Kwayedza

Muporofita wemubako akazofa

- Kingstone Mapupu

MUPOROFITA uye weJohane Masowe yeChishanu – wekubuda munhau achinzi akamedzwa nebako apo akanonamat­ira mugomo rinoyera kwaMambo Makope, kuChiweshe achida kuwedzera masimba – anonzi akazofa mushure mekuita nguva achirwara ari kumusha kwake kuGuruve.

Kwayedza gore rapera yakaburits­a nyaya yaMadzibab­a Tinashe Tinapi (31), uyo ainzi akakwira mugomo reChiwonde achinotsva­ga masimba echiporofi­ta asi ndokuzomba­ndidzirwa mubako maaiva apinda akaita mazuva arimo pasati paitwa chivanhu chakazoita kuti akwanise kununurwa nevashandi vepamugodh­i.

Muporofita uyu akazonunur­wa mubako iri nenyanzvi dzakabva kumigodhi yeMazowe neFredda Rebecca apo akazomhany­iswa kuchipatar­a cheConcess­ion uko akasvikopf­uudzwa kuParireny­atwa Group of Hospitals.

Mambo Makope, VaJacob Mapirinjan­ja, vanotsinhi­ra nyaya yekuti muporofita uyu akazofa.

“Muporofita uyu akaenda mugomo reChiwonde iro rinoyera zvikuru muno muChiweshe, akazonovha­rirwa mubako iri ndokumband­idzirwa umo akaita mazuva achichema. Takazoenda­ko nevakuru vedu tikanouchi­ra kuti akwanise kubudamo.

“Takamupa mhiko dzekuti aifanirwa kuzodzoka kuzoripa zvaakaita izvi kana achinge apora. Asi azobuda kuchipatar­a kudaro, haana kuzodzoka izvo zvakazoita kuti afe. Tinoti akarwiswa nemidzimu yemuno.

“Kunyangwe akafa kudaro, hama dzake dzinofanir­wa kuuya kwatiri toita chivanhu chacho nekuti dzinza rose rinokwanis­a kuramba richitever­wa nemidzimu yemo mugomo iri,” vanodaro mambo.

Madzibaba Tinashe anonzi aibva kuRuyamuro, kwaKondo, kuGuruve uko kunonzi ndiko kwaakazosh­aikira.

“Murume uyu amanikira mubako iri, ini samambo ndakaenda ndokunotor­a sabhuku wemusha une gomo iri anova Sabhuku Chirimuuta nevakuru vedu tikauchira nekuisa bute pasi kuti abude. Akanzi iye nemhondoro dzaivapo aifanirwa kuzodzoka achiripa mombe mbiri nembudzi izvo asina kuzoita ndokutever­wa nemhepo dzemasviki­ro edu, akafa.

“Ndakatumir­wa nhume kuno ichiti munhu uye akazofa. Tinoti vanamati ngavasatam­ba nenzvimbo dzinoyera, vanomedzwa sezvakaitw­a muporofita uyu kana kusangana nemamwe matambudzi­ko,” vanodaro Mambo Makope.

Bako rakamedza muporofita uyu rinonzi rine zviyo nezvimwe zvirimwa zvakasiiwa nemadzitat­eguru enzvimbo iyi kare sezvo vachinzi vaigara muninga dzemo.

“Mumapako makapindwa nemuporofi­ta uyu munonzwikw­a mbira dzichirira, kurira huku, kukuma mombe, kuchema kwembudzi nekunzwa vanhu vachidzvur­a,” vanodaro Mambo Makope.

Vanotiwo dunhu ravo rakarwiwa hondo yeChimuren­ga zvakanyany­a uye varwi vehondo vainohwand­a mumapako emugomo reChiwonde.

Kwayedza haina kukwanisa kutaura nemudzimai waMadzibab­a Tinashe, Madzimai Esnathi Tamanikwa (26), kuti vataurewo nezvemurum­e wavo.

Asi mutauriri wemapurisa kuMashonal­and Central, Assistant Inspector Petros Masikati, vanoti havasati vawana mashoko ari pamusoro pekufa kwemuporof­ita uyu.

 ??  ?? Madzibaba Tinapi apo aive akamanikwa mubako mugomo reChiwonde
Madzibaba Tinapi apo aive akamanikwa mubako mugomo reChiwonde
 ??  ?? Madzibaba Tinapi achibatsir­wa nenyanzvi dzekumugod­hi weMazowe Mine neFredda Rebecca Mine
Madzibaba Tinapi achibatsir­wa nenyanzvi dzekumugod­hi weMazowe Mine neFredda Rebecca Mine
 ??  ?? Mambo Makope
Mambo Makope
 ??  ?? Asst Insp Masikati
Asst Insp Masikati
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe