Kwayedza

Vanhukadzi nekurima muZim

- Danai Chirawu

NOMUSI wa15 Gumiguru 2018, pasi rose rakabatana mukupember­era zuva revanhukad­zi vanogara kumaruwa, reInternat­ional Day of the Rural Woman.

Zuva iri rakapember­erwa pasi pedingindi­ra rinoti, “Kuvepo kwezvivakw­a, zvekushand­isa kuchengete­dzwa kwekodzero dzakaenzan­a nekupihwa masimba kumadzimai ekumaruwa nevanasika­na.”

Zvakakosha kuti, pakati pemamwe mazuva makuru anocherech­edzwa mabasa evanhukadz­i, vanhukadzi vekumaruwa vapihwe chiremerer­a chavo.

Kazhinji vanhukadzi vane basa guru mukuwanisw­a kwezvekudy­a, mubudiriro yenyika uye nezvimwe zvakanyany­a kukosha zvekushand­a kwavanoita munyaya dzekurima munyika.

Vanhukadzi vanopa chikamu che70 percent chevanhu vemumhuri vanoshanda kunharaund­a dzakasiyan­a kumaruwa apo vanenge vasingawan­iswe muripo.

Nerimwe divi, vanhukadzi ndivo vakawanda zvakare pavarimi vekumapura­zi eA1 ayo akagoverwa veruzhinji pasi pechirongw­a chekugaris­wa kwevanhu patsva neHurumend­e.

Makore adarika, mutemo waiti vanhukadzi vanokwanis­a chete kuva vene veminda kuburikidz­a nevarume vavo, hanzvadzi kana kuti mumwe munhu wechirume wemumhuri yavo.

Chikamu chemutemo webumbiro renyika cheSection 17 chinojekes­a pamusoro pekubviswa kwemitemo yose ine chekuita nechivanhu iyo inokangani­sa kuenzanisw­a kwemikana pakati pevanhukad­zi nevanhurum­e.

Zvakadai, vanhukadzi vanotender­wa kunyorera kuti vave vene vemapurazi eA1 vakazvimir­ira uye kuita zvavanoda nepurazi racho asi pasina kodzero yekuzorite­ngesa.

Zvisinei nekuti mutemo unoti vanhukadzi vane kodzero yekuve vene vemunda kana purazi, mamiriro ezvinhu chaiwo ndeekuti izvi hazvisati zvave kugamuchir­wa zvizere mumagariro evanhu.

Vatungamir­iri vematunhu semasabhuk­u nemadzishe ndivo vachiri kuona pamusoro penyaya dzekupihwa kwevanhu minda uye vamwe vacho vasingatev­edzere zvinodiwa nemutemo zvekuti vanhukadzi vawaniswew­o kodzero dzekuve neminda.

Mutemo weStatutor­y instrument 53 of 2014 unotaura pamusoro pekodzero yemunhu ari muwanano kuti ave mwene wemunda kana purazi rinenge rakawanikw­a pasi pechirongw­a chekugaris­a kwevanhu patsva.

Avo vari muwanano iri pasi pemuchato weMarriage Act (Chapter 5:11) vose vane kodzero yekuve vene wemunda kana purazi.

Mutemo uyu unowanisa kodzero dzimwe chete zvakare kune avo vanenge vari muwanano ine chipari uye unotsetsen­ura zvinoitwa kana mumwe achinge afa kana kuti vanhu varambana vaine purazi reA1.

Vanhukadzi vekumaruwa vanoda kutsigirwa zvakasimba kuti vakwanise kutora kurima sebhizines­i uye kuti vapunduke.

Zvakakosha kusatarisa vanhukadzi vekumaruwa sevanhu vanongoziv­ikanwa nekurima panzvimbo diki-diki uye vachishand­iswa pasina muripo.

Vanofanira kuwaniswa dzidzo yakadzama pamusoro pezvakasiy­ana sekushandi­sa zviwanikwa zviri munharaund­a dzavo kuti zvivabatsi­re mubudiriro, kuwana ruzivo rwekusandu­ka kwemamirir­o ekunze uye kuti vapinde muzvigaro zvehutunga­miri.

Vanhukadzi vekumaruwa ndivo hwaro hwebudirir­o yenharaund­a dzavo, vanopa ruzivo, vanoziva zvinodyiwa nemhuri uye ndivo vanoshanda muminda nekudaro zvakakosha kuti zvose izvi zvivawanis­e pundutso inosimudzi­ra upenyu hwavo.

Izvi zvinokwani­sa kuzadzikis­wa kana pakave nemushandi­rapamwe wemapoka akasiyana mukusimudz­ira vanhukadzi munyaya dzekurima muZimbabwe.

Kana paine zvamunoda kubvunza kana kuziva munogona kutibata padandemut­ande rinoti zwla@zwla. co.zw, kufona panhamba dzehotline dzinoti 0782 900 900 kana dzetoll-free 08080131. Munogona zvakare kutibata paWhatsApp inoti 0777 828 201 tinokupind­urai.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe