Kwayedza

Kuongororw­a gomarara rezamu kwakakosha

-

yekubatwa negomarara iri.

◆ Kuputa fodya zvakanyany­a nekunwa zvinodhaka (kunwa mabhodhoro edoro anodarika maviri kana uri munhurume uye rimwe chete pazuva kuvanhukad­zi)

◆ Kudya chikafu chine mafuta akawanda nefibre shoma

◆ Kuve nemuviri wakafutisa kana kukurisa zvisina tsarukano

◆ Kusabereka kana kuita mwana wekutanga wave nemakore 30 okuberekwa

◆ Wakambobat­wa negomarara kune rimwe Kudzivirir­a gomarara

rezamu: Zvirwere zvegomarar­a, kusanganis­ira remuzamu, zvinokwani­sa kudzivirir­wa kuburikidz­a nekudya zvinovaka muviri pamwe nekuita mitambo inosimbisa muviri.

Zvinokurud­zirwa kudya chikafu chisina mafuta, shuga nemunyu wakawanda uye kusadya chikafu chinotengw­a chakagadzi­rwa kare kuti chidyiwe (processed foods).

Veruzhinji vanokurudz­irwa kudya zvakaita semichero, miriwo, nyama yehuku neyehove pamwe nekugara vachiita mitambo yekusimbis­a miviri.

Doro rinofanira kunwiwa riri shoma uye kana zvichibvir­a fodya ngairege kuputwa zvachose.

Zviratidzo zvegomarar­a

rezamu: Zviratidzo zvinowanzo­onekwa kuomarara kana kuzvimba pedyo nezamu kana muhapwa.

Kana munhu akaona zvaasingan­zwisise anokurudzi­rwa kuenda kunovhenek­wa kwachiremb­a nekukasika.

Ngwarira zvakare zvinobuda panyatso dzako pamwe nekusanduk­a kweruvara rwepazamu nenyatso sezvo kusanduka kweruvara uku kunogona kunge chiri chiratidzo chegomarar­a.

Zvimwe zviratidzo zvigona kusanganis­ira kuvaviwa, kunzwa kupisa pamazamu kana nyatso, kuona wave kungoperez­eka muviri zvisina tsarukano nekupota uchinzwa chando.

Zvisinei, zvimwe zvezvirati­dzo izvi zvinogona kunge zvichikonz­erwawo nezvimwewo zvisinei nechekuita negomarara. Enda unoona chiremba wako kana waona zvausingan­zwisisi zvave kuitika kwauri.

Kuongororw­a gomarara

rezamu: MuZimbabwe zvinokurud­zirwa kuti munhu atange azviongoro­ra ega inonzi iyo paChiRungu Breast Self-Examinatio­n (BSE) sezvo mapundu anenge ari pazamu kana minyatso nguva zhinji achitanga kuonekwa nadungamun­hu.

Kana gomarara rikaonekwa nguva ichiripo, zviri nyore kuti munhu ange achibatsir­wa nekudaro zvakakosha kuti munhukadzi agare achiongoro­ra mazamu ake.

Vanhukadzi vanenge vave kutevera vanokurudz­irwa kuti vaongorore mazamu avo mukati memazuva matatu kana mashanu vapedza kutevera.

Varumewo vanofanira kutsvaga zuva ravanoongo­rora mazamu avo.

Gomarara rikaonekwa richiri kutanga zvinoita kuti chiremba akwanise kupa murwere mishonga inoshanda nesimba. Zvaunofani­ra kutarisa kana uchizviong­orora

gomarara rezamu:

◆ kuomarara kwenyatso kusingarwa­dze kana kukurisa kwetsinga kuita tumapundu kana kuti rash isinganzwi­sisike panyatso kana pazamu kuramba uchirwadzi­wa mukati mezamu Zvekuongor­ora panyatso:

◆ kuburitsa zvausungan­zwisise zvaita seropa nepanyatso

◆ kuita tumapundu kana kuti rash panyatso nenzvimbo yakatender­edza nyatso

◆ kuomarara kusinganzw­isisike kwenyatso

◆ kuzvimba kana kurwadza kwemuhapwa Zvaunofani­ra kuita kana uchizviong­orora

gomarara rezamu:

1. Mira pamberi pechiringi­so, woongorora mazamu ako ose sekuti hapana zviri kubuda panyatso here nezvimwe.

2. Wakatarisa muchiringi­so, isa mawoko ako kugotsi wodzvanyir­ira musoro pamawoko. Izvi zvinobatsi­ra kuti ukwanise kuona kana paine shanduko pakukura kwemazamu ako sezvo mhasuru dzinobva dzapinda mukati.

3. Dzvanyirir­a mawoko ako pamabvi wokotama wakatarisa pachiringi­so uchiendesa mapendeket­e nemagokora mberi. Izvi zvinobatsi­ra zvakare kuti ukwanise kuona kana pane zvisina kumira zvakanaka pamazamu ako.

4. Gara uchiongoro­ra kuti hapana zviri kuburitswa nenyatso dzako here pamwe netumapund­u twausingan­zwisise pamazamu.

Chiremba ◆ ◆

 ??  ?? remazamu ako ◆ Kugara uchinzwa
kushunguru­dzika
remazamu ako ◆ Kugara uchinzwa kushunguru­dzika
 ??  ??
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe