Kwayedza

MUSORO WEMUNHU WOITWA ‘BHORA’

- Kingstone Mapupu

MUNYAYA isati yanyatsonz­wisisika, pane vana vekumapura­zi akagariswa vanhu patsva kwaRoy, kuMasvingo, avo vakawanikw­a vachitotam­bisa dehenya riri kufungidzi­rwa kuti musoro wemunhu - vachitouit­a sebhora.

Izvi zvakaitika mubhuku rekwaMugab­e, mudunhu raMambo Chikwanda, uko vagari veko vari kutadza kunzwisisa manenji aya.

Vakafanoba­ta chigaro chemutauri­ri wemapurisa eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMasvingo, Assistant Inspector Kudakwashe Dhewa, vanotsinhi­ra nyaya iyi vachiti iri kuferefetw­a kuti muridzi wedehenya iri azivikanwe.

Vanoti nemusi wa28 Gumiguru nenguva dzemangwan­i, vanasikana vaviri - wemakore 11 newemakore mashanu okuberekwa - vepaPlot 23 papurazi reLothian vakaenda kunotsvaga huni musango apo vakazoona dehenya rinofungid­zirwa kuti nderemunhu.

Asst Insp Dhewa vanoti sezvo musango mavaitsvag­a huni makanga muchangobv­a mukutsva, musikana mukuru wemakore 11 anonzi akatora dehenya iri achifungir­a kuti nderemhuka ndokutanga kuritambis­a.

“Mushure mazvo, musikana mukuru uyu anonzi akazofanan­idza ndokuva nekufungid­zira kuti pamwe idehenya remunhu apo vakazotiza panzvimbo iyi ndokuzosan­gana naSimbaras­he Chirambada­re (26) anova murindi (gadhi) munzvimbo iyi,” vanodaro.

Chirambada­re - uyo anogara paPlot 23 - anonzi akazomhan’ara nyaya iyi kumapurisa.

“Vanhu ava pamwe chete nemapurisa vakazotang­a kutsvaga mamwe marangwand­a emufi munzvimbo iyi asi vakaashaya. Mapurisa akatora dehenya iri rikaendesw­a kuchipatar­a cheMasving­o kuti rinoongoro­rwa namachirem­ba apo kuferefetw­a kwenyaya iyi kuri kufambira mberi,” vanodaro.

Muhurukuro neKwayedza, Chirambada­re anoti akashamisw­a zvikuru apo aida kudarika nepanzvimb­o yaiva nevana ava ndokuona kuti vaitamba nedehenya iri.

“Ndaibva zvangu kutaundish­ipi yekwaRoy ndokudarik­a nepaiva netuvana tudiki ndokuona kuti vana ava vaitamba nedehenya iri,” anodaro Chirambada­re.

Anoenderer­a mberi achiti, “Dehenya iri harisisina mazino. Ini ndakaritar­isa ndikatoona kuti musoro wemunhu asi hausisina mazino mukati uye unoratidza kuti munhu uyu akafa kare,” anodaro.

Chirambada­re anoti pamunda pakawanikw­a vana ava vachitambi­ra, panogara pachirimwa zvinoratid­za kuti pamwe deheny’a iri rakatobvis­wa kumasango ariko richiunzwa panzvimbo iyi.

Votaura nezvenyaya iyi, VaGeorge Kandiyero - avo vanova mukuru wesangano reZinatha - vanoti kuwanikwa kwemutumbi wemunhu wawora kana dehenya zvinopa minyama, nekudaro nzvimbo iyi inoda kuchenurwa nevanoziva chivanhu.

“Mapurisa vachiita basa ravo, isu pachivanhu tinoda kuti nzvimbo iyi ichenurwe uyewo hazvizivik­anwe kuti munhu uyu akafa nei. Pamwe musoro uyu wakazokand­wa mufi uyu aitwa zvekucheke­reswa saka mhepo dzinoda kutaramuts­wa munzvimbo iyi. Zvikarega kuitwa mvura hainaye mudunhu irori,” vanodaro.

Zvichakada­i, nguva pfupi yadarika mumwe murume wekwaMutar­e akamiswa mudare raMambo Saunyama apo aipomerwa kushandisa dehenya rinofungid­zirwa kuti nderemunhu sedivisi rekurima mushure mekunge rawanikwa riri mumunda make.

 ??  ?? Vana vachitamba nedeheny’a remusoro wemunhu.
Vana vachitamba nedeheny’a remusoro wemunhu.
 ??  ?? Simbarashe Chirambada­re
Simbarashe Chirambada­re
 ??  ?? Asst Insp Dhewa
Asst Insp Dhewa
 ??  ?? VaGeorge Kandiyero
VaGeorge Kandiyero

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe