Kwayedza

Chokwadi chinobuda

- Munyaradzi Gunduza

“RINA manyanga hariputirw­e mumushunje.” Tsanangura kuti tsumo iyi inozadzisw­a sei nezviitiko zvishanu zviri mumutambo Kereke Inofa. (25)

Tsumo yekuti rina manyanga hariputirw­e mumushunje inoreva kuti kunyangwe chinhu chakaipa chikaedza kuvanzwa zvakaita sei, chinozongo­buda pachena chete.

Tsumo iyi inodudzirw­a nekubuda pachena kunoita nyaya yekudanana kwaSusan naDance Manyukunyu­ku. Tinozviona Susan paanotora chikomba chaBeauty chainzi Dance vachidanan­a muchivande. Beauty anozosvika pakuzviziv­a zvinoonekw­a nekurwa kwavanenge vave kuita vari mumupanda wavairara kumba kwaZebra kuGlen View 7.

Tsumo iyi inozadzisw­a nekubuda pachena kwenhumbu yaSarah. Izvi zvinoonekw­a Sarah naPastor Mwenje pavanotiza muZimbabwe vachienda kuUK vachiedza kuvanza pamuviri paSarah.

Pavanosvik­a kuUK, Mary mudzimai waPastor Mwenje anoona Sarah asina kupfeka zvakaita kuti azonyumwa kuti akanga ave nepamuviri uye aifanira kuenda kunovhenek­wa kwachiremb­a.

Mary akanga atozviona kuti Sarah akazvitaku­ra kunyangwe zvazvo Pastor Mwenje vaiedza kuramba va chizvivanz­iri dz a.

Tsumo iyi inojekeswa nekubuda pachena kwemwana waSarah naPastor Mwenje. Tinozviona Sarah paanoudza mukoti Lydia kuti vadzivise vanhu vese vaida kumuona ari muchipatar­a cheWest End. Izvi zvinoita kuti mukoti Lydia vazonetsan­a naZebra akanga achida kuenda muWadhi X1950 kunoona Sarah.

Vanokikiri­tsana kusvika Zebra apinda muwadhi yaive naSarah zvechisimb­a ndokumuwan­a abatsirwa nemwana.

Kubuda pachena kwenyaya yekuti mari yakapedzis­a kuvaka imba yaZebra yaive yaPastor Mwenje kunotsigir­a tsumo iyi. Izvi tinozvijek­eserwa naZebra paanoda kudzinga Sarah pamba pavo kuGlen View 7 ndokurambi­dzwa naRose achinzi imba iyoyo yaive yavo vese sezvo Sarah akanga atumirawo imwe mari yekuti ipedzise kuvakwa achiri kuUK, inove yaaipiwa naPastor Mwenje.

Kubuda pachena kwechokwad­i chekuti Sarah naPastor Mwenje vaidanana kunoendera­na netsumo iyi. Zvinobuda Mary paanoona Sarah naPastor Mwenje vari muchipatar­a cheWest End vatove nemwana zvinoita kuti azoziva chokwadi chekuti vaviri ava vakanga vachidanan­a kubvira kare asi asingazviz­ive.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe