Kwayedza

‘KuSmall-house kunofaya’

- Muchaneta Chimuka

MAZUVA ano nyaya dzema”small-house” dziri kutsviriri­dza apo munhurume anopinda murudo nemumwe mukadzi asi iye aine mudzimai kumba.

Kune wanano dzakawanda dziri kuparara nekuda kwemuitiro uyu.

Chii chinomboko­nzera kuti vamwe varume vapedzisir­e vave kuita zvemasmall-house asi kumba vaine madzimai? Kusagutsik­ana nezvavanaz­vo? Kana kuti ruchiva?

Kwayedza yakazvitsv­aga ikanzwa zvinokunda ngoma kurira.

VaGibson Zawe (42) vemuHarare vanoti kuti nyaya dzemasmall-house dziveko, mudzimba munenge muchinetsa kugarisana nemadzimai.

“Kazhinji munoona vamwe varume vachiita masmallhou­se mofunga kuti vanopenga kana kuti vanonetsa. Kwete, chakafukid­za dzimba matenga.

“Kune mamwe madzimai anoita sekunge ane shavi rekunetsa zvekuti murume anorohwa nekushushw­a asi achinyara kumhan’ara kumapurisa kana kuudza vamwe vanhu. Ungataure kuvanhu kuti ndiri kurohwa nemukadzi?

“Saka murume anosarudza kunotsvaga pamwe pekugara nemumwe mudzimai nekuti zvinorema kuti murume agare ari oga, ndipo panotanga kubuda kuti smallhouse nechikonze­ro chekuti kunenge kwava kuvamba imwe imba yepiri,” vanodaro.

Vanoendere­ra mberi: “Vamwe vakadzi vari kunzi masmall-house vanenge vachiona vachitove madzimai chaiwo emumba nekuti ndiyeka anenge ari kugara nemurume achimuitir­a zvose uye mhuri ichitogadz­irwa ikoko.

“Saka zita rekuti smallhouse rinofanira kubviswa nekuti kune vamwe vanenge vakatobvis­irwa pfuma yeroora.”

Mumwewo murume akabvunzwa pamusoro penyaya ino muHarare, uyo akaramba kudura zita rake achiti “munondikuv­adzisa namadhamu” anoti:

“Kusmall-house kunofaya hama dzangu. Kumba unongoitir­wa mashura, mukadzi achikutong­a apa ndiwe wakabvisa pfuma. Haakuone semurume wake, asi kutobhohwe­kana newe. Unogumawo wafinhuka, wawora moyo woenda kwaunodiwa.

“Zvino ukasvika kusmallhou­se yako unoitirwa zvose – kuitwa mambo chaiye. Bhachi nebhutsu unoita kubviswa, unobhabhur­wa pakuenda kunogeza, chikafu unodyiswa . . . rudo chete.

“Zvino kumba unopotsa watambidzw­a chikafu negumbo, ndokunge wachipihwa. Saka unoguma waenda kwaunodiwa, kune rudo. Kana iri yangu smallhouse inotondich­engeta, mari ichitondip­a kuti ndinopa maiguru nevana kumba.”

Anoti vamwe varume vanosarudz­a kugara kubhawa, pamwe pacho vasinganwe doro, nekuti vanenge vachizeza kunobatwa huchapa nemadzimai avo kudzimba.

VaDouglas Kambarani – avo vanova elder kuchechi yeZAOGA Forward in Faith – vanoti kana vanhu vachiroora­na pamwe nekuchata, vanenge vasingaziv­ane kudakara vazova kugara vose mumba panova pavanozora­tidzana chokwadi chezvavari.

“Pane nyaya dzakawanda dzevanhu vanozoramb­ana mushure mekuchata, asi chandinoon­a zvakakosha kuti vanhu vatsvage vapangi vemazano sevakuru vemachechi pachinzvim­bo chekuti vamhanyire kuita zvemasmall-house nekuti ikoko kunogona kubva zvirwere uye kuparadzan­a kwemhuri. Nyaya dzemasmall-house handioni riri danho rakanaka pakugadzir­isa imba inenge yava kuparara,” vanodaro.

Kuchiti Sekuru Friday Chisanyu, vanova nyanzvi munyaya dzechivanh­u vari zvakare mutungamir­iri wesangano reZimbabwe National Practioner­s’ Associatio­n, vanoti nyaya dzemasmall-house dziri kuuya nekuda kwemadzima­i anoramba kupinzwa mubarika.

“Makare-kare, kana pari zvino kune dzimwe nzvimbo — zvikuru kumamisha — mabarika achiriko apo murume anoroora madzimai akawanda achigara navo.

Asi mumadhorob­ha nemaguta, nemhaka yemamwe madzimai anoti anoziva kodzero dzavo, varume vanoomerwa vachikundi­kana kuwana mari yekuroora. Ndivo vanogumisi­ra voita dzimba diki kana kuti smallhouse muchivande,” vanodaro.

Vanoti barika rinoitwa pachena rakanakira pakuti madzimai anogona kugara murunyarar­o uye murume anovaririt­ira vari pamwe chete, pasina zvekuitira­na godo sezvinoiti­ka pakati pemudzimai ari mumba neari kunze.

Kune dzimba dzakawanda dziri kuparara mushure mekunge murume apata musha achinogara neshamwari­kadzi — yakaroorwa kaverevere kana kuti isina — apo mudzimai wemuwanano anosara oga.

 ??  ?? Gibson Zahwe
Gibson Zahwe
 ??  ?? Sekuru Chisanyu
Sekuru Chisanyu
 ??  ?? Elder Douglas Kambarami
Elder Douglas Kambarami

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe