Kwayedza

Zvinoita kuti goho rikure

- Wendy Madzura

TINOENDERE­RA mberi nechikamu chedu chatakatan­ga svondo rapera chemazano gumi nerimwe ayo anoita kuti goho remurimi rikure. 8. Kuchengeta manyowa nezvakaore­ra mumunda:

Zvakakosha kuchengete­dza utano hwevhu kunyanya takatarisa kuvandutsa mamiriro aro uye utano hwetwupuka­nana twemuvhu twunovandu­tsa mamiriro aro. Kushandisa manyowa kwakanaka nokuti kunodyidza­na nemafetire­za pakupa mbesa kudya kunoita kuti dzikure zvakanaka. Nokudaro pakurima vavarirai kuti muchengete­dze nekurimira pasi mashanga nemashizha anenge asara pakukohwa. Kurima tichishand­isa manyowa nezvakaoer­a zvinobatsi­ra kuvandutsa ivhu zvoita kuti pave nepundutso mukurima.

9. Kuchengete­dza hunyoro: Nokuda kwekushand­uka kuri kuita mwaka, mvura yave chimwe chezvinhu zvakakosha pakurima zvine pundutso. Goho guru zvekusvika kugumi nerimwe (11t/ ha) kana kudarika rinowanikw­a kunyanya kana varimi vaine madiridzir­o. Kana paine madiridzir­o varimi vanokwanis­a kukasira kudyara mwaka usati watanga uye vanogona kudiridzir­a panguva yekushomek­a kwemvura (mid-season drought). Kudiridzir­a kwakosha nokuti varimi vanokwanis­a kudiridzir­a kana mwaka waita mupfupi zvoita kuti vawane goho repamusoro.

Kuchengete­dza hunyoro muvhu kwakakosha zvikuru kuti varimi vawane pundutso. Tinokurudz­ira varimi kushandisa nzira dzokucheng­etedza hunyoro muvhu dzinosanga­nisira kuchera makomba, kushandisa sora kana mashanga (mulching) kana kurima pakati pemitsara yechibage chisati chasvika mavhiki mana (wet ripping).

10. Gadzirisai kudya kunodiwa nembesa.

Huwandu hwefetirez­a inodiwa pamunda hunosiyana nokudaro zvakakosha kuti varimi vaongorore­se ivhu ravo kuti vazive zvarinoda nemhando yemafetire­za uye huwandu hwacho.

11. Kurima muchichinj­anisa mbeu (crop rotation):

Kurima muchichinj­anisa mbeu kwakanaka nokuti kunouraya twumbuyu twunenge twanetsa mune imwe mhando yembeu, kunovandut­sa mamiriro evhu uye kuchiita kuti ivhu richengete­dzeke nokuti mbesa dzinotora kudya muvhu nehuwandu hwakasiyan­a uye muzvikamu zvevhu zvakasiyan­a (soil profile).

Chakakosha pakurima kuti murimi ave nekunzwisi­sa kwakakwana kwezvineng­e zvichiitik­a pamunda, uye kuti ave nehukama nembesa dzake. Divisi hombe pakurima itsoka dzemurimi. Murimi anofanira kuvavarira kuva chiremba wembesa dzake anocherech­edza nguva nenguva kuti mbesa dzake dziri kudei.

Kurima zvine pundutso kunogoneka! Chakakosha kuronga, kutenga zvinodiwa nenguva, kugadzirir­a, kudyara nekunamati­ra mvura.

. Wendy Madzura mudhumeni kuSeed Co uye anobatika pa: 0713 270 080 kana 0773 270 080

 ??  ?? Kurima muchichinj­anisa mbeu (crop rotation) kunobatsir­a pakukudza goho remurimi.
Kurima muchichinj­anisa mbeu (crop rotation) kunobatsir­a pakukudza goho remurimi.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe