CHISHONA CHAKANAKA
VANA vechikoro, hounoi mukana wekupota muchitumira mibvunzo yenyu kuKwayedza tibatsirane kuti Shona ireruke. Tumirai mibvunzo yenyu kuMupepeti nenhare dzinoti +263 714 200 007 kana e-mail inoti: kwayedza@zimpapers. co.zw kana patrick.shamba@zimpapers. co.zw. Taura zita rako rizere, chikoro chako, giredhi, nenzvimbo inowanikwa chikoro chako.
* * *
MHINDURO DZESVONDO RAPERA: Tipe rimwe zita rinoreva zvakafanana neiri:
1. ipwa – gunde
2. bvupa – bondo
3. nhumbi – mbatya
4. kweva – kakata/donza
5. sasa – gonhi
ZVAKABVA KUVAVERENGI:
Junior T Mupfunya, Chinzanga Primary, Mutoko – 1. gunde; 2. bonzo; 3. mbatya hembe; 4. zvuva - dhonza; 5. gonhi.
0778 982 125 – Chinonzi tsapata ibonde kana kuti mhasa.
Victor Shylock Jonga, Pfumo Primary – 1. gunde; 2. bondo; 3. mbatya; 4. zvuva; 5. gonhi.
Tania Maharira, Grade 6, Chirowakamwe Primary School, Dangamvura, Mutare – 1. ipwa - nzimbe; 2. bvupa - godo; 3. nhumbi mbatya; 4. kweva - dhonza; 5. sasa – gonhi.
Kudzai Mambo, Grade 5, Epworth Primary – 1. gunde; 2. bvupa - mbabvu; 3. nhumbi - mbatya; 4. kweva - zvuva; 5. sasa - gonhi.
Munyaradzi Chivero, Chiweshe – 1. gunde; 2. bondo; 3. hembe; 4. sveta; 5. taura.
Lawrence Kangwete, Mutare – 1. nzimbe;
2. makodo; 3. hembe; 4. dhonza; 5. nyengera.
Wesley Sithole, Nyanga – 1. mukaruka;
2. godo; 3. mbatya; 4. dhonza; 5. gonhi/ mwaya.
Lesley Katiyo, Grade 3, Makomo Primary, Epworth – 1. magunde; 2. bonzo; 3. mbatya;
4. dhonza; 5. mwaya.
0772 959 286 – Tsapata ifuma shoma-shoma yekuti unogona kuzviraramisa ingava ichishoreka asi hauzonyanyo kukumbira.
Lawrence Tom, Waterfalls Mainway – tsapata - rukukwe.
Lawrence Tom Waterfalls Mainway –
1. ipwa - mukaruka; 2. bvupa - mapfupa;
3. nhumbi - mbatya; 4. kweva - kweva/ kwezva; 5. sasa.
Maxwell Ngulube – 1. ipwa - gunde; 2. bvupa - bhonzo; 3. nhumbi - chipfeko; 4. kweva - dhonza; 5. sasa - gonhi.
Solomon, Waterfalls – Imhando yepasi chigare yakafanana nerukukwe.
Barnbas Jonga, Magaba Siyaso, Mbare – 1. Ipwa - gunde; 2. bvupa - bhonzo; 3. nhumbi - mbatya; 4. kweva - dhonza; 5. sasa - gonhi
Baba Kunashe, Chimwanzou, 0782 257 791 – Ndima zvinoreva basa raunoshanda kana kuti mushando.
ZVEKUITA SVONDO RINO:
Tipe rimwe zita rinoreva zvakafanana neiri:
1. pito –
2. zanda –
3. datya –
4. davi –
5. besa –