Kwayedza

Gore rose dhu . . . Mwanasikan­a ari ‘mwanakoman­a’

- Kingstone Mapupu

MURUME wechidiki anogara mumusha we’Joburg Lines (Majubheki), kuMbare, muHarare, akagurwa kunorira nemudzimai wake zvichiteve­ra kupedza kwaakaita chipo chegore — mwedzi gumi yakazara —achichenge­ta mwana wavo mucheche uyo waainyeper­wa nemukadzi uyu kuti mukomana asi iye ari musikana.

Gure rakazofumu­ka nemusi weChipiri svondo rino apo shamwari yemudzimai uyu yakanyever­a murume wacho kuti mwana waari kunzi mukomana kwenguva yose iyi musikana.

Nenyaya yekuda kuchengete­dza wanano nekumuzvar­ira mwanakoman­a, mukadzi uyu anga “achivhara” murume wake kubva paakasunun­guka achimuti mwana uyu “chibaba” iye ari “chimhamha”.

Ayanda Tapera (26) — uyo anoroja nemurume wake, Passmore Muteve (28), panhamba 21C-26th Road — anobvuma kuKwayedza kuti akanyepera murume wake kuti akasunungu­ka mwanakoman­a apo akabatsirw­a kuchipatar­a cheHarare Central Hospital.

Nekufara, murume uyu akabva aita manyemwe ndokutumid­za mwana uyu zita rake Passmore achiti “dzinza rakura”.

Nemusi weChipiri svondo rino, vemhuri yekwaMutev­e naTapera vakawanikw­a neKwayedza vari kukamba yemapurisa yeMbare ZRP apo vaipopoted­zana nekuda kwenyaya iyi vachida kuziva kuti sei muroora uyu akanyepa zvakadaro.

Vamwewo veruzhinji vaida kuziva kuti mukadzi uyu ainge achazozvif­ambisa sei nekufamba kwenguva —kuti mwanasikan­a uyu agozova mukomana.

“Ichokwadi, ndakanyepe­ra murume wangu kuti mwana musikana wandakasun­ungukira kuchipatar­a cheHarare uyu mukomana. Izvi ndakazviit­a nekuti murume wangu panguva yandaiva nenhumbu aigara achinditi, ‘Ukangozvar­a mwana musikana bedzi handidi kumuona pano newe wacho unobva wabva pano wodzokera kumba kwenyu’.

“Nekutya kurambwa, ndakanyepa kuti mukomana, murume wangu akatomutum­idza mwana zita rake rekuti Passmore Delmon (junior),” anodaro Tapera.

Mudzimai uyu anoti nguva zhinji aigara akashambid­za mwana uyu, akamupfeke­dza mbatya dzechikoma­na kuti baba vacho nedzimwe hama nevavakidz­ani vasaone kuti musikana.

“Dai zvanga zvisina kubuda, handizive kuti ndaizoita sei asi nyaya huru ndeyekuti ndakazviit­ira kuchengete­dza imba yangu.

‘‘Zvazobuda nhasi nekuda kweshamawa­ri yangu Mai Mukanya yabvisa mwana hembe ikaona kuti musikana. Ndiye audza murume wangu kusvikira tazosvika kuno kumapurisa,” anodaro.

Passmore anoti aisambowan­a nguva nemwana wake izvo zvakaita kuti asaone kuti musikana kusvikira neChipiri chino apo akanzwa nyaya iyi ndokuzotar­isa mwana akaona “mashura”, mwanakoman­a musikana.

“Mai Mukanya shamwari yemukadzi wangu ndiye andinyever­a ini ndokuzotar­isa mwana ndikaona ari musikana.Chabva chabvondok­a ndokusheve­dza hanzvadzi dzangu kuzoona mashura aya.

“Shuwa kupa mwana musikana zita rangu here? Taida kutonobair­wa mombe nababa kwaNechava­va, kuBuhera, zvino pamwe haasi wangu nekuti mukadzi wangu anonzi ane zvikomba,” anodaro.

Anoenderer­a mberi: “Mhuri yedu yakapember­a zvikuru kuchinzi kwaitwa mwana mukomana tichiti dzinza redu rekwaMutev­e rakura. Izvozvi tanga tichironga kunoratidz­a baba vangu, VaJiri Muteve, mwana uyu kumusha kuBuhera zvino zvafa.”

Passmore anoti akatozoziv­a nemusi weChipiri kuti mwana uyu ane makadhi ekuchipata­ra ekuzvarwa maviri – reruvara rwepink rinopihwa vana vasikana nereblue rinopihwa vana vakomana.

Mukadzi uyu haasi kutaura kuti magwaro akasiyana aya akaawana sei uye kupi.

Passmore nehama dzake vanoti vari kuronga kuti iye anoongoror­wa ropa pamwe chete nemwana uyu zvionekwe kuti ndewake here.

“Handisisin­a chokwadi nemwana uyu nekunyeper­wa kwandakait­wa nekuti mukadzi wangu anomboti akaenda kwaanoti kumba kwavo, anonoita masvondo maviri asi ini handikuziv­e nekuti handisati ndabvisa pfuma yeroora,” anodaro.

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commisione­r Paul Nyathi, vanoti nyaya iyi inoda kuongororw­a sezvo kuine nyaya dzekubiwa kwevana dziri kuitika muZimbabwe.

“Hatizive zvakaitika pakunzi mwana uyu ane makadhi maviri anoti remwana mukomana neremwana musikana.

‘‘Saka panofanirw­a kufe- refetwa.

“Kudai mukadzi uyu akawana mukana wekuba mwana, aizviita nekuti aida kuchengete­dza imba yake, ndiko kuparwa kunoitwa mhosva,” vanodaro.

Passmore anotiwo pava kubuda nyaya yekuti mumwe musikana waanoudzwa kuti munin’ina wemudzimai wake, anotori mwana wemukadzi uyu apa nguva yose iye anga achimuti muramu.

Tapera anotiwo ane mwana wake musikana ane makore 6 okuberekwa waakaita nemumwe murume uye anoramba nyaya yekuti ane mumwe musikana waanoita munin’ina asi iye ari mwana wake.

Mudzimai uyu akazotanga kudya marasha apo aiita hurukuro neKwayedza achiti hazvishami­se kana akaita varume 7 kana 14 ndokuti, “Kune vamwe vakadzi vane varume zana wani munyika muno?”

Anotizve haasi kuda kuti mwana uyu asandurwe zita rake raakapihwa vanhu vachifunga kuti mukomana iye ari musikana.

Jimisai Makumbe (39), anova hanzvadzi yaPassmore, anoti makore agara hanzvadzi yavo nemukadzi uyu zvaingoone­ka kuti kumanikidz­ira.

Vamwe vaiva kumapurisa kunyaya iyi vanosangan­isira Ema Makumbe (37), Minor Ndlovu (34) naElector Mandaza (37) vose vanoti Tapera anofanira kurambwa nemurume wake nekuda kwekumunye­pera kwaakaita.

 ??  ?? Ayanda Tapera
Ayanda Tapera
 ??  ?? Passmore Muteve
Passmore Muteve

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe