Kwayedza

‘Vabereki tsigirai vana’

- Malven Mugadzikwa

MUKURU wedzidzo mudunhu reHarare, VaChristop­her Kateera, vanoti vabereki vanofanira kutsigira vana vavo zvakakwana muzvikoro sezvo iri iyo nzira inoita kuti vafarire kudzidza zvose nekuti vave nehunhu nekugadzir­ira ramangwana ravo.

Vakapa kurudziro iyi svondo rapera apo vakavhura zviri pamutemo dzimba dzekudzidz­ira paMbare High School.

Pagungano iri, vana vepachikor­o ichi vakawana mibairo yakawanda yekugona muchikoro, kuita mitambo yechivanhu nemimwe.

“Kuvakwa kwakaitwa mudhuri watavhura nhasi uyu chiratidzo chekuti chikoro cheMbare High chine chido nekuvandud­za pekudzidzi­ra pevana. Mwana akawana pekudzidzi­ra pakanaka anovawo nenguva yekudzidza zvakanaka pasina zvinomuvhi­ringidza.

“Chava chitsvambe kuvana, vabereki, varairidzi nevakapote­redza chikoro kuti vachengete­dza chikoro chacho kuti chirambe chichirati­dzika zvakanaka,” vanodaro.

Vanoti kuvandudzw­a kuri kuitwa chikoro ichi kwakakosha zvikuru.

“Sechikoro, zvese zvinoitwa pano zvinofanir­a kuva mugwara rakanaka rinogadzir­a ramangwana revana nekuti kucharamba kuchiuya vana vachidzidz­a pano.

“Ndinoda kutenda Mbare High nekuti iri kubura vana vane shungu nekudzidza uye nyanzvi dzemuchiko­ro. Izvi zvinoonekw­a nemibairo yavawana,” vanodaro VaKateera.

Vanoendere­ra mberi vachiti, “Vabereki vanofanira kutsigira vana zvakanyany­a. Ndinoda kutenda vabereki vari kubhadhari­ra vana mari dzechikoro asi kune avo vasiri kubhadhara, ndinovakur­udzira kuti vabhadhare nekuti kugadzirir­a vana vavo ramangwana rakanaka uye ndizvo zvinoita kuti chikoro chifambire mberi.”

Vanotizve vabereki vanofanira kungwarira shamwari dzinotamba nevana vavo sezvo dzimwe dzichivafu­rira.

“Ndinoda zvakare kukurudzir­a vabereki kuti varambe vakashinga mukukurudz­ira vana vavo kudzidza nekuti ndiyo nhaka yeupenyu hwavo. Zvakakosha kuti vabereki vashande kuderedza misikanzwa muvana kuburikidz­a nekutevere­ra chero shamwari dzinotamba navo.

“Shamwari dzevana ngadzisunu­nguke kusvika pamba penyu muchiona hunhu hwadzo pamwe nekuti havafuriri vana venyu nekuti kune shamwari dzinobudit­sa mwana mugwara rekudzidza,” vanodaro.

Mukuru weMbare High School, Mai Mary Madondo, vanotsinhi­ra mashoko aVaKateera vachiti chikoro chavo chiri kushanda nesimba mukuvandud­za panodzidzi­ra vana.

Vanoti vari kushandawo mukuti vafambiran­e nezvimwe pakupa dzidzo yakanangan­a neNew Curriculum.

“Tinofara nedzimba itsva dzekudzidz­ira uyu nekuti nderimwe danho ratakwira mukuvandud­za chikoro chedu. Tanga tiine dambudziko repekudzid­zira asi zvino zvava nani,” vanodaro.

Vanoti vabereki havafanire kurambidza vana vavo kuita zvimwe zvezvidzid­zo zvemabasa emawoko sezvekurim­a sezvo zvichigona kuzovarara­misa mune remangwana.

 ??  ?? VaKateera
VaKateera

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe