Kwayedza

MURUME CHAIYE ANOITA SEI?

- Kingstone Mapupu

MURUME chaiye ndeakaita sei? Kana muri muwanano, mudzimai angati murumwe kwaye ndeanoita sei? Zvii zvinofanir­wa kuitwa nemurume kumudzimai wake kuti agutsikane?

Mibvunzo yacho mutorododo.

Kazhinji madzimai anogara achigunun’una pamusoro pemaitiro evarume vavo uye vamwe vanopedzis­ira vave kuita gumbo mumba gumbo panze nekuda kwezvikonz­ero zvakasiyan­a.

Kwayedza svondo rino yaita hurukuro nevanhukad­zi avo vanopa mafungiro avo pamusoro pezvinotar­isirwa kunge zvichiitwa nemurume chaiye. Zvinzwirei!

Evelyn Tswatswa (30) anogara kuFidelity, kuWaterfal­ls, muHarare, anoti pane zvinhu zvakawanda zvinoita kuti murume anzi murume chaiye.

“Mudzimai wese anoda runyararo mumba, varume musaite tsika yekutituka nekutishun­gurudza. Ini mukadzi ndinobva kumba kwedu ndichinoga­ra nemutorwa, kutsvaga kugara zvakanaka ikoko.

“Rudo ndirwo rwatinoda kunyanya uye varume vanofanirw­a kutenda madzimai avo kana vaitirwawo zvakanaka,” anodaro.

Anoti varume havafanirw­e kutora madzimai avo senhapwa mudzimba “sezvo tichida mufaro nerunyarar­o”.

Audrey Savanhu (21) wekuSouthl­ea Park anoti varume vanofanirw­a kuremekedz­a hama dzemadzima­i avo uye zvimwe chete nemudzimai ngaaremeke­dzewo hama dzevarume vavo.

“Rudo chairwo rwemumba yemukati rwunodiwa.

‘‘Tinoona vamwe vanoguma vave kuita zvikomba, kutsvaga rudo ikoko. Varume ngavatipew­o mari inokwanira kuitira kuti tisazotorw­a moyo nemari dzinopihwa mamwe madzimai nevarume vavo.

‘‘Kusagutswa mumba kunoita kuti mamwe madzimai apoye achinotsva­ga zvikomba kunze,” anodaro Savanhu.

Anoti murume akava nerudo, mhuri yose inosu- nunguka.

“Murume ngaave munhu anotaurika naye kwete kuita seshumba mumba. Pane vamwe vekuti vachisvika pamba bedzi, mudzimai unotanga kutya nekusuwa,” anodaro.

Anoenderer­a mberi achiti, “Murume kana atambira mari – kunyangwe asingashan­de asi aiwana – ngaipihwe kumudzimai uye iyo peyi chaiyo ngaisvikew­o kumba.

“Saka muchizoona vamwe vakadzi vachidanan­a nevafudzi vemombe, mumba munenge musina rudo nekuwirira­na.”

Kuchiti Alice Wasarakunz­e (22) wekuGlen Norah A, muHarare zvakare anoti varume vanofanirw­a kupa rudo rwuzere kumadzimai avo.

“Imba ngaive yerudo chete pasina kurwisana, murume achichenge­tawo mhuri yake,” anodaro Wasarakunz­e.

Lynet Njagu (23) wekuGlen Norah A zvakare anoti imba inoda rudo nerunyarar­o.

“Murume ngaarege kuita chipfambi, zvinokonze­rawo kuti mamwe madzimai tizoda kukwikwidz­ana navo. Hongu, mari ingadiwe asi pasina rudo hainake,” anodaro.

Mumwe mukadzi akasarudza kungozivik­anwa saAudrey anoti hakuna zvinoshami­sira zvinoitirw­a varume neshamwari­kadzi dzavo kusmall-house asi kungoti vanhurume vagara havagutsik­ane nezvainazv­o.

“Zvavanowan­a kushamwari­kadzi dzavo ndizvo zvatinovai­tira kudzimba asi varume havagutsik­ane. Kana vachibhabh­urwa kumusana nesmall-house ngavatiudz­eka toitawo izvozvo, vogutsikan­a vari mumba.

“Chinozonet­sa ndechekuti murume anombokuti­za asi kana orwara ari ikoko kumukadzi wekunze, unozoona ouya kumba nechirwere chake.

‘‘Dai achibva angofira ikoko kumusikana wake pane kuzouya orwara. Vana baba gutsikanai nevadzi venyu,” anodaro Audrey.

Kune wanano dzakawanda dziri kuparara mushure mekunge mukadzi akaroorwa kana murume akaroora abatikidzw­a nechikomba kana kuti neshamwari­kadzi. Zhinji dzenyaya idzi dzinofumur­wa nenhare apo panowanikw­a mashoko kana mifananidz­o “inokonzere­sa”.

 ??  ?? Lynet Njagu - Mifananidz­o naNicholas Bakili
Lynet Njagu - Mifananidz­o naNicholas Bakili
 ??  ?? Audrey Savanhu
Audrey Savanhu
 ??  ?? Alice Wasarakunz­e
Alice Wasarakunz­e
 ??  ?? Evelyn Tswatswa
Evelyn Tswatswa
 ??  ??
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe