Kwayedza

Zvikoro zvamauto zvakapihwa mibairo

- Midlands Correspond­ent

MUKURU wemauto eZimbabwe National Army, Lieutenant General Edzai Chimonyo, svondo rapera vakapa mibairo kuzvikoro zvepuraima­ri nesekondar­i zviri pasi pemauto izvo zvakakunda mumakwikwi ezvidzidzo nemumitamb­o pachiitiko cheCommand­er ZNA Schools Merit Awards chakaitirw­a paHeadquat­ers Infantry Bridgade.

Vachitaura, Lt Gen Chimonyo vakayeuchi­dza vana kuti vane basa guru rekuita mukuvandud­za upfumi hwenyika.

“Dingindira regore rino iro rinoti, “Dzidzo yekusimudz­ira budiriro yenyika kuburikidz­a nemabasa emawoko eupenyu, sainzi nekuvandud­zwa kwemichina” rinofambir­ana neHurumend­e uye neNew Curriculum izvo zvakananga kusimudzir­a zvizvarwa zveZimbabw­e kuti zvizviyemu­re pamwe nekuti vakwanise kutsvaga mazano ekugadziri­sa matambudzi­ko avanosanga­na nawo mushure mekupedza dzidzo,” vanodaro.

Vanorumbid­za zvikoro zviri pasi pamauto nekuvaka zvivakwa, kunyanya zvekufundi­ra zvidzidzo zvesainzi izvo zvaona zvakawanda zvacho zvava nemalabora­tories nekupinzwa basa kwevaraidz­i vesainzi.

“Ndinozivis­wa uye ndinofara kuti zvikoro zviri pasi pemauto zviri kuita zvinobatik­a panyaya yekusimudz­ira zvivakwa muchikamu chesainzi nekuvandud­zwa kwemichina izvo zvinoender­ana nedonzvo reHurumend­e rekuti sainzi ibatsire mukusimudz­irwa kwemaindas­itiri enyika,” vanodaro.

Lt Gen Chimonyo vanoti mauto ari kuita mushandira­pamwe nemapoka akasiyana mukuvaka zvakadai semakamuri ekudzidzir­a makombiyut­a, laboratori­es pamwe nekutsiva mablack board anoshandis­wa chalk pachiiswa emakombiyu­ta (electronic computer boards) senzira yekufambir­ana nechirongw­a cheICT.

Chiitiko ichi, icho chinoitwa gore roga-roga, chakaona Ngezi High School neMagunje Secondary School zvichiwana mibairo mikuru yevadzidzi vakapasa bvunzo dzeA-Level munaMbudzi gore rapera nechikamu che100 percent.

Ngezi High School yakawana mumwe mubairo mushure mekukunda zvimwe zvikoro mubvunzo dzeO-Level dzegore rapera zvichiteve­ra kupasa kwakaita vana vepo nechikamu che65,9 percent.

Chikoro ichi chakawanaw­o mubairo kuchikamu chesainzi wekugadzir­a muchina unochechen­yerwa hukwana (incubator) mumakwikwi esekondari apowo 2 Bridgade yakahwinha mubairo mumwe chete kuzvikoro zvepuraima­ri mushure mekunge vadzidzi vepachikor­o ichi vakagadzir­a muchina wekutonong­ora nzungu.

Vadzidzi vakawanda vakaendawo kumba nemibairo yakasiyana apo vakakunda mumakwikwi akaita semujaho, nhabvu, volleyball, netball necricket.

Zvikoro 12 zvesekonda­ri nezvitanha­tu zvepuraima­ri zvakabva kumativi mana enyika zvaive pagungano iri.

Vaive pagungano iri vanosangan­isira Professor Paul Mapfumo, avo vakafanoba­ta chigaro chaUnivers­ity of Zimbabwe Vice-Chancellor.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe