husina kudeura ropa.

Anenge azobatwa nemhosva yekudeura ropa imhosva hombe iyoyo. Ngatigaris­ane zvakanaka tichiremek­edzana,” vanodaro.

Solom Mushuta, uyo anove muvakidzan­i waMai Mapambaro, anoti iye nevamwe vemunharau­nda zviri kuvanetsaw­o kuti mwana anodyiwa mhuno, muromo neminwe ari mupenyu uye kuti chitunha chake chozomera mazino.

“Isu zvinotisha­misa. Hatisati tamboona zvakadai kubva ndichigara muno. Ndava kubvuma kuti varoyi variko, hakuna mvura isina chura,” anodaro Mushuta.

Mumwezve muvakidzan­i, Chipo James, anotiwo, “Hatisati tambozvion­a zvakadai, chivanhu chine hubatwa mukati hazvisi zvoga izvi. Ini ndinototya nazvo, aya mashura mudunhu rino.”

 ??  ?? Mwana anonzi akadyiwa ari mupenyu uye akazomera mazino apo akange afa
Mwana anonzi akadyiwa ari mupenyu uye akazomera mazino apo akange afa

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe