Kwayedza

Baba vaye havafunge, vakafa njere

-

INGUVA zhinji dzandinonz­wa vanhu vachituka kana kushoropod­za vamwe vachiti, “Baba vaye havafunge, vakafa njere.” Saka kune vanhu vanovereng­wa pavapenyu, asi mumaziso evamwe vachionekw­a sezvitunha zvinofamba? Zvichimbof­amba sei?

Kufunga kwakakosha uye kunodiwa zvikuru muhupenyu. Asi zvakakosha kuti tigare tabatsiran­a kuti kufunga kwandiri kutaura nezvako hakusi kuye kunokwidza BP. Handisi kutaura zvekufunga kwekunetse­ka.

Kufunga kwandiri kutaura nezvako kufunga kwekushand­isa pfungwa kuti munhu aite zvinhu zvisina kumboitwa. Kushandisa pfungwa kugadzira poto ine mubato kuti vanhu vagobikira, vagobata mubato vachimona sadza kana kuti vachiibura pamoto.

Zvinoita sekuti muhupenyu hwedu kune vamwe vanofunga kuti basa rekufunga rinofanira kuitwa nevanhu vashoma.

Dai tisina vanhu vanofunga, vanogadzir­a tingadai tisina zvinhu zvakawanda. Tingadai tisina zvipfeko, midziyo nezvimwewo zvinhu zvakagadzi­rwa.

Asi nekuda kwekuti munhu akasikwa nemufanani­dzo waMwari, uye ane mweya waMwari, zvinoreva kuti munhu akasikwa neMusiki kuti naiyewo ashandise mweya weMusiki wekusika.

Kufunga tichisika ibasa ratakapihw­a naMwari. Uye nekuti tine pfungwa, hatingoper­era pakufunga chete, asi tine basa rekucherec­hedza, kupenengur­a, kuronga nekunatsur­udza.

Chipo chekufunga ndicho chinotipa kuti tigadzire zvinhu zvisati zvamboonek­wa. Asika, pakati pedu pane vamwe vanorambid­za kuti zvinhu zvitsva zvifungwe nekuti vajaira zviripo.

Asi nyangwe tichifanir­wa kufunga nekushandi­sa pfungwa dzedu, kune mamwe mafungiro anoda kuchenjere­rwa nekuti anogona kuuraya munhu ari kufunga wacho pamwechete nevaanogar­a navo.

Pakati pedu pane vamwe vane pfungwa dzinofunga kukwidza mitengo yezvinhu vachishand­isa mafoni avo. Sezvakatau­rwa kuna Zvirevo kuti:

“Simbe inoti, “Kune shumba kunzira, shumba inotyisa iri kufamba-famba munzira dzomumusha!”

Segonhi rinotender­era pamahinji aro, ndizvo zvinoita simbe pamubhedha wayo. Simbe inoisa ruoko rwayo mundiro; inoita usimbe hwokutadza kurudzoser­a kumuromo wayo. Simbe inozviti yakachenje­ra pakuona kwayo kupfuura vanhu vanomwe vanopindur­a nenjere.”

Pfungwa dzesimbe dzinoshand­a, asi zvadzinofu­nga zvinokodze­ka hurombe semukaka. Simbe inofunga zvinhu zvinoisimb­isa pahusimbe hwayo.

Mumusoro mesimbe mune pfungwa inoudza vanhu kuti “kune shumba iri kufamba-famba munzira dzemusha,” saka nekuda kwekuti kunze kune shumba yagadzirwa nepfungwa dzesimbe, inobva yawana chikonzero chekurega kuenda kunoshanda.

Variko vane pfungwa dzakadai, pfungwa dzinogadzi­ra shumba isipo zvekuti inopedzisi­ra yave kuita seiripo. Variko vanoti mafuta ekubikisa anzi ave kuita $25 pa2 litres.

Asi kana mukatarisi­sa simbe iyi, muchashami­sika kuti inofunga kuti yakachenje­ra zvikuru kudarika vangwaru.

Kuchenjera kwesimbe kuri pai? Kuri mukufunga kuti kune shumba inonzi kukwira kwemitengo.

Sekuona kwesimbe, kugona kufunga shumba isipo kuti iite seiripo kufunga kunoshamis­a kwazvo. Asi kufanana nemukadzi atora murume wemumwe mukadzi akatanga kugara naye, chokwadi chinongora­mba chiri chekuti murume iyeye haasi wako. Murume iyeye wamuwana nenjere dzisingafu­nge.

Kana pfungwa dzako dzasvika pakufunga kwakadai, ziva kuti ipfungwa dzinoisa manyepo panzvimbo yechokwadi.

Pfungwa idzodzo dzinourayi­sa nekuti hausisiri mweya waMwari uri kushanda, asi mweya wehunyenge­ri nekuparadz­a.

Uri kushandisa pfungwa dzako kufunga chii chitsva chinoratid­za kuti wakasikwa neMusiki kuti newewo ugosika zvitsva, zvisati zvamboonek­wa uchiratidz­a zvishamiso zvekusika zviri muMusiki akatisika.

Usaite pfungwa dzinosika shumba dzisipo, shumba dzesipo! Ita pfungwa dzinoimba kuti, “Ndinoshami­swa kwazvo namabasa makuru, akaitwa nemi (Mwari), ose anorumbidz­wa!”

 ??  ?? naIgnatius Mabasa
naIgnatius Mabasa

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe